Shona

Acts

20

1Mhirizhonga yakati yamira, Pauro akadanira kwaari vadzidzi, akavambundikira, ndokubuda kuti aende Makedhonia.2Zvino wakati agura nemativi iwawo, avakurudzira zvikuru nemashoko mazhinji, akasvika Girisi.3Akati agara mwedzi mitatu, zano raitwa nevaJudha pamusoro pake, ava kuda kuenda Siria nechikepe, akazvipira kudzokera nepaMakedhonia.4Akaperekedzwa naSopatro weBheriya, neveTesaronika, Arisitako naSekundo, naGayo weDhebhe, naTimotio; uye Tikiko naTrofimo veAsia.5Ivo vakatungamira vakatimirira paTroasi.6Asi isu takabva Firipi nechikepe mushure memazuva ezvingwa zvisina mbiriso; tikasvika kwavari paTroasi mumazuva mashanu; patakagara mazuva manomwe.7Zvino nemusi wekutanga wevhiki, vadzidzi vaungana kumedura chingwa, Pauro akaparidza kwavari, akagadzirira kuenda chifume; akaredzva mharidzo kusvikira pakati peusiku.8Kwakange kune mwenje mizhinji muimba yekumusoro mavakange vakaungana.9Zvino pahwindo pakange pagere rimwe jaya rainzi Yutiko, rikabatwa nehope kwazvo, zvino Pauro wakati achiramba achiparidza, iro rikakundwa nehope, rikawira pasi, kubva panhurikwa yechitatu, rikasimudzwa rafa.10Ipapo Pauro akaburuka akawira pamusoro paro, akarimbundikira akati: Musazvinetsa, nekuti mweya waro uri mariri.11Zvino wakati akwirazve kumusoro, akamedura chingwa akadya, akataura nguva refu kusvikira kuchiedza, saizvozvo wakaenda.12Vakauya nemukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa zvisati zviri zvishoma.13Asi isu takatungamira kuchikepe, tikaenda nechikepe Aso, takananga kukwidza Pauro ipapo, nekuti wakange araira saizvozvo, iye achida kufamba netsoka.14Zvino wakati asangana nesu paAso, tikamukwidza, tikandosvika Mitirene;15tikabva ipapo nechikepe, fume tikasvika pakatarisana neKiyo; fume tikasvika paSamo; ndokugara paTrogiriamu chifume tikasvika Mireto.16Nekuti Pauro wakange akazvipira kupfuura Efeso nechikepe, nekuti wakange asingadi kupedza nguva paAsia; nekuti waimhanya kuti kana zvichibvira ave paJerusarema nezuva rePendekosita.17Zvino ari paMireto akatumira Efeso akadana vakuru vekereke.18Zvino vakati vasvika kwaari, akati kwavari: Munoziva kubva pazuva rekutanga randakasvika paAsia, mugariro wandakaita pakati penyu nguva dzose,19ndichibatira Ishe nekuzvininipisa kose, nemisodzi mizhinji, nemiedzo yakandiwira nerangano dzakaipa dzevaJudha;20kuti handina sei kuvanza zvingakubatsirai asi ndakakuratidzai nekukudzidzisai pachena dzimba nedzimba;21ndichipupura kwazvo zvose kuvaJudha nekuvaGiriki, kutendeukira kuna Mwari, nerutendo kuna Ishe wedu Jesu Kristu.22Zvino tarirai, ndinoenda kuJerusarema ndakasungwa mumweya, ndisingazivi zvichandiwira ikoko,23asi kuti Mweya Mutsvene unondipupurira kwazvo muguta rimwe nerimwe, kuti zvisungo nenhamo zvakandigarira.24Asi handirangariri chinhu pane izvi, uye handiverengi kuti upenyu hwangu hunokosha kwandiri kuti ndipedze rwendo rwangu nemufaro nebasa randakagamuchira kuna Ishe Jesu rekupupura kwazvo evhangeri yenyasha dzaMwari.25Zvino tarirai, ndinoziva kuti imwi mose vandakafamba pakati penyu ndichiparidza ushe hwaMwari, hamuchazooni chiso changuzve.26Naizvozvo ndinokupupurirai nhasi kuti ndakachena paropa revanhu vose;27nekuti handina kuvanza kukuparidzirai zano rose raMwari.28Naizvozvo zvichenjererei imwi, neboka rose pamusoro paro Mweya Mutsene pawakakuitai vatariri, kuti mufudze kereke yaMwari, yaakatenga neropa rake.29Nekuti ndinoziva izvi kuti kana ndaenda mapumhi anorura achapinda pakati penyu asingaregi boka.30Uye pakati penyu pachamuka varume vachataura zvinhu zvinotsausa, kuti vakwezve vadzidzi vavatevere.31Naizvozvo rindai, murangarire kuti munguva yemakore matatu handina kurega siku nesikati kuyambira umwe neumwe nemisodzi.32Uye ikozvino hama ndinokukumikidzai kuna Ishe, nekushoko renyasha dzake, iro rinogona kukuvakai, nekukupai nhaka pakati pevakaitwa vatsvene vose.33Handina kuchiva sirivheri kana ndarama kana nguvo yemunhu.34Imwi mumene munoziva kuti maoko awa akabatira kushaiwa kwangu nekwevanhu vandaiva navo.35Pazvinhu zvose ndakakuratidzai, kuti muchibata saizvozvi munofanira kubatsira vasina simba, nekurangarira mashoko aIshe Jesu, kuti iye wakati: Kwakaropafadzwa kupa kupfuura kugamuchira.36Zvino wakati ataura saizvozvi, akafugama, akanyengetera navo vose.37Vakachema zvikuru vose; vakawira pamutsipa waPauro vakamutsvoda,38vachishungurudzika kwazvo neshoko raakataura, kuti havachazooni chiso chakezve. Ipapo vakamuperekedza kuchikepe.