Shona

Romans

1

1Pauro, muranda waKristu Jesu, wakadamwa kuva muapositori, atsaurirwa evhangeri yaMwari,2(yaakagara avimbisa nevaporofita vake mumagwaro matsvene),3maererano neMwanakomana wake, wakabva kumbeu yaDhavhidhi maererano nenyama;4wakatemerwa kuva Mwanakomana waMwari nesimba, maererano neMweya weutsvene, nekumuka kuvakafa, ndiye Jesu Kristu Ishe wedu,5watakagamuchira naye nyasha nevuapositori, kuti kuve kuteerera kwerutendo pakati pevahedheni vose nekuda kwezita rake;6vamuri pakati pavo, vakadamwa vaJesu Kristu.7Kune vose vari muRoma, vadikamwa vaMwari, vakadamwa kuva vatsvene: Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari baba vedu naIshe Jesu Kristu.8Pakutanga ndinovonga Mwari wangu kubudikidza naJesu Kristu pamusoro penyu mose, kuti rutendo rwenyu rwunoparidzirwa panyika yose.9Nekuti Mwari ndiye chapupu changu, iye wandinoshumira pamweya wangu muevhangeri yeMwanakomana wake, kuti handiregi kukutaurai,10nenguva dzose muminyengetero yangu, ndinokumbira kuti kana zvichigoneka ndive nerwendo rwunobudirira nerudo rwaMwari kusvika kwamuri.11Nekuti ndinoshuva zvikuru kukuonai, kuti ndikupei chimwe chipo chemweya kuti musimbiswe,12ndiko kuti ini ndinyaradzwe pamwe nemwi pakati penyu, umwe neumwe nerutendo rweumwe, zvose rwenyu nerwangu.13Zvino handidi kuti musaziva, hama, kuti kazhinji ndaizvipira kuuya kwamuri (asi ndikabatikana kusvikira zvino), kuti zvimwe ndive nechibereko kwamuriwo, sapakati pevamwe vahedheni.14Ndine ngava zvose kuvaGiriki nekuvatorwa, zvose kuvakachenjera nekune vasina kuchenjera;15naizvozvo kana ndiri ini, ndakazvigadzira kuparidza evhangeri kwamuri imwi muri paRomawo.16Nekuti handinyari neevhangeri yaKristu; nekuti isimba raMwari rinoendesa kuruponeso kune umwe neumwe unotenda, kumuJudha pakutanga, uye kumuGirikiwo.17Nekuti mairi kururama kwaMwari kunoratidzwa kubva parutendo kusvika parutendo; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Asi wakarurama uchararama nerutendo.18Nekuti kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kubva kudenga, pamusoro pokusada Mwari kose nokusarurama kwavanhu vanodzivisa chokwadi nokusarurama;19nekuti izvo zvinozikamwa pamusoro paMwari zvinoratidzwa pakati pavo; nekuti Mwari wakazviratidza kwavari.20Nekuti zvinhu zvisingaonekwi zvake kubvira pakusikwa kwenyika zvakanzwisisika pazvinhu zvakaitwa, zvikaoneswa pachena, simba rake risingaperi pamwe neuMwari hwake; kuti varege kuva nemanzvengero;21nekuti vakati vaziva Mwari, havana kumurumbidza saMwari kana kuvonga; asi vakava vasina matura mukurangarira kwavo, nemoyo yavo ine upenzi yakasvibiswa.22Vachizvipupurira kuva vakachenjera, vakava mapenzi;23vakashandura kubwinya kwaMwari usingaparari, kumufananidza nechifananidzo chemunhu unoparara, neshiri, nemhuka dzine makumbo mana, nezvinokambaira.24Saka Mwari wakavapa kutsvina kubudikidza nekuchiva kwemoyo yavo, kuti vazvidze miviri yavo pakati pavo.25Avo vakashandurira chokwadi chaMwari kunhema, vakanamata nokushumira chisikwa kupfuura musiki; iye unorumbidzwa nekusingaperi. Ameni.26Nekuda kweizvozvo Mwari wakavapa kukuchiva kunonyadzisa; nekuti kunyange vanhukadzi vavo vakashandura basa rechisikirwo rive riya rinopesana nechisikirwo;27saizvozvo vanhurumewo vakasiya basa rechisikirwo revanhukadzi, vakapiswa nekuchivana, munhurume nemunhurume vachiita zvinonyadzisa, vachigamuchira mukati mavo muripo wakafanira kurashika kwavo.28Uye zvavakange vasingadi kugara naMwari muruzivo, Mwari wakavapa kumirangariro yakaora, kuti vaite zvinhu zvisakafanira;29vakazadzwa nekusarururama kose, ufeve, kuipa, ruchiva, unhubu, kuzara negodo, umhondi, gakava, kunyengera, utsotsi, vanoita makuhwa,30vacheri, vavengi vaMwari, vazvidzi, vadadi, vanozvikudza, vavambi vezvakaipa, vasingateereri vabereki,31vasingafungi, vaputsi vesungano, vasina rudo rwechisikirwo, vasingagoni kuchenurwa, vasina tsitsi.32Avo kunyange vachiziva havo murairo waMwari, kuti vanoita zvakadai vakafanirwa nerufu, havaiti izvo chete, asi vanotenderana nevanozviita.