1Zvino Agripa akati kuna Pauro: Unotenderwa kuzvidavirira. Ipapo Pauro akatambanudza ruoko, akazvipindurira, achiti:2Pane zvose zvandakamhan'arirwa nevaJudha, Mambo Agripa, ndinoona ndichifara kuti ndodozvidavirira pamberi penyu nhasi;3zvikuru imwi mune ruzivo rwetsika dzose nemakakava ari pakati pevaJudha; naizvozvo ndinokukumbirai kuti mundinzwe nemoyo murefu.4Mufambiro wangu kubva pauduku, waiva pakutanga pakati porudzi rwangu paJerusarema, vaJudha vose vanoziva,5vaindiziva kubva pakutanga, kana vachida kupupura kuti nenzira chaiyo yeboka rechitendero chedu, ndairarama ndiri muFarisi.6Nazvino ndimire ndichitongwa nekuda kwetariro yechivimbiso chakaitwa naMwari kumadzibaba edu,7mairi marudzi edu gumi nemaviri anoramba achishumira siku nesikati vachitarisira kuti inouya. Nekuda kwetariro iyi mambo Agripa, ndinopiwa mhosva nevaJudha.8Zvinofungwa sei kuti zvinhu zvisingatendeseki kwamuri, kana Mwari achimutsa vakafa?9Ini zvirokwazvo ndaifunga ndomene kuti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta.10Ndizvo zvandakaitawo paJerusarema, nevazhinji vevatsvene ndakapfigira mutirongo ndagamuchira simba kubva kuvapristi vakuru; uye nepavaiurawa neni ndaibvumira.11Uye ndaivaranga nguva zhinji musinagoge rimwe nerimwe, ndichivaroverera kuti vanyombe; zvino ndichinyanya kuvapengera, ndakavashusha kusvikira kumaguta evahedheni.12Ndipo ndichienda Dhamasiko nesimba uye nekutumwa kubva kuvapristi vakuru,13pamasikati makuru, mambo, ndakaona munzira chiedza chichibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichipenyera chakandipoteredza nevaifamba neni.14Zvino takati tose tawira pasi, ndakanzwa izwi richitaura kwandiri richiti nerurimi rwechiHebheru: Sauro, Sauro, Unondishushirei? Zvinokuremera kukava zvibayo.15Zvino ndikati: Ndimwi ani, Ishe? Akati: Ndini Jesu waunotambudza.16Asi simuka umire nemakumbo ako; nekuti ndazviratidza kwauri nechikonzero ichi, ndikuite mushumiri nechapupu chezvinhu zvose zvawakaona, nezvandichazviratidza nazvo kwauri;17ndichakurwira kuvanhu nevahedheni, vandinokutumira kwavari zvino,18usvinudze meso avo, kuvatendeusa kubva murima, vaende kuchiedza, nepasimba raSatani, vaende kuna Mwari; kuti vagamuchire kangamwiro yezvivi nenhaka pakati pevakaitwa vatsvene norutendo rwuri mandiri.19Naizvozvo, mambo Agripa, handina kuramba kuteerera chiratidzo chekudenga;20asi ndakaparidza kutanga kune veDhamasiko, nepaJerusarema, nekudunhu rose reJudhiya nekuvahedheni, kuti vanofanira kutendeuka vadzokere kuna Mwari, vaite mabasa akafanira kutendeuka.21Nekuda kwezvinhu izvi vaJudha vakandibata mutembere, vakaidza kundiuraya.22Naizvozvo ndawana rubatsiro kubva kuna Mwari, ndakamira kusvikira zuva rino, ndichipupura kuvaduku nekuvakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu asi zvakataurwa nevaporofita naMozisi kuti zvichaitika;23zvekuti Kristu wakafanira kutambudzika, uye kuti ave wokutanga kumuka kuvakafa, aparidze chiedza kuvanhu nekuvahedheni.24Zvino wakati achizvidavirira saizvozvi Festo akati nenzwi guru: Pauro, unopenga; kudzidza kukuru kunokupenza.25Asi wakati: Handipengi, Festo makakurumbira; asi ndinotaura mashoko echokwadi akarurama.26nekuti mambo vanoziva zvinhu izvi ivo vandinotaura pamberi pavo ndisingatyi; nekuti ndine chokwadi kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chakavanzika kwaari, nekuti chinhu ichi hachina kuitwa pachikona*.27Mambo Agripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda.28Ipapo Agripa akati kuna Pauro: Wasara padiki kundipwisa kuva muKristu.29Pauro akati: Ndinoshuva kuna Mwari kunyange neduku, kana nehuru, musava imwi moga, asi vose vanondinzwa nhasi, vave vose vakadai sezvandiri ini, asi kunze kwezvisungo izvi.30Zvino wakati ataura saizvozvi, mambo akasimuka, nemutungamiriri naBhenike, nevakange vagere navo;31vakati vabuda vakataurirana, vachiti: Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana kusungwa.32Ipapo Agripa akati kuna Festo: Munhu uyu ungadai asunungurwa dai asina kuzvipfuuridza kuna Kesari.