Shona

Acts

16

1Zvino akasvika paDhebhe neRistra; zvino tarira, ipapo paiva neumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana weumwe mukadzi muJudhakadzi waitenda; asi baba vake vaiva muGiriki.2Iye waipupurwa nezvake zvakanaka nehama dzepaRistra neIkoniyamu.3Iye Pauro wakada kuti abude naye, akamutora akamudzingisa nekuda kwevaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nekuti vose vakange vachiziva kuti baba vake muGiriki.4Zvino vakati vachipfuura nemumaguta, vakavakumikidza zviga kuti vachengete, zvakatemwa nevaapositori nevakuru vepaJerusarema.5Naizvozvo kereke dzakasimbiswa parutendo, dzikawedzera pauwandu zuva rimwe nerimwe.6Zvino vakati vagura Frigia nedunhu reGaratia, vadziviswa neMweya Mutsvene kuparidza shoko paAsia.7Zvino vakati vasvika pakatarisana neMisia, vakaidza kuenda Bhitinia, asi Mweya haana kuvatendera.8Vakati vapfuura Misia vakaburukira Troasi.9Chiratidzo chikaonekwa kuna Pauro usiku; umwe murume weMakedhonia wakange amire achimukumbira zvikuru achiti: Yambukira Makedhonia, utibatsire.10Zvino wakati aona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kubuda tiende Makedhonia, tapedza tichiti zvirokwazvo Mwari watidana kunoparidza evhangeri kwavari.11Naizvozvo takabva Troasi nechikepe, tikaruramira Samotirasi; fumewo kuNeapori;12tikabvapo, tikaenda kuFiripi, rinova ndiro guta guru redunhu reMakedhonia, raitongwa neimwe nyika; tikagara mamwe mazuva muguta iro.13Nezuva resabata tikabuda kunze kweguta kurutivi rwerwizi, paifanira kuitirwa munyengetero; tikagara pasi, tikataura nevakadzi vakange vaunganapo.14Zvino umwe mukadzi wainzi Ridhiya, mutengesi wezvine ruvara rwehute, weguta reTiatira, wainamata Mwari, akatinzwa; moyo wake Ishe waakazarurwa kuti ateerere zvinhu zvaitaurwa naPauro.15Zvino wakati abhabhatidzwa, neimba yake, akakumbira; achiti: Kana maona kuti ndinotenda kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare. Akatikumbirisa.16Zvino zvakaitika pataipinda kunonyengetera, umwe musikana waiva nemweya wokuuka akasangana nesu, waiwanira vatenzi vake mibairo mizhinji nekuuka.17Iye akatevera Pauro nesu achidanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wekumusoro-soro, vanotiparidzira nzira yeruponeso.18Izvi wakazviita mazuva mazhinji. Asi Pauro arwadziwa, akatendeuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Ukabuda nenguva iyoyo.19Zvino vatenzi vake vakati vachiona kuti tariro yemibairo yavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pevatongi,20akati avauisa kuvatongi, vakati: Vanhu ava vaJudha vanopesanisa guta redu zvikuru,21vachiparidza tsika dzisiri pamutemo kwatiri kugamuchira kana kutevedza, tiri vaRoma.22Zvino chaunga chikavamukira pamwe, vatongi vakavabvarurira nguvo dzavo, vakaraira kuti varohwe netsvimbo.23Zvino vakati vaisa mavanga mazhinji pamusoro pavo, vakavakanda mutirongo, vakaraira murindi wetirongo kuti avachengete kwazvo.24Iye wakati agamuchira murairo wakadaro, akavaisa mutirongo yemukati, akasimbisa makumbo avo mumatanda.25Zvino panenge pakati peusiku, Pauro naSirasi vakange vachinyengetera nekuimba nziyo kuna Mwari; vasungwa vakavanzwa.26Pakarepo kukavapo kudengenyeka kwenyika kukuru zvekuti nheyo dzetirongo dzakazununguswa; pakarepo mikova yose ikazarurwa, nezvisungo zvevose zvikasununguka.27Ipapo murindi wetirongo akapepuka pahope, achiona mikova yetirongo yakazaruka, akavhomora munondo wake, akada kuzviuraya, achifunga kuti vasungwa vatiza.28Ipapo Pauro akadanidzira nenzwi guru, achiti: Usazvikuvadza; nekuti tiri muno tose.29Zvino wakati akumbira mwenje akasvetukiramo, ndokusvika achibvunda ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi,30akavabudisira kunze akati: Madzishe, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?31Ivo vakati: Tenda kuna Ishe Jesu Kristu, zvino uchaponeswa iwe nemhuri yako.32Vakataura kwaari shoko raMwari nekuna vose vaiva mumba make.33Akavatora nenguva iyoyo yeusiku, akasuka mavanga, ndokubhabhatidzwa iye nevose vake pakarepo.34Zvino wakati aenda navo mumba make ndokuisa tafura yechikafu pamberi pavo, akafara zvikuru, nemhuri yake yose achitenda kuna Mwari.35Zvino kwakati kwaedza, vatongi vakatuma mapurisa vachiti: Regai vanhu vaya vaende.36Murindi wetirongo akaudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatongi vatuma shoko kuti musunungurwe; naizvozvo budai zvino muende nerugare.37Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena tisina kubatwa mhoswa isu tiri vaRoma, vakatiisa mutirongo; ikozvino veda kutibudisa chinyararire here? Haiwa, kwete! Ngavauye vamene vatibudise.38Mapurisa akaudza vatongi mashoko iwayo; vakatya pavakanzwa kuti vaRoma,39vakasvika vakavakumbira, vakavabudisa ndokukumbira kuti vabve muguta.40Zvino vakabuda mutirongo, vakapinda kwaRidhia; vakati vaona hama, vakavanyaradza ndokuenda.