Shona

Acts

22

1Varume hama, nemadzibaba, inzwai kuzvidavirira kwangu zvino kwamuri.2Ivo vakati vachinzwa kuti unotaura nerurimi rwechiHebheru kwavari, vakanyanya kunyarara, iye akati:3Ini ndiri zvirokwazvo murume muJudha, wakaberekerwa muTaso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika dzakazara dzemurairo wamadzibaba, ndichishingairira Mwari, sezvamuri mose nhasi;4ndikatambudza nzira iyi kusvikira parufu, ndichisunga nekukumikidza mutirongo vose varume nevakadzi;5nemupristi mukuru sezvaanopupura nezvangu nedare rose remakurukota evatariri; kwavari kwandakagamuchira tsamba kuhama, ndikaenda Dhamasiko kuti ndiuise kuJerusarema avo vaivapo vakasungwa, kuti varangwe.6Zvino zvakaitika kuti ndichifamba, ndoswedera Dhamasiko anenge masikati, pakarepo kwakaonekwa kubva kudenga chiedza chikuru chakandipoteredza.7Zvino ndakawira pasi, ndikanzwa inzwi richiti kwandiri: Sauro, Sauro, unondishushirei?8Ndikapindura, ndikati: Ndimwi ani Ishe? Akati kwandiri: Ndini Jesu weNazareta waunoshusha.9Zvino avo vaiva neni vakaona chiedza, vakatya, asi havana kunzwa inzwi rewakataura neni.10Zvino ndikati: Ndichaitei, Ishe? Ishe akati kwandiri: Simuka, uende Dhamasiko; apo uchaudzwa zvinhu zvose zvakatarirwa iwe kuti uite.11Zvino zvandakange ndisingagoni kuona nekubwinya kwechiedza icho, ndakatungamirirwa neruoko rwevaiva neni, ndikasvika Dhamasiko.12Zvino umwe Ananiasi, murume wainamata sezvinoreva murairo, waipupurwa nezvake zvakanaka nevaJudha vose vakange vagerepo,13akauya kwandiri akamira padivi pangu, akati kwandiri: Sauro hama, chionazve! Nenguva iyo ndikamuona.14Iye akati: Mwari wemadzibaba edu wakakusarudza, kare kuti uzive kuda kwake, nekuona iye wakarurama, nekunzwa inzwi remuromo wake.15Nekuti uchava chapupu chake kuvanhu vose chezvawakaona nekunzwa.16Ikozvino uchanonokerei? Simuka ubhabhatidzwe usukwe zvivi zvako, uchidana zita raIshe.17Zvino zvakaitika kuti ndadzokera kuJerusarema, ndichinyengetera mutembere, ndikaita chiyeverwa chemweya,18ndikamuona achiti kwandiri: Kurumidza ubve kuJerusarema ikozvino-zvino, nekuti havagamuchiri kupupura kwako maererano neni.19Zvino ndikati: Ishe, vanoziva kuti ini ndaiisa mutirongo nekurova musinagoge roga-roga avo vaitenda kwamuri;20nepakadururwa ropa raSitefano chapupu chenyu, neni ndakange ndimirewo ndichibvumirana nekuurawa kwake, ndakachengeta nguvo dzevaimuponda.21Zvino akati kwandiri: Enda, nekuti ndichakutuma kure kuvahedheni.22Vakamuteerera kusvikira pashoko iro; ipapo vakasimudza manzwi avo vachiti: Wakadai ngaabviswe panyika; nekuti hazvina kufanira kuti ararame.23Zvino vachidanidzira, vachirasha nguvo, vachikushira guruva kudenga,24mukuru wechuru akaraira, kuti aiswe kuimba yemauto achiti abvunzurudzwe nekurohwa netyava, kuti azive kuti ingavai ravaidanidzira kudai pamusoro pake.25Zvino vakati vamusunga nemakashu, Pauro akati kumukuru wezana wakange amirepo: Zviri pamutemo here kwamuri kurova netyava munhu ari muRoma asina kutongwa?26Zvino mukuru wezana wakati achizvinzwa, akaenda akandoudza mukuru wechuru achiti: Chenjerai zvamunoita, nekuti munhu uyu muRoma.27Zvino mukuru wechuru akauya akati kwaari: Ndiudze, uri muRoma here? Iye akati: Hongu.28Mukuru wechuru akapindura akati: Nemutengo mukuru ini ndakawana uRoma uhwu. Pauro akati: Ini ndakaberekwa nahwo.29Naizvozvo pakarepo vakabva kwaari ivo vaiva vomubvunzurudza, nemukuru wechuru wakatyawo aziva kuti iye muRoma, uye nekuti wakange amusunga.30Zvino chifume, achida kuziva chokwadi chaaipomerwa nevaJudha, akamusunungura pazvisungo, akaraira kuti vapristi vakuru nedare remakurukota ose vaungane, akaburusira Pauro, ndokumugadzika pamberi pavo.