Shona

Acts

14

1Zvino zvakaitika paIkoniyamu, vakapinda pamwe musinagoge revaJudha, vakataura zvokuti chaunga chikuru chevaJudha nechevaGiriki chakatenda.2Asi vaJudha vasingatendi vakamutsa nekuipisa moyo yevahedheni kuvapesanisa nehama.3Naizvozvo vakagara nguva refu vachitaura vakashinga muna Ishe unopupurira shoko renyasha dzake, uye unovapa kuita zviratidzo nezvishamiso nemaoko avo.4Asi chaunga cheguta chakakamurwa; vamwe ndokuva nevaJudha, vamwe nevaapositori.5Zvino kwakati kwava nekushusha kwevahedheni nekwevaJudhawo nevatungamiriri vavo, kuvabata zvakaipa nekuvataka nemabwe,6vakati vazviziva, vakatizira kumaguta eRikaonia, Ristra neDhebhe, nekudunhu rakapoteredza;7neipapo vakaparidza evhangeri.8Zvino paRistra paigara umwe murume wakange asina simba patsoka dzake, ari chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba.9Uyo wakanzwa Pauro achitaura; iye akamutarisisa, akaona kuti une rutendo kuti aporeswe,10akati nenzwi guru: Simuka, uti tasa netsoka dzako. Zvino akakwakuka akafamba.11Zvino zvaunga, zvakati zvaona Pauro zvaakange aita, zvakasimudza manzwi azvo zvichiti nerurimi rwechiRikaonia: Vamwari vaburukira kwatiri vakafanana nevanhu.12Bhanabhasi vakamutumidzawo Zeusi, naPauro Hemesi, nekuti ndiye waiva mutungamiriri wekutaura.13Zvino mupristi waZeusi waiva pamberi peguta ravo, wakauisa nzombe nezvishongo pamisuwo, achida kubayira pamwe nechaunga.14Asi vaapositori Bhanabhasi naPauro vakati vanzwa, vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pechaunga, vachidanidzira,15ndokuti: Varume, munoitirei zvinhu izvi? Isuwo tiri vanhu vane manzwiro mamwe nemwi, tinokuparidzirai mashoko akanaka kuti pane izvozvi zvisina maturo mutendeukire kuna Mwari mupenyu, wakaita denga nepasi negungwa nezvinhu zvose zviri mazviri.16Iye pamazera akapfuura wakatendera vahedheni vose kufamba nenzira dzavo.17Zvakadaro haana kuzvisiya asina uchapupu, pakuti wakaita zvakanaka nekutipa mvura kubva kudenga nenguva dzezvibereko, achizadza moyo yedu nechikafu nemufaro.18Zvino vachitaura zvinhu izvi, zvairema kwazvo kugumisa zvaunga kubayira kwavari.19Asi kwakasvika vaJudha vakabva Andiyokiya neIkoniyamu, vanyengetedza zvaunga, zvino vakati vataka Pauro nemabwe, vakamukwevera kunze kweguta, vachiti wafa.20Asi vadzidzi vakati vamuunganira, akasimuka akapinda muguta; zvino chifume akasimuka naBhanabhasi akaenda kuDhebhe.21Vakati vaparidzawo evhangeri kuguta iro, uye vaita vazhinji vadzidzi, vakadzokera kuRistra neIkoniyamu neAndiyokiya,22vachisimbisa mweya yevadzidzi, vachivakurudzira kurambira parutendo, uye kuti tinofanira kupinda muushe hwaMwari nemumatambudziko mazhinji.23Zvino vakati vavagadzira vakuru pakereke imwe neimwe, vanyengetera nekutsanya, vakavakumikidza kuna Ishe, wavaitenda kwaari.24Zvino vakati vagura nePisidhiya vakasvika Pamufiriya.25Uye vakati vaparidza shoko paPega, vakaburukira Ataria;26vakabvapo nechikepe vakaenda kuAndiyokiya, apo pavakange vakumikidzwa munyasha dzaMwari kubata basa ravakange vapedzisa.27Vakatiwo vasvika vakaunganidza kereke, vakarondedzera zvose Mwari zvakange aita kubudikidza navo, uye kuti wakange azarurira sei mukova werutendo vahedheni.28Ipapo vakagara nguva isati iri pfupi nevadzidzi.