1Zvino Pauro wakati achitarisisa dare remakurukota akati: Varume hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yose yakanaka kusvikira zuva ranhasi.2Asi mupristi mukuru Ananiasi wakaraira vakange vamire naye kuti vamurove pamuromo.3Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari uchakurova, rusvingo rwakacheneswa; nekuti iwe ugere kuti unditonge nemurairo, asi unoraira kuti ndirohwe zvinopesana nemurairo nhai?4Zvino vakange vamirepo vakati: Unotuka mupristi mukuru waMwari here?5Pauro ndokuti: Ndanga ndisingazivi, hama, kuti mupristi mukuru; nekuti kwakanyorwa, kuchinzi: Usataura zvakaipa pamusoro pemutungamiriri wevanhu vako.6Zvino Pauro wakati achiona kuti rimwe bandi vaSadhusi rimwe vaFarisi, akadanidzira mudare remakurukota, akati: Varume hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wevaFarisi, ndotongwa pamusoro petariro yekumuka kwevakafa.7Wakati areva saizvozvo, kupesana kukamuka pakati pevaFarisi nevaSadhusi; chaunga chikakamukana.8Nekuti vaSadhusi vanoti hapana kumuka kwevakafa, kana mutumwa, kana mweya; asi vaFarisi vanobvuma zviri zviviri.9Zvino bopoto guru rikamuka; vanyori vekudivi revaFarisi vakasimuka vachipikisa zvikuru vachiti: Ngatirege kurwa naMwari, hatiwani chinhu chakaipa kumunhu uyu; asi kana mweya kana mutumwa akataura naye, hatigoni kupikisana naMwari.10Zvino kupesana kukuru kwakati kwakamuka, mukuru wechuru akatya kuti Pauro ungabvamburwa kuita zvidimbu navo, akaraira mauto kuti aburuke amubvute pakati pavo, amuise muimba yemauto.11Zvino usiku hwakatevera, Ishe wakamira naye akati: Tsunga moyo Pauro; nekuti sezvawakapupura pamusoro pangu paJerusarema, saizvozvo zvakafanirawo kupupura paRoma.12Zvino kwakati kwaedza, vamwe vevaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nemhiko vachiti havangadyi kana kumwa kusvikira vauraya Pauro.13Zvino vaipfuura makumi mana vakange vaita rangano iyo.14Ava vakaenda kuvapristi vakuru nevakuru vakati: Tazvisunga nerushambwa rukuru, kuti hatidyi chinhu kusvikira taponda Pauro.15Naizvozvo ikozvino imwi nedare remakurukota taridzai kumukuru wechuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, sezvinonzi munoda kunyatso-bvunzisisa maererano naye; asi isu asati aswedera, tazvigadzira kumuuraya.16Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvekuvandira kwavo, akaenda akapinda mumba memauto, akaudza Pauro.17Ipapo Pauro akadanira kwaari umwe wevakuru vezana, akati: Isa jaya iri kumukuru wechuru; nekuti une rimwe shoko raanoda kumuudza.18Naizvozvo wakamutora, akamuuisa kumukuru wechuru, akati: Pauro musungwa wandidana akakumbira kuti ndiuise jaya iri kwamuri rine shoko rarinoda kutaura kwamuri.19Mutungamiri mukuru akabata ruoko rwaro, akaenda naro parutivi vari vega, akabvunza akati: Chii chaunoda kundiudza?20Iye akati: VaJudha vatenderana kukukumbirai kuti muburusire Pauro kudare remakurukota mangwana sevanoda kunyatsomubvunzisisa zvimwe.21Naizvozvo musavatendera; nekuti vakamuvandira pakati pavo varume vanopfuura makumi mana vakazvisunga nemhiko, kuti havangadyi kana kumwa, kusvikira vamuuraya; zvino vakagadzirira vachimirira chivimbiso chinobva kwamuri.22Naizvozvo mutungamiri mukuru wakaregera jaya richienda ariraira achiti: Usaudza munhu kuti wandizivisa zvinhu izvi.23Zvino akadanira kwaari vamwe vakuru vezana vaviri, akati: Gadzirirai mauto mazana maviri afambe kusvikira asvika Kesariya, nevatasvi vemabhiza makumi manomwe, nevemapfumo mazana maviri, kubva paawa rechitatu reusiku;24muvatsvakire zvipfuwo kuti vatasvise Pauro vagomuuisa zvisina njodzi kumutungamiriri Ferikisi;25akanyora tsamba nenzira iyi:26Kraudhio Risia, kuna Ferikisi, mutungamiriri changamire, ndinokukwazisai!27Uyu munhu wakabatwa nevaJudha, uye ungadai akaurawa navo, ini ndikasvika nemauto ndikamununura, ndaziva kuti muRoma.28Zvino ndakati ndichida kuziva chikonzero chavaimupomera, ndikamuburusira kudare remakurukota avo;29ndikawana kuti waipomerwa pamusoro pemashoko emurairo wavo, asi asingapomerwi chinhu chingafanira rufu kana kusungwa.30Zvino ndakati ndanyeverwa kuti kwakange koda kuva nekuvandirwa kwemunhu uyu nevaJudha, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikarairawo vanomukwirira kuti vataure pamberi penyu zvavanomupomera. Chisarai.31Zvino mauto sezvaakarairwa akatora Pauro, akamuisa Antipatri usiku.32Zvino chifume vakarega vatasvi vemabhiza kuti vaende naye, vakadzokera kuimba yemauto.33Vaya vakati vasvika Kesariya, vakakumikidza tsamba kumutungamiriri, vakaisawo Pauro pamberi pake.34Zvino mutungamiriri wakati averenga, akabvunza kuti ndewedunhu ripi; zvino wakati anzwa kuti ndeweKirikia,35akati: Ndichakunzwa kana vanokupomera mhosva vasvikawo; akaraira kuti achengetwe mumba maHerodhe mekutongera.