1Naizvozvo hauna manzvengero, iwe munhu, upi neupi unotonga; nekuti pachinhu icho chaunotonga mumwe, unozvipa mhosva iwe, nekuti iwe unotonga unoita zvinhu zvakangodaro.2Asi tinoziva kuti kutonga kwaMwari kunoenderana nechokwadi pamusoro pevanoita zvinhu izvozvo.3Zvino unofunga izvi here, iwe munhu unotonga avo vanoita zvinhu zvakadai, uchiitawo zvakadaro, kuti ungatiza kutonga kwaMwari?4Kana unozvidza ufumi hwenyasha dzake nemoyo murefu, nemoyo munyoro; usingazivi kuti nyasha dzaMwari dzinokuisa pakutendeuka?5Asi neukukutu hwako, nemoyo usingatendeuki, unozviunganidzira hasha nezuva rekutsamwa nekuzarurwa kwekutonga kwakarurama kwaMwari;6iye uchapa kune umwe neumwe maererano nemabasa ake;7kuna ivo vane moyo mirefu vanorambira mumabasa akanaka vachitsvaka kubwinya, nokukudzwa, nokusafa, uchavapa upenyu husingaperi.8Asi kuna vane nharo, vasingateereri chokwadi, asi vanoteerera kusarurama, kuchavapo hasha nokutsamwa;9kutambudzika nenhamo pamusoro pemweya umwe neumwe wemunhu unoita zvakaipa, pakutanga wemuJudha, newemuGiriki;10asi kubwinya nokukudzwa, nerugare kune umwe neumwe unoita zvakanaka, kumuJudha pakutanga, nekumuGirikiwo.11Nekuti hakuna rusarura gomunhu kuna Mwari.12Nekuti vose vakatadza vakatadza vasina murairo; vachaparara vasina murairo; uye vose vakatadza mumurairo, vachatongwa nemurairo;13nekuti havasi vanzwi vemurairo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vemurairo ndivo vachanzi vakarurama;14nekuti kana vahedheni vasina murairo vachiita pachisikirwo zvinhu zviri mumurairo, ava vasina murairo ndivo murairo wavo vamene;15vanoratidza basa remurairo wakanyorwa mumoyo yavo, hana yavo ichipupurawo, nemirangariro panguva iyi ichipa mhosva kana kurwira pakati pavo;16nezuva iro Mwari paachatonga zvakavanzika zvevanhu, naJesu Kristu, maererano neevhangeri yangu.17Tarira iwe unonzi muJudha, unozembera pamurairo, unozvikudza pamusoro paMwari,18unoziva chido nekugamuchira zvakanakisisa, uchidzidziswa nemurairo,19unozvivimba kuti iwe uri mutungamiriri wemapofu, chiedza chevari murima,20murairi wemapenzi, mudzidzisi wevacheche, une chimiro cheruzivo nechechokwadi mumurairo;21Naizvozvo iwe unodzidzisa mumwe, hauzvidzidzisi here? Iwe unoparidza kuti munhu arege kuba, iwe haubi here?22Iwe unoti usapombwe, unoita upombwe here? Iwe unosema zvifananidzo, unopamba tembere dzavo here?23Iwe unozvirumbidza nemurairo, unoshoora Mwari nekudarika murairo here?24Nekuti zita raMwari rinonyombwa pakati pevahedheni kubudikidza nemwi sezvazvakanyorwa.25Nekuti kudzingiswa kunobatsira zvirokwazvo, kana uchichengeta murairo; asi kana uri mudariki wemurairo, kudzingiswa kwako kunoitwa kusadzingiswa.26Naizvozvo kana kusadzingiswa kuchichengeta zviga zvemurairo, ko kusadzingiswa kwake hakuveregwi sekudzingiswa here?27Nekusadzingiswa kwepachizvarigo, achizadzisa murairo, haangakutongi here iwe mudariki wemurairo nemagwaro uye kudzingiswa?28Nekuti haazi muJudha, uri muJudha gokunze; hakuzi kudzingiswa kuri kwekunze panyama;29asi iye muJudha uri iye nechomukati; nekudzingiswa ndekwemoyo mumweya, kwete mumagwaro; kurumbidzwa kwake hakubvi kuvanhu asi kuna Mwari.