Shona

Acts

24

1Zvino mushure memazuva mashanu, Ananiasi mupristi mukuru akaburuka nevakuru, neumwe mumiririri wainzi Teturo; vakamhan'arira Pauro kumutungamiriri.2Zvino wakati adamwa, Teturo akatanga kumupomera mhosva achiti: Rugare rukuru tinoruwana nemwi, nemabasa akanaka akaitika munyika ino neurongwa hwenyu;3tinozvigamuchira nemitoo yose nepanzvimbo dzose nekuvonga kukuru, imwi Ferikisi changamire mukuru.4Asi kuti ndisaramba ndichikubatirirai, ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti mutinzwe netsitsi dzenyu muchidimbu.5Nekuti takawana kuti murume uyu ari hosha huru, unomutsa bongozozo pakati pevaJudha vose panyika yose, ari mutungamiriri weboka ravaNazarini.6Iye wakaidzawo kushatisa tembere, tikamubata, tichida kumutonga nemurairo wedu.7Zvino mukuru wechuru Risiyasi ndokumutora nechisimba mumaoko edu,8akaraira vapomeri vake kuti vauye kwamuri; kana mukamubvunzisisa momene muchawana ruzivo rwezvinhu izvi zvose zvatinomupomera.9NevaJudha vakabvumirawo, vachiti zvinhu izvi zvakadaro.10Zvino Pauro akapindura mutungamiriri amuninira kuti ataure akati: Pamaziviro angu ava makore mazhinji muri mutongi kurudzi urwu, ndinozvidavirira nemufaro,11nekuti kuti munzwisise kuti mazuva achigere kupfuura gumi nemaviri kubvira pandakakwira kuJerusarema kunonyengetera.12Havana kundiwana mutembere ndichiita nharo nemunhu, kana kumutsira chaunga bongozozo kunyange musinagoge kana muguta;13uye havagoni kupa uchapupu hwezvinhu zvavanondipomera ikozvino.14Asi ndinobvuma izvi kwamuri, kuti nenzira yavanoti yakatsauka, saiyoyo ndinoshumira Mwari wamadzibaba, ndichitenda zvinhu zvose zvakanyorwa pamurairo nepavaporofita;15ndine tariro kuna Mwari, iyo yavanotendawo vamene, kuti kuchava nekumuka kwevakafa, zvose kwevakarurama nevasakarurama.16Uye pachinhu ichi ini ndinoidza, kuti nguva dzose ndive nehana isina mhosva kuna Mwari nekuvanhu.17Zvino shure kwemakore mazhinji, ndakasvika kuzopa zvipo zvenyasha nezvibayiro kurudzi rwangu.18Ndiri pane izvozvo, vamwe vaJudha vakabva Asia vakandiwana ndakanatswa mutembere, ndisina chaunga kana bongozozo;19vaifanira kuva pano pamberi penyu vachindipomera mhosva kana vaiva nekupokana neni.20Kana kuti ivava ngavareve vamene kana vakawana chisakarurama mandiri musi wandakamira pamberi pedare remakurukota21asi kunze kwemaererano neshoko iri rimwe randakadanidzira ndimire pakati pavo maererano nekumuka kwevakafa, ndinotongwa nhasi nemwi.22Asi Ferikisi wakati anzwa zvinhu izvi, ane ruzivo rwakanyanya rwenzira iyo, akambovadzosera achiti: Kana Risia, mutungamiri mukuru aburukira pano, ndichanyatsoongorora mhaka yenyu;23akaraira mukuru wezana kuti achengete Pauro, uye ave nerusununguko, uye kuti varege kudzivisa umwe wevekwake kumushumira kana kumushanyira.24Zvino shure kwemamwe mazuva, Ferikisi akasvika nemukadzi wake Drusira, waiva muJudhakadzi, akadana Pauro, akamunzwa pamusoro perutendo kuna Kristu.25Zvino wakati achataura zvekururama, kuzvidzora, nekutonga kunouya, Ferikisi akabvunda akapindura akati: Enda ikozvino; kana ndikazova nenguva yakafanira, ndichakudana.26Waitarisirawo kuti mari ichapiwa kwaari naPauro, kuti amusunungure; naizvozvo wakamudana kazhinji achitaura naye.27Asi makore maviri akati azadziswa, Pokio Festo akapinda panzvimbo yaFerikisi, zvino Ferikisi wakada kufadza vaJudha akasiya Pauro akasungwa.