Shona

Acts

21

1Zvino zvakaitika kuti taparadzana navo, tikabva nechikepe, tikarurama muKose, fume muRodhe, tikabvapo, tikasvika Patara;2tikati tawana chikepe, chaiyambukira Fonisiya, tikapinda, tikaenda nechikepe.3Takati toona Saipuresi, tikaisiya kuruoko rweruboshwe, tichienda Siria nechikepe, tikamhara paTire; nekuti chikepe chaifanira kututunura mutoro wacho ipapo;4zvino takati tawana vadzidzi, tikagarapo mazuva manomwe; ivo vakati kubudikidza nemweya kuna Pauro arege kukwira kuJerusarema.5Zvino takati tapedza mazuva iwayo takabuda tikaenda; uye vose vakatiperekedza nevakadzi nevana, kusvikira kunze kweguta; ipapo tikafugama pamahombekombe tikanyengetera.6Tawonekana takapinda muchikepe, asi ivo vakadzokera kwavo.7Isu takati tapedza rwendo kubva Tire, tikasvika Pitoremai, tikakwazisa hama, tikagara navo zuva rimwe.8Zvino fume isu taiva veboka raPauro tikabva, tikasvika Kesariya; zvino tikapinda mumba maFiripi muevhangeri, waiva umwe wevanomwe, tikagara naye.9Iyeyu wakange ane vakunda vana, mhandara dzaiporofita.10Zvino takati tichigarap mazuva mazhinji, kwakauya kubva Judhiya umwe muporofita wainzi Agabhusi,11uye wakati asvika kwatiri, akatora bhanhire raPauro, akazvisunga makumbo nemaoko, akati: Mweya Mutsvene unoreva kudai: Saizvozvo vaJudha paJerusarema vachasunga murume, mwene webhanhire iri, nekumuisa mumaoko avahedheni.12Zvino takati tichinzwa zvinhu izvi, isu tose nevenzvimbo iyo tikamukumbirisa kuti arege kukwira kuJerusarema.13Asi Pauro akapindura, akati; Munoitei, muchichema nekuodza moyo wangu? Nekuti ini ndakagadzirira kwete kusungwa chete, asi nekufa paJerusarema nekuda kwezita raIshe Jesu.14Zvino wakati achiramba kudzorwa, tikanyarara tikati: Kuda kwaIshe ngakuitwe.15Zvino shure kwem, takarongedza, tikakwira kuJerusarema.16Nevamwe vadzidzi veKesariya vakaenda nesu, uye vakauya neumwe Minaasoni weSaipuresi, mudzidzi wakare watainogara naye.17Zvino takati tichisvika kuJerusarema, hama dzikatigamuchira nemufaro.18Fume Pauro akapinda nesu kuna Jakobho; nevakuru vose vakange varipo.19Zvino wakati avakwazisa, ndokuvarondedzera chimwe nechimwe chezvinhu zvakaitwa naMwari pakati pevahedheni nekushumira kwake.20Ivo vakati vachizvinzwa, vakakudza Ishe, vakati kwaari: Unoona, hama, kuti zvuru zvingani zvevaJudha vanotenda; vose vanoshingairira murairo;21zvino vakaudzwa nezvako kuti iwe unodzidzisa vaJudha vose vari pakati pevahedheni kuti vasiye Mozisi, uchiti varege kudzingisa vana, kana kufamba netsika.22Zvino chii? Zvirokwazvo zvakafanira kuti chaunga chiungane, nekuti vachanzwa kuti wasvika.23Naizvozvo ita izvi zvatinotaura kwauri: Tine varume vana vane mhiko;24zvino uvatore, uzvinatse pamwe navo, uvaripire kuti vaveure misoro; kuti vose vazive kuti zvose zvavakaudzwa maererano newe hapana zviripo; asi iwewo pachako unofamba zvakanaka uchichengeta murairo.25Asi maererano nevahedheni vanotenda, takavanyorera nekutema kuti vasachengeta zvinhu zvakadai, kunze kwekuti vazvidzore pane zvakabayirwa zvifananidzo, neropa nezvakadzipwa neupombwe.26Ipapo Pauro akatora varume avo zuva raitevera, akazvinatsa pamwe navo, akapinda mutembere kuti azivise kupera kwemazuva okunatsa, kusvikira kwabairwa chibairo cheumwe neumwe.27Zvino mazuva manomwe akati opera, vaJudha vaibva Asia vakamuona mutembere, vakamutsa vanhu vose vakaisa maoko kwaari.28vakadanidzira, vachiti: Varume vaIsraeri, batsirai! Uyu ndiye munhu unodzidzisa vose kose-kose zvinopesana nevanhu, nemurairo, nenzvimbo ino, pamusoro pazvo unouisa vaGiriki mutembere, achisvibisa nzvimbo ino tsvene.29Nekuti vakange vamboona Trofimo muEfeso anaye muguta, wavaifungidzira kuti Pauro wakamuuisa mutembere.30Neguta rose rakanyonganiswa, vanhu vakamhanyira pamwe; vakabata Pauro, vakamukwevera kunze kwetembere, mikova ikazarirwa pakarepo.31Zvino vakati vachitsvaka kumuuraya, shoko rikakwira kumukuru wechuru chemazana chehondo, kuti Jerusarema rose ranyonganiswa.32Iye pakarepo akatora mauto nevakuru vezana, akaburuka achimhanyira kwavari. Ivo vakati vachiona mukuru wechuru chemazana nemauto, vakarega kurova Pauro.33Zvino mukuru wechuru chemazana akaswedera, akamubata, ndokuraira kuti asungwe nemaketani maviri; akabvunza kuti wainzi ani, uye kuti waitei.34Zvino vamwe pakati pevazhinji vakadanidzira chimwe chinhu, vamwe chimwe; zvino iye asingagoni kuziva chokwadi noekuda kwenyonganyonga, akaraira kuti vamuise kuimba yemauto.35Wakati achisvika pamitanho, akaita zvekutakurwa nemauto nekuda kwebongozozo rechaunga;36nekuti chaunga chevanhu chakatevera, chichidanidzira, chichiti: Mubvisei!37Zvino Pauro oda kupinzwa muimba yemauto wakati kumukuru wechuru: Ko ndingataura nemwi here? Iye akati: Unoziva chiGiriki here?38Ko hausi uya muEgipita wakadeya kumutsa bongozozo pamazuva apfuura here; akaendesa murenje zvuru zvina zvevarume vaiva mhondi?39Asi Pauro wakati: Ini ndiri munhu muJudha weTaso muKirikia, munhu weguta risiri duku. Zvino ndinokukumbirai: Nditenderei kutaura kuvanhu.40Zvino wakati amutendera, Pauro akamira pamitanho akaninira kuvanhu neruoko; zvino vakati vanyarara kwazvo, akataura kwavari nerurimi rwechiHebheru achiti: