1Zvino Festo wakati asvika padunhu iro shure kwemazuva matatu akakwira kuJerusarema achibva Kesariya.2Ipapo vapristi vakuru nevakuru vevaJudha vakamhan'arira Pauro kwaari, vakamukumbirisa,3vakakumbira kuti avafadze pamusoro pake, kuti amudanire kuJerusarema, vakamuvandira kuti vamuuraye panzira.4Asi Festo wakapindura kuti Pauro wakachengetwa Kesariya, uye kuti iye amene wakange okurumidza kuendako.5Akati: Naizvozvo avo vanokwanisa pakati penyu ngavaburuke neni; vagopomera munhu uyu kana pane chakaipa maari.6Wakati agara pakati pavo mazuva anopfuura gumi, wakuburukira Kesariya; chifume agara pachigaro chekutonga akaraira Pauro kuti auiswe.7Zvino wakati asvika, vaJudha vakaburuka vachibva kuJerusarema vakamira vakamukomba, vakapomera Pauro mhosva zhinji dzakaipa, dzavakange vasingagoni kupa uchapupu.8Zvino wakati achizvidavirira akati: Kumurairo wevaJudha, kana kutembere, kanawo kuna Kesari handina kutadza chinhu.9Zvino Festo achida kufadza vaJudha, akapindura Pauro akati: Unoda here kukwira kuJerusarema, unotongwako pamusoro pezvinhu izvi pamberi pangu?10Ipapo Pauro akati: Ndimire pamberi pechigaro chekutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; kuvaJudha handina kuita zvisakarurama, sezvamunoziva imwiwo.11Zvino kana ndiri mudariki kana kuti ndakaita chinhu chakafanira rufu handirambi kufa; asi kana pasina chinhu chezvinhu izvi zvavanondipomera, hakuna munhu ungandikumikidza kwavari. Ndinozvipfuuridzira kuna Kesari.12Ipapo Festo ataurirana nedare remakurukota, akapindura akati: Waipfuudzira kuna Kesari? Kuna Kesari uchaenda.13Zvino mushure memamwe mazuva, mambo Agripa naBhenike vakasvika Kesariya kuzokwazisa Festo.14Vakati vagarako mazuva mazhinji, Festo akarondedzera mhosva yaPauro kuna mambo, achiti: Kune umwe murume wakasiiwa naFerikisi ari musungwa;15iye wandakati pandakange ndichiri kuJerusarema, vapristi vakuru nevakuru vevaJudha vakamumhan'arira, vachikumbira mutongo pamusoro pake.16Vandakapindura ndikati: Haizi tsika yevaRoma kukumikidza munhu kurufu, uyo unopomerwa asati ambotarisana nevanomupomera, akapiwa mukana wekuzvipindurira pamhosva yaanopomerwa.17Zvino vakati vaungana pano, handina kunonoka, chifume ndakagara pachigaro chekutonga, ndikaraira kuti murume auyiswe.18Zvino vapomeri vakamusimukira, asi havana kumupomera mhosva sezvandaifungira;19asi vaipikisana nezvemamwe mashoko echitendero chavo, neumwe Jesu wakange afa, wainzi naPauro mupenyu.20Zvino ini zvandakange ndichikahadzika maererano negakava rakadai, ndakabvunza kana achida kuenda Jerusasrema kunotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvi.21Pauro wakati akumbira kuregerwa kuzobvunzwa naAgasito, ndakaraira kuti achengetwe kusvikira ndichimutumira kuna Kesari.22Agripa ndokuti kuna Festo; Neni ndinoda kunzwa munhu uyu ndomene. Iye akati: Mangwana muchamunzwa.23Chifume Agripa wakati asvika naBhenike, vachitaridzika kwazvo, vakapinda mumba mekutambirwa mhosva, nevatungamiriri vakuru, nevakuru veguta sekuraira kwaFesto, vakauya naPauro.24Zvino Festo akati: Mambo Agripa, nevarume vose vari pano nesu, munoona uyu, wandakakumbirwa nechaunga chevaJudha zvose paJerusarema nepano, vachidanidzira kuti haafaniri kuramba achirarama.25Asi ini ndakati ndawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, uye kuti iye pachake wakakumbira kupfuudzwa kuna mambo mukuru, ndazvigadzirira kumutumira.26Asi handina chinhu chaicho chandinganyorera ishe pamusoro pake, naizvozvo ndauya naye pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu, mambo Agripa, kuti mamubvunzurudza, ndingava nechandinganyora.27Nekuti ndinoona sezvisina kufanira kutuma musungwa, pasina kutaridzwa mhosva dzakanangana naye.