1Zvino zvakaitika kuti, Aporo achiri paKorinde, Pauro wakati agura nemativi ekumusoro, akasvika Efeso; akawana vamwe vadzidzi,2akati kwavari: Makagamuchira Mweya Mutsvene kubva zvamakatenda here? vakati kwaari: Kwete, asi hatina kutongonzwa kuti kune Mweya Mutsvene.3Zvino akati kwavari: Ko makabhabhatidzwa mune zvipi? Vakati: Murubhabhatidzo rwaJohwani.4Zvino Pauro akati: Johwani zvirokwazvo wakabhabhatidza rubhabhatidzo rwekutendeuka, achiti kuvanhu vanofanira kutenda kuna iye unouya shure kwake, iye Kristu Jesu.5Vakati vanzwa, vakabhabhatidzwa muzita raIshe Jesu,6Zvino Pauro wakati aisa maoko pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo, vakataura nendimi, vakaporofita.7Ivavo varume vose vainge gumi nevaviri.8Zvino wakapinda musinagoge, akataura akashinga kwemwedzi mitatu, achiparidza, achipwisa zveushe hwaMwari.9Asi vamwe vakati vachiomesa moyo vasingatendi, vachitaura zvakaipa pamusoro penzira iyo pamberi pechaunga akabva kwavari, akatsaura vadzidzi, akaparidza zuva rimwe nerimwe muchikoro cheumwe Tairano.10Izvozvi zvakaramba zvichiitwa kwemakore maviri, zvekuti vose vakange vagere paAsia vakanzwa shoko raIshe Jesu, vose vaJudha nevaGiriki.11Mwari akaita mabasa esimba asina kujairika nemaoko aPauro,12nekudaro micheka yekumeso nemafasikoti zvaibva pamuviri wake, zvaiiswa kuvarwere, hosha dzikabva kwavari, nemweya yetsvina ikabuda kwavari.13Zvino vamwe vaJudha vadzingi vemweya yetsvina vaipota-pota, vakaidza kudana zita raIshe Jesu pamusoro pevaiva nemweya yetsvina, vachiti: Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro.14Zvino vaiva vanakomana vanomwe vaSikevha muJudha mukuru wevapristi vaiita izvi.15Mweya wetsvina ukapindura ukati: Jesu ndinomuziva, naPauro ndinoziva maererano naye, asi imwi ndimwi vana ani?16Ipapo munhu waiva nemweya wetsvina akavakwakukira, akavakurira, akavakunda, zvekuti vakatiza mumba imomo vasina nguvo, vakuvadzwa.17Zvino izvi zvikazikamwa kune vose vaJudha nevaGirikiwo vakange vagere paEfeso, kutya kukavawira vose, zita raIshe Jesu rikakudzwa.18Zvino vazhinji vevakange vatenda vakauya, vakareurura, nekurondedzera mabasa avo.19Vazhinji vevaiita zveun'anga, vakaunganidza mabhuku avo pamwe, vakaapisa pamberi pevose; vakaverenga mutengo wawo, vakawana masirivheri zvuru makumi mashanu.20Naizvozvo shoko raIshe rikakura nesimba rikakunda.21Izvozvo zvakati zvapera, Pauro akazvipira mumweya kuenda kuJerusarema, kana ambogura nepaMakedhonia neAkaya, achiti: Kana ndaenda ikoko, ndinofanirawo kunoona Roma.22Zvino akatumira Makedhonia vaviri vevaimushandira, vanaTimotio naErasto, iye amene akagara Asia kwenguva.23Zvino nenguva iyoyo mhirizhonga isati iri diki ikavapo pamusoro penzira iyo.24Nekuti umwe, wainzi Dhemetrio, mupfuri wesirivheri, waiita zvitembere zvaDhiana zvesirivheri, zvaiuyisa mubairo usati uri muduku kumhizha.25Akadziunganidza pamwe nevamwe vebasa rakadaro, akati: Varume, munoziva kuti nebasa iri tinowana upfumi hwedu.26Zvino munoona nekunzwa kuti pasati pari paEfeso chete, asi panenge paAsia yose, Pauro uyu wakagombedzera nekutendesa chaunga, achiti: Zvakaitwa nemaoko havazi vamwari.27Zvino hahwuzi umhizha hwedu chete huri panjodzi yekuzvidzwa, asi kuti tembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichashoorwa neukuru hwake huchaparadzwa, iye, unonamatwa neAsia yose nenyika yose.28Zvino vakati vachizvinzwa vakazara nekutsamwa, vakadanidzira vachiti: Dhiana wevaEfeso mukuru!29Guta rose rikazadzwa nenyonganyonga; vakamhanyira nemoyo umwe panzvimbo paitambirwa, vakabata Gayo naArisitako vaMakedhonia vaiperekedza Pauro.30Zvino Pauro akada kupinda kuchaunga, vadzidzi havana kumutendera.31Nevamwe vevakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kupinda panzvimbo yekutambira.32Zvino vamwe vakadanidzira chinhu chimwe, vamwe chimwe; nekuti ungano yakange yanyonganiswa, vazhinji vasingazivi zvavakaunganira.33Ipapo vakabudisa Arekisandro kunze kwechaunga, vaJudha vachimusundira mberi; zvino Arekisandro akaninira neruoko, achida kuzvidavirira pamberi pevanhu.34Asi pavakaziva kuti iye muJudha, inzwi rimwe rikamuka kune vose, vakadanidzira maawa anenge maviri vachiti: Dhiana wevaEfeso mukuru!35Zvino munyori weguta wakati anyaradza vanhu akati: Varume veEfeso, munhu ndeupi usingazivi kuti guta ravaEfeso ndiro mushumiri wamwarikadzi mukuru Dhiana newechakawa kubva kuna Zeusi.36Naizvozvo zvinhu izvi zvazvisingagoni kurambwa, maifanira kunyarara musingaiti chinhu nekumhanyirira.37Nekuti mauya pano nevarume ava, vasati vari makororo etembere kana vamhuri vamwarikadzi wenyu.38Zvino kana Dhemetrio nemhizha dzinaye vane mhosva neumwe munhu, misi yekutonga inochengetedzwa, nevatongi varipo; ngavakwirirane.39Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu maererana nepamusoro pezvimwe zvinhu, zvingatemwa paungano iri pamutemo.40Nekuti tiri munjodzi yekukwirirwa nekuda kwebongozozo zvapasina chikonzero chatingapa rondedzero yenyongano iyi.41Zvino wakati ataura izvozvo, akaparadza ungano.