1Zvino paivapo paAndiyokiya mukereke vamwe vaporofita nevadzidzisi, Bhanabhasi naSimioniwo wainzi Nigeri, naRukio muKurini, naManaeni wakange arerwa pamwe naHerodhe umwe wevatungamiriri vana, naSauro.2Vakati vachishumira kuna Ishe nekutsanya, Mweya Mutsvene ukati: Nditsaurirei Banabhasi pamwe naSauro pabasa randakavadanira.3Ipapo vatsanya nekunyengetera nekuisa maoko pamusoro pavo, vakavaendesa.4Naizvozvo zvirokwazvo ivo vakati vatumwa neMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia, vakabvapowo vakaenda kuSaipuresi nechikepe.5Zvino vasvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge evaJudha; uye vakange vanaJohwaniwo mubatsiri.6Zvino vakati vagura nemuchiwi kusvikira paPafosi, vakawana imwe n'anga, muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi Bhari-Jesu.7Wainge ane mutungamiriri Sejiyo Pauro, murume wakachenjera. Iye wakadanira kwaari Bhanabhasi naSauro akatsvaka kunzwa shoko raMwari.8Asi Erimasi n'anga, nekuti ndiro zita rake kana zvichishandurwa, akavapikisa, achitsvaka kutsausa mutungamiriri parutendo.9Asi Sauro, ndiye Paurowo, azadzwa neMweya Mutsvene, uye amutarisisa,10wakati: Iwe uzere nekubiridzira kose nekunyengera kose, mwanakomana wadhiabhorosi, muvengi wekururama kose, haugumi here kutsausa nzira dzakarurama dzaIshe?11Uye ikozvino tarira, ruoko rwaIshe rwuri pamusoro pako, uye uchava bofu, usingaoni zuva kwenguva. Pakarepo mhute nerima zvakamuwira, akatenderera achitsvaka vangamutungamirira neruoko.12Panguva iyo mutungamiriri wakati aona zvakaitika akatenda, achishamiswa nedzidziso yaIshe.13Zvino Pauro nevaiva naye vakabva Pafosi nechikepe vakasvika paPega muPamufiriya. Asi Johwani wakabva kwavari akadzokera kuJerusarema.14Asi ivo vakati vagura vachibva paPega, vakasvika kuAndiyokiya muPisidhiya; vakapinda musinagoge nezuva resabata, vakagara pasi.15Zvino shure kwekuverengwa kwemurairo nevaporofita, vakuru vesinagoge vakatumira kwavari, vachiti: Varume hama, kana kune shoko mukati menyu rekuridziro kuvanhu, taurai.16Zvino Pauro wakasimuka, ndokuninira neruoko, akati: Varume vaIsraeri, nemwi munotya Mwari, teererai.17Mwari wevanhu urwu rwaIsraeri wakasarudza madzibaba edu, akakudza vanhu vachiri vatorwa munyika yeEgipita, uye neruoko rwakakwirira akavabudisa mairi.18Uye akava nemoyo murefu nemaitiro avo nguva inene makore makumi mana murenje.19Zvino wakati aparadza marudzi manomwe munyika yeKanani, akavagovera nyika yavo nemujenya.20Zvino shure kweizvozvo, makore anenge mazana mana nemakumi mashanu, wakavapa vatongi kusvikira kuna Samueri muporofita.21Uye kubvira ipapo vakakumbira mambo; Mwari ndokuvapa Sauro mwanakaomana waKishi, murume werudzi rwaBenjamini, kwemakore makumi mana.22Zvino wakati amubvisa, wakavamutsira Dhavhidhi kuva mambo, waakapupurirawo akati: Ndawana Dhavhidhi waJese, murume unoenderana nemoyo wangu, uchaita chido changu chose.23Pambeu yeuyu sechivimbiso, Mwari wakamutsira Israeri Muponesi Jesu;24iye asati asvika Johwani wakaparidza pakutanga rubhabhatidzo rwekutendeuka kuvanhu vose vaIsraeri.25Zvino Johwani wakati azadzisa rwendo rwake, akati: Munofunga kuti ndini ani? Ini handisi iye, asi tarirai, shure kwangu unouya, wandisakafanira kusunungura shangu dzetsoka dzake.26Varume hama, vana verudzi rwaAbhurahamu, neavo pakati penyu vanotya Mwari, shoko reruponeso urwu ratumirwa kwamuri.27Nekuti avo vanogara muJerusarema nevatungamiriri vavo havana kumuziva uyu, kana manzwi evaporofita anoverengwa zuva resabata rimwe nerimwe vakaazadzisa pakumurasha;28uye kunyange vasina kuwana mhosva yerufu, vakakumbira kuna Pirato kuti aurawe.29Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuradzika muguva.30Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa;31iye wakaonekwa mazuva mazhinji neavo vakange vakwira naye kuJerusarema vachibva Garirea, vari zvapupu zvake kuvanhu.32Nesu tinoparidza kwamuri mashoko emufaro echivimbiso chakaitwa kumadzibaba,33kuti Mwari wakazadzisa ichocho kwatiri, isu vana vavo, pakuti wakamutsazve Jesu sezvazvakanyorwawo mupisarema rechipiri kuti: Iwe uri mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka.34Zvino zvekuti wakamumutsa kuvakafa, asadzokerazve kukuora, wakareva sezvizvi: Ndichakupai maropafadzo matsvene anovimbika aDhavhidhi.35Naizvozvo unoti pane imwe nzvimbo: Hamungapi Mutsvene wenyu kuti aone kuora;36nekuti Dhavhidhi, ashumira zano raMwari pazera rake wakarara, uye wakaradzikwa kumadzibaba ake, ndokuona kuora;37asi Mwari waakamutsa, haana kuona kuora.38Naizvozvo ngazvizikamwe kwamuri, varume hama, kuti neuyu kangamwiro yezvivi inoparidzirwa imwi;39uye neuyu vose vanotenda vanonzi havana mhosva pazvinhu zvose zvamakange musingagoni kushaiswa mhosva pazviri nemurairo waMozisi.40Naizvozvo onai kuti zvirege kuwira pamusoro penyu zvakarehwa muvaporofita, zvinoti:41Tarirai, imwi vazvidzi, uye mushamiswe, nekuparara; nekuti ini ndinobata basa pamazuva enyu, basa ramusingatozombotendi, kunyange muchirirondedzerwa nemunhu.42Zvino pakubuda kwevaJudha musinagoge, vahedheni vakakumbira kuti mashoko awa aparidzwe kwavari pasabata raitevera.43Zvino vesinagoge vakati vapera, vazhinji vevaJudha nevakatendeukira kuvaJudha vainamata vakatevera Pauro naBhanabhasi; ivo vakataura kwavari, vachivakumbira kuti varambire munyasha dzaMwari.44Zvino nesabata rakatevera guta rinenge rose rakaungana kuzonzwa shoko raMwari.45Zvino vaJudha vakati vachiona zvaunga vakazadzwa negodo, vakapikisa zvinhu zvakarehwa naPauro, vachipikisa uye vachinyomba.46Asi Pauro naBhanabhasi vachitaura vakashinga vakati: Zvakange zvakafanira kuti shoko raMwari ritaurirwe kwamuri pakutanga; asi zvamarininira kure, uye mazvitongera kusafanira upenyu hwusingaperi, tarirai, zvino tinotendeukira kuvahedheni.47Nekuti Ishe wakatiraira saizvozvo achiti: Ndakakugadza kuva chiedza chevahedheni, Kuti uve weruponeso kusvikira kumugumo wenyika.48Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvi vakafara, uye vakakudza shoko raIshe, neuwandu hwevose vakange vatarirwa upenyu husingaperi vakatenda;49uye shoko raIshe rikaparadzirwa kudunhu rose.50Asi vaJudha vakamutsa vakadzi vaishumira vaikudzwa, nevarume vakuru veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi rushusho, vakavadzinga kubva kumiganhu yavo.51Asi ivo vakavazuzira guruva retsoka dzavo, vakasvika Ikoniyamu.52Zvino vadzidzi vakazadzwa nemufaro neMweya Mutsvene.