Shona

Acts

28

1Zvino vakati vapona, ipapo vakaziva kuti chiwi chinonzi Merita.2Zvino vatorwa avo vakatiitira unyoro husati huri uduku; nekuti vakabatidza moto, vakatigamuchira tose nekuda kwemvura uye nekuda kwechando.3Zvino Pauro wakati aunganidza svinga rehuni, akaisa pamoto, kwakabuda chiva murudziyira chikanamatira paruoko rwake.4Zvino venyika iyo vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu imhondi, iye kunyange apukunyuka gungwa, kururama hakumutenderi kurarama.5Asi iye wakazuzira chikara mumoto, akasakuvara.6Ivo vakatarisira kuti uchazvimba, kana kuwira pasi pakarepo akafa, zvino vakati vatarira nguva refu vakasaona achisvikirwa nenjodzi, vakashandura fungwa voti ndimwari.7Zvino pakapoteredza ipapo paiva neminda yemukuru wechiwi wainzi Pubhirio; iye wakatigamuchira, akatigarisa zvakanaka mazuva matatu.8Zvino zvakaitika kuti baba vaPubhirio vakange vavete pasi, vakabatwa nefivhiri nekubudisa ropa; Pauro akapinda kwavari, akanyengetera, ndokuisa maoko ake pamusoro pavo, akavaporesa.9Naizvozvo izvi zvakati zvaitwa, vamwewo vaiva nezvirwere pachiwi vakauya vakaporeswa;10Vakatikudzawo nekukudza kukuru; tikati toenda vakaisa muchikepe zvinhu zvaidikamwa.11Zvino shure kwemwedzi mitatu, takaenda nechikepe cheArekizandiria, chakange chagara muchando pachiwi, chaiva nechiratidzo chekuti Dhiosikuri*.12Zvino tasvika nepaSirakuse takagara mazuva matatu.13Tabvapo tikatenderera ndokusvika Regiomu; zvino shure kwezuva rimwe mhepo yaibva kuchamhembe ikasimuka, zuva repiri tikasvika Puteori;14patakawana hama, tikakumbirwa kuti tigare nadzo mazuva manomwe; saizvozvo takaenda Roma.15Zvino kubva ipapo, hama dzakati dzanzwa nezvedu, dzakauya kuzotichingamidza kudzamara vasvika Apio Foramu nepaDzimba Dzavaeni Nhatu; Pauro wakati adziona akavonga Mwari, akatsunga moyo.16Zvino takati tasvika Roma, mukuru wezana akakumikidza vasungwa kumutungamiriri wevarindi, asi Pauro akatenderwa kugara ari oga nemuuto waimurinda.17Zvino zvikaitika kuti shure kwemazuva matatu, Pauro akakokera vakuru vevaJudha pamwe; zvino vakati vaungana akati kwavari: Varume hama, kunyange ndisina kuitira vanhu, kana tsika dzemadzibaba edu chakaipa, ndakabva kuJerusarema ndiri musungwa ndakumikidzwa pamaoko evaRoma;18ivo vakati vandiongorora, vakada kundisunungura, nekuti pakange pasina mhosva yerufu kwandiri.19Asi vaJudha vakati vapikisana nazvo, ndikarovererwa kuzvipfuudza kuna Kesari; kwete kuti ndaiva nechinhu chekupomera rudzi rwangu.20Naizvozvo nekuda kwezvikonzero izvi, ndakudanai, kuti ndikuonei, nditaure nemwi, nekuti ndakasungwa neketani iyi nekuda kwetariro yaIsraeri.21Zvino vakati kwaari: Hatina kugamuchira tsamba kubva Judhiya pamusoro pako, uye hakuna umwe wehama wakasvika akatipira kana kutaura zvakaipa pamusoro pako.22Asi tinoda kunzwa newe zvaunofunga; nekuti kana riri bato iri, tinoziva kuti rinopikiswa kose-kose.23Zvino vakati vamutarira zuva, vazhinji vakauya kwaari kuimba yevaenzi, akavadudzira, achivapupurira ushe hwaMwari, akavakumbirisa maererano naJesu, zvose kubva pamurairo waMozisi nevaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwana.24Vamwe vakatenda zvinhu zvakataurwa, asi vamwe vakasatenda.25Zvino zvavakange vasinganzwanani pachavo, vakaenda Pauro ataura shoko rimwe chete rekuti: Mweya Mutsvene wakataura zvakanaka naIsaya muporofita kumadzibaba edu,26achiti: Enda kuvanhu ava uti: Nekunzwa muchanzwa musinganzwisisi, nekuona muchaona musingaonesesi;27nekuti moyo yevanhu ava yakasindimara, nzeve dzavo dzinonzwa nemutsutsuru, vakavhara meso avo; kuti zvimwe vangaona nemeso avo, nekunzwa nenzeve dzavo, nekunzwisisa nemoyo yavo, vatendeuke, ndigovaponesa28Naizvozvo ngazvizikamwe kwamuri, kuti ruponeso rwaMwari rwunotumirwa kuvahedheni; ivo vacharunzwawo.29Zvino wakati ataura mashoko awa, vaJudha vakaenda, vachiita nharo huru pakati pavo.30Pauro akapedza makore maviri agere muimba yake yairipirwa mari, akagamuchira vose vaipinda kwaari,31achiparidza ushe hwaMwari, nekudzidzisa zvinhu izvo maererano naIshe Jesu Kristu, asingatongotyi, pasina kudziviswa.