Shona

Acts

17

1Zvino vakati vagura nemuAmufipori neAporonia, vakasvika paTesaronika paiva nesinagoge revaJudha;2Zvino setsika yaPauro wakapinda kwavari, masabata matatu akataurirana navo kubva mumagwaro,3achizarura nekuratidza kuti Kristu waifanira kutambudzika nekumukazve kuvakafa, uye kuti Jesu uyu wandinoparidza kwamuri, ndiye Kristu.4Vamwe vavo vakatenda, vakazvibatanidza naPauro naSirasi, nechaunga chikuru chevaGiriki vainamata Mwari, nevakadzi vaikudzwa vasiri vashoma.5Asi vaJudha vakange vasingatendi vakaita godo, vakatora vamwe varume vakaipa, dzaiva simbe, vakaunganidza chikwata, vakaita mhirizhonga paguta rose; vakawira imba yaJasoni, vachida kuvabudisira kuvanhu.6Vakati vasingavawani, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama kuvatongi veguta, vachidanidzira vachiti: Ava vakapidugura nyika vasvika nepanowo,7Avo Jasoni vaakagamuchira; ava vose vanoita zvinopesana nezviga zvaKesari vachiti umwe mambo uriko unonzi Jesu.8Vakavhiringidza vanhu nevatongi veguta pavakanzwa izvi zvinhu.9Zvino vakati vatora chibatiso kuna Jasoni nekuvamwe, vakavarega.10Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Bheriya usiku; ivo vakati vachisvika vakapinda musinagoge revaJudha.11Ava vakange vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nemwoyo wose, vachinzvera magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zvaiva izvo.12Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, nevakadziwo vaikudzwa vevaGiriki, nevarume vasiri vashoma.13Asi vaJudha veTesaronika vakati vachiziva kuti shoko raMwari rinoparidzwa naPauro paBheriya, vakasvikapowo vakamutsa chaunga.14Zvino pakarepo hama dzakatuma Pauro pakarepo seanoenda kugungwa, asi Sirasi naTimotio vakangosarapo.15Zvino avo vakaperekedza Pauro vakamusvitsa Atene; vakati varairwa kuna Sirasi naTimotio kuti vakurumidze kuuya kwaari, vakaenda.16Zvino Pauro achakavagarira paAtene, mweya wake wakatambudzika maari, achiona guta rizere zvifananidzo.17Naizvozvo wakapikisana musinagoge nevaJudha nevanhu vainamata Mwari, nepamusika zuva rimwe nerimwe nevaaisangana navo.18Zvino dzimwe nyanzvi dzekufunga dzevaEpikuro nevaStoiko, dzakaita nharo naye. Vamwe vakati: Uyu muropoti unoda kurevei? Vamwezve vakati: Unenge muparidzi wevamwari vekumwe; nekuti wakavaparidzira Jesu nekumuka kwevakafa.19Ipapo vakamubata, vakamuisa paAreopago vachiti: Tingaziva here dzidziso iyi itsva, inotaurwa newe?20Nekuti unoreva zvimwe zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kuziva kuti zvinhu izvi zvii?21Nekuti vose vaAtene nevatorwa vaigarapo, havana kushandisa nguva yavo pane chimwe chinhu asi kunzwa kana kutaura chinhu chitsva.22Zvino Pauro amira pakati peAreopago wakati: Varume veAtene, pazvinhu zvose ndinoona kuti mune chitendero chikuru.23Nekuti ndati ndichipfuura, ndichicherekedza zvinhu zvamunonamata, ndawana aritari ine chinyorwa ichi: KUNA MWARI USINGAZIKAMWI. Naizvozvo iye wamunonamata musingazivi, ndiye wandinokuparidzirai.24Mwari wakaita nyika nezvinhu zvose zviri mairi, iye Ishe wedenga nepasi, haagari mutembere dzakaitwa nemaoko,25kana kushumirwa nemaoko evanhu, sezvinonzi unoshaiwa chinhu, zvaari iye unopa vose upenyu nekufema nezvinhu zvose;26uye wakaita neropa rimwe marudzi ose evanhu, kuti agare pazviso zvose zvenyika, ambotara nguva dzakagara dzatemwa, nemiganhu yeugaro hwavo;27kuti vatsvake Ishe, zvimwe vamutsvangadzire vamuwane, kunyange asiri kure neumwe neumwe wedu.28Nekuti maari tinorarama uye tinofamba uye tiripo; sezvo vamwe vanyanduri vekwenyu vakati: Nekuti tiri zvizvarwa zvakewo.29Zvatiri zvizvarwa zvaMwari, hatifaniri kufunga kuti uMwari hwakafanana nendarama kana sirivheri kana ibwe, zvakavezwa neumhizha kana umhare hwevanhu.30Naizvozvo nguva dzekusaziva Mwari wakarega kurangarira, asi zvino unoraira vanhu ose kose-kose kuti vatendeuke.31Nekuti wakatara zuva raachatonga nyika mukururama, nemurume waakagadza; akasimbisa kune vose, pakuti wakamumutsa kuvakafa.32Zvino vakati vanzwa zvekumuka kwevakafa, vamwe vakashora, asi vamwe vakati: Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi,33Nekudaro Pauro wakabuda pakati pavo.34Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo Dhionisio, muAreopago, nemukadzi wainzi Dhamarisi, nevamwe vanavo.