1Zvino vamwe vakaburuka kubva kuJudhiya, vakadzidzisa hama vachiti: Kana musingadzingiswi netsika yaMozisi, hamugoni kuponeswa.2Naizvozvo kwakati kwava nekupesana nekupikisana kusati kuri kuduku kwaPauro naBhanabhaisi navo, vakaronga kuti Pauro naBhanabhasi nevamwe vavo vakwire kuJerusarema kuvaapositori nevakuru, pamusoro peshoko renharo idzi.3Naizvozvo vakati vachiperekedzwa nekereke, vakagura neFenike neSamaria, vachirondedzera zvekutendeuka kwevahedheni; vakaitira hama dzose mufaro mukuru.4Zvino vakati vasvika kuJerusarema, vakagamuchirwa nekereke nevaapositori nevakuru, vakarondedzera zvose Mwari zvaakaita navo.5Asi kwakamuka vamwe vebato revaFarisi vaitenda, vachiti: Zvinofanira kuvadzingisa, nekuvaraira kuchengeta murairo waMozisi.6Vaapositori nevakuru vakuungana pamwe kuti vaongorore shoko iri.7Zvino vakati vakakavadzana zvikuru, Petro wakasimuka akati kwavari: Varume hama, munoziva kuti pamazuva ekutanga Mwari wakasarudza pakati pedu, kuti nemuromo wangu vahedheni vanzwe shoko reevhangeri, uye vatende.8Uye Mwari muzivi wemoyo wakapupura nezvavo, achivapa Mweya Mutsvene, sekwatiriwo;9uye haana kuisa mutsauko pakati pedu navo, achinatsa moyo yavo nerutendo.10Naizvozvo ikozvino munoidzirei Mwari, kuisa joko pamitsipa yevadzidzi, ratisina kugona kutakura isu nemadzibaba edu?11Asi nenyasha dzaIshe Jesu Kristu tinotenda kuti isu tinoponeswa, sezvakaitwa ivowo.12Chaunga chose ndokunyarara; ndokuteerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera kukura kwezviratidzo nezvishamiso Mwari zvaakaita navo pakati pevahedheni.13Zvino ivo vakati vanyarara, Jakobho akapindura achiti: Varume hama, teererai kwandiri:14Simioni warondedzera kuti Mwari wakashanyira vahedheni sei pakutanga kuti atorere zita rake vanhu kwavari.15Nemashoko evaporofita anobvumirana neizvi; sezvazvakanyorwa zvichinzi:16Shure kweizvi ndichadzoka, uye ndichavakazve tende raDhavhidhi rakawa; uye ndichavakazve matongo aro, uye ndicharimisa;17Kuti vakasara vevanhu vatsvake Ishe, nevechirudzi vose pavanodamwa nezita rangu, ndizvo zvinoreva Ishe unoita zvinhuizvi zvose.18Anozikamwa kuna Mwari mabasa ake ose kubva pakusingaperi.19Naizvozvi ndinogura kuti tirege kutambudza pakati pevahedheni vakatendeukira kuna Mwari;20asi tivanyorere kuti vabve pazvakashatiswa zvezvifananidzo, neupombwe, nezvakadzipwa, neropa.21Nekuti Mozisi unavo kubva pamazera ekare vanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achiverengwa mumasinagoge sabata rimwe nerimwe.22Zvino zvikaonekwa zvakanaka kuvaapositori nevakuru nekereke yose, kuti vatume varume vakasarudzwa pakati pavo kuAndiyokiya naPauro naBhanabhasi; Judhasi wainzi Bhasabhasi, naSirasi, varume vakuru pakati pehama,23vakanyora neruoko rwavo seizvi: Vaapostora nevakuru nehama, kwaziso kuhama dzekuvahedheni paAndiyokiya, neSiria, neKirikia.24Sezvatakanzwa kuti vamwe vakabuda kwatiri vakakutambudzai nemashoko, vachikanganisa mweya yenyu, vachiti mudzingiswe nekuchengeta murairo, ivo vatisina kuraira;25zvaonekwa zvakanaka kwatiri tava nemwoyo umwe, kusarudza titumire varume kwamuri, nevadikamwa vedu Bhanabhasi naPauro,26vanhu vakapira upenyu hwavo nekuda kwezita raIshe wedu Jesu Kristu.27Naizvozvo tatuma Judhasi naSirasi, ivo vachataurawo zvimwe chete neshoko remuromo.28Nekuti zvakaonekwa zvakanaka kuMweya Mutsvene, nekwatiri, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru, kunze kwezvinhu izvi zvakafanira,29kuti mubve pazvakabayirwa zvifananidzo neropa nechakadzipwa neupombwe; kana mukabuda pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka.30Zvino vakati vaendeswa, vakasvika kuAndiyokiya; vakati vaunganidza chaunga, vakakumikidza tsamba.31Vakati vaverenga vakafara zvikuru pamusoro pekukurudzirwa.32Judhasi naSirasi, vaiva vaporofitawo pachavo, vakakurudzira hama nemashoko mazhinji, nekuvasimbisa.33Vakati vagara kwenguva, vakaendeswa nehama murugare kuvaapositori,34Asi zvakaonekwa zvakanaka naSirasi kuti asarepo.35Paurowo naBhanabhasi vakasara paAndiyokiya vachidzidzisa nekuparidza shoko raIshe, nevamwe vazhinjiwo.36Zvino shure kwemamwe mazuva Pauro wakati kuna Bhanabhasi: Ngatidzokere zvekare tishanyire hama dzedu muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raIshe, tione kuti vakadini.37Asi Bhanabhasi wakange aronga kutora Johwani wainzi Mako, kuti afambe naye.38Asi Pauro wakafunga kuti zvakanaka kusamutora afambe navo iye wakavasiya paPamufiriya, akasaenda nawo kubasa.39Kukauya kukakavadzana kukuru zvekuti vakabva vaparadzana nepakati, umwe kubva kune umwe, nekudaro Bhanabhasi akatora Mako, akaenda Saipuresi nechikepe.40Asi Pauro wakasarudza Sirasi, akabuda akenda, aiswa panyasha dzaMwari nehama.41Nokugura neSiria neKirikia, achisimbisa kereke.