1Shure kwezvinhu izvi, Pauro wakabva Atene akasvika Korinde;2akawana umwe muJudha wainzi Akwira nezita, wePonto, achibva Itaria, naPrisira mukadzi wake; nekuti Kraudhio wakange araira kuti vaJudha vose vabve Roma, akaenda kwavari;3zvino zvaakange ari webasa rimwe navo, wakagara navo vachibata; nekuti vaiva vagadziri vematende pabasa ravo.4sabata rimwe nerimwe waiparidza musinagoge, achikumbirisa vaJudha nevaGiriki.5Zvino Sirasi naTimotio vakati vachiburuka kubva Makedhonia, Pauro akamanikidzwa mumweya, akapupura kuvaJudha kwazvo kuti Jesu ndiye Kristu.6Zvino vakati vachimupikisa nekunyomba, akazuza nguvo, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena; kubva zvino ndichaenda kuvahedheni.7Akabva ipapo akapinda mumba meumwe, wainzi Justo, wainamata Mwari, imba yake yaiva pedo nesinagoge.8NaKrispo mutungamiriri mukuru wesinagoge akatenda kuna Ishe neimba yake yose; nevazhinji vevaKorinde vakanzwa vakatenda uye vakabhabhatidzwa.9Zvino Ishe akataura kuna Pauro usiku nechiratidzo: Usatya, asi taura uye usanyarara;10nekuti ini ndinewe, hapana munhu ungakumukira kuti akukuvadze; nekuti ndine vanhu vazhinji muguta rino.11Akagara gore nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.12Zvino Gario wakati ava mutungamiriri weAkaya, vaJudha vakamukira Pauro nemoyo umwe, vakamuuisa pachigaro chekutonga,13vachiti: Uyu unogombedzera vanhu kunamata Mwari zvinopesana nemurairo.14Zvino Pauro wakati oda kushamisa muromo, Gario akati kuvaJudha: Dai yaiva mhosva yezvisakarurama kana kunyengera kwakaipa, imwi maJudha ndaifanira kuva nemoyo murefu kwamuri;15asi kana dziri nharo pamusoro pemashoko nemazita nemurairo wenyu, zvionerei imwi; nekuti ini handidi kuva mutongi waizvozvo.16Akavadzinga pachigaro chekutonga.17Zvino vaGiriki vose vakabata Sositeni mutungamiriri wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chekutonga. Asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe cheizvozvo.18Pauro wakati agara mazuva mazhinji, akawonekana nehama, akabvapo nechikepe akaenda Siria, anaPrisira naAkwira, aveura musoro paKenikirea, nekuti wakange ane mhiko.19Zvino wakasvika Efeso, akavasiyapo; asi iye amene akapinda musinagoge akataurirana nevaJudha.20Zvino vakati vachimukumbira kugara navo nguva refu, haana rutendo;21asi wakavaoneka achiti: Ndinofanira nenzira dzose kuchengetedza mutambo uyu unouya muJerusarema; asi ndichadzokerazve kwamuri, kana Mwari achida, akabva paEfeso nechikepe.22Zvino wakati asvika Kesariya akakwira akakwazisa kereke, akaburukira Andiyokiya.23Wakati ambopedza nguva, akabva, akagura nedunhu reGaratia neFrigia achitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vose.24Zvino umwe muJudha wainzi Aporo, muArekisandira nekuzvarwa, murume nyanzvi yekutaura, ane simba pamagwaro, wakasvika paEfeso;25Uyu wakange adzidziswa nzira yaIshe, waishingaira mumweya, achitaura nekunyatsodzidzisa zvinhu zvaIshe, achiziva rubhabhatidzo rwaJohwani chete.26Iye akatanga kutaura asingatyi musinagoge. Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanyatsomududzira nzira yaMwari nemazvo.27Zvino wakati achida kuyambukira Akaya, hama dzakanyora dzichisimbisa vadzidzi kuti vamugamuchire; iye wakati achisvika, akabatsira zvikuru ivo vakatenda nenyasha.28Nekuti wakapikisa vaJudha nesimba pachena akakunda, achiratidza nemagwaro, kuti Jesu ndiyeKristu.