Shona

Acts

27

1Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende Itaria nechikepe, vakakumikidza Pauro nevamwe vasungwa kuna Jurio mukuru wezana, wehondo yaAgasito.2Zvino takati tapinda muchikepe cheAdhiramitiyamu, chaiva choda kuenda nepamisha yemahombekombe eAsia, tikabva muchikepe Arisitako muMakedhonia weTesaronika anesu.3Fume tikabata Sidhoni, Juriasi akaitira Pauro zvakanaka, akamutendera kuti aende kushamwari dzake, kuti abatsirwe.4Takati tabva ipapo, tikapfuura nechikepe nenyasi kweSaipuresi, nekuti mhepo yaitipikisa.5Zvino takati tayambuka gungwa reKirikia nePamufiriya, takasvika Maira yeRisia.6Ipapo mukuru wezana akawana chikepe cheAreksandira chaienda Itaria, ndokutipinzamo.7Zvino takati tananaira nechikepe mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinido nemanainai, mhepo isingatitenderi, tikapfuura nenyasi kweKirete, mhiri kwakatarisana neSarimoni.8Tikapapfuura nemanainai, ndokusvika pane imwe nzvimbo panonzi Zororo Rakanaka, pedo neguta reRasea.9Zvino nguva huru yakati yapfuura, nekufamba nechikepe kwava nenjodzi, nekuti kutsanya kwakange kwatopfuura, Pauro akavakurudzira,10achiti kwavari: Varume, ndinoona kuti rwendo urwu ruchava nekukuvara nekurashikirwa kukuru, zvisati zviri zvemutoro nechikepe chete, asi nekweupenyu hweduwo.11Asi mukuru wezana wakateerera mufambisi wechikepe nemwene wechikepe, kupfuura zvinhu zvakarehwa naPauro.12Zvino sezvo zororo rakange risina kunaka kugara muchando, vazhinji vavo vakayambira kuti pabviwe, zvimwe vangasvika Fenikisi vagarepo muchando; ndiro zororo reKirete, rakange rakatarira chamhembe mavirira nemaodzanyemba mavirira.13Zvino mhepo yechamhembe yakati ichirira zvishoma, vakafunga kuti vawana vavariro yavo, vakabvisa zvisungo zvechikepe, vakatevedza Kirita nechikepe.14Asi pasina nguva kwakasimuka mhepo ine simba ichipikisa, yainzi Yuro-kiridhoni*;15Zvino chikepe chakati chabatwa, chisingagoni kumirisana nemhepo tikachirega chichienda.16Zvino takamhanya zasi kwechimwe chiwi chiduku, chinonzi Kraudha, tikakwanisa kusungira chikepe nemutsutsuru.17Vakati vachisimudza, vakashandisa zvibatsiro, vakasunga chikepe nepasi; vachitya kuti vacharasikira pajecha reSitisi, vakaderedza maseiri, ndokungotorwa.18Zvino isu tichatambudzwa kwazvo nedutu remhepo, fume vakabudisa nhumbi kunze;19nezuva retatu, takarasa zvombo zvechikepe nemaoko edu.20Zvino hakuna kuonekwa zuva kana nyeredzi mazuva mazhinji, nedutu risati riri duku remhepo richingosimba, kubva ipapo tariro yose yekuti tichaponeswa ikapera.21Zvino vakati vagara nguva refu vasingadyi, Pauro akamira pakati pavo, akati: Varume, mungadai makanditeerera mukasabva Kirete, mukapukunyuka kutambudzika nekurashikirwa uku.22Asi zvino ndinokusimudzirai kuti mutsunge moyo; nekuti hakungavi nekurashikirwa neupenyu pakati penyu, asi chikepe.23Nekuti usiku hwuno kwakamira neni mutumwa waMwari, wandiri wake, newandinoshumira,24achiti: Usatya Pauro; unofanira kumiswa pamberi paKesari; zvino tarira, Mwari wakupa vose vanofamba newe muchikepe.25Naizvozvo varume, tsungai moyo; nekuti ndinotenda Mwari kuti zvichava sezvandaudzwa.26Asi tinofanira kukandirwa pane chimwe chiwi.27Zvino usiku hwegumi neuna hwakati hwasvika, tichangozvuzvurudzwa kukwira nekuburuka muAdhira, panenge pakati peusiku vafambisi vechikepe vakafunga kuti voswedera kune imwe nyika.28Vakakanda gavi rekuyera vakawana mafadomi* makumi maviri; vakati vapfuura zvishoma, ndokukandazve gavi rekuyera, vakawana mafadomi* gumi nemashanu;29zvino vakatya kuti zvimwe tichawira pamabwe, vakakanda zvimiso zvina neshure kwechikepe, vakashuva kuedza.30Zvino vafambisi vechikepe vakati vachida kutiza muchikepe, vaburusira igwa mugungwa, vachiita sevanenge vokanda zvimiso mberi kwechikepe.31Pauro akati kumukuru wezana nekumauto: Kana ava vakasagara muchikepe, hamugoni kuponeswa.32Ipapo mauto akagura mabote egwa vakarirega rikawa.33Zvino kwakati koedza, Pauro akakumbirisa vose kuti vadye, achiti: Nhasi izuva regumi nechina, ramakagara muchitsanya, musingadyi chinhu.34Saka ndinokukumbirisai kuti mudye, nekuti ndezvekuzviponesa; nekuti hakuna ruvhudzi rumwe ruchawa pamusoro weumwe wenyu.35Wakati areva zvinhu izvi akatora chingwa akavonga kuna Mwari pamberi pavo vose, akati achimedura akatanga kudya.36Zvino vakatsunga moyo vose vakatorawo chikafu.37Zvino taiva tose muchikepe mweya mazana maviri nemakumi manomwe nevatanhatu.38Zvino vakati vadya vakaguta, vakarerusa chikepe vachikandira zviyo mugungwa.39Kwakati kwaedza, vakasaziva nyika; asi vakaona zororo raiva nejecha, vakarangana kana zvaibvira kuitika, kuti vaise chikepe pariri.40Ipapo vakagura zvimiso, vakazviisa mugungwa, vakasunungura zvisungo zvekudzoresa nazvo, vakasimudzira seiri repamberi kumhepo, vakaruramira kumahombekombe.41Zvino vakati vachisvika panzvimbo pamasanganirano emakungwa maviri, vakagumhirisa chikepe pasi; muromo ukabatwa kwazvo usingazununguki, asi rutivi rweshure rukavhunika nesimba remafungu.42Zvino zano remauto raiva rekuuraya vasungwa, kuti zvimwe vamwe vangashambira vakatiza.43Asi mukuru wezana achida kuponesa Pauro, akavadzivisa pazvinangwa zvavo; akaraira kuti vanogona kushambira, vatange kuzviwisira mugungwa, vaende kunyika;44vamwe vakasara, vamwe pamatanda, vamwe panezvimwe zvipenga zvechikepe. Saizvozvo zvakaitika kuti vose vakapukunyukira kunyika vari vapenyu.