1Ko muJudha uri nani nei? Kana kudzingiswa kune mubairo wei?2Zvizhinji nemitoo yose; nekuti pakutanga kuti vakabatiswa mashoko aMwari.3Zvino kana vamwe vasina rutendo? Kusatenda kwavo kuchashayisa kutendeka kwaMwari maturo here?4Ngazvisadaro! asi Mwari ngaave wechokwadi, asi munhu wose murevi wenhema; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kuti mururamiswe pamashoko enyu, uye mukunde pakutongwa kwenyu.5Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichatii? Kuti Mwari haana kururama here, zvaanodurura hasha?(Ndinotaura semunhu.)6Ngazvisadaro! kana zvikasadaro Mwari ungagozotonga nyika sei?7Zvino kana chokwadi chaMwari chawanzwa kubudikidza nenhema dzangu parumbidzo yake, ko iniwo ndichiri kutongerwei semutadzi?8Uye kana zvikadai, tichapomerwa zvakaipa uye sezvinopupura vamwe vachiti tinoti: Ngatiite zvakaipa kuti zvakanaka zviuye? Kurashwa kwavo kuve kwekururama.9Ko zvino-ke? Tiri nani here? Kwete nepaduku pose; nekuti tambopa vose mhosva, vaJudha nevaGiriki, kuti vose vari pasi pechivi;10sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Hakuna wakarurama, kwete kunyange neumwe;11hakuna unonzwisisa; hakuna unotsvaka Mwari;12vose vakatsauka, vakava pamwe vasina maturo, Hakuna unoita zvakanaka, kwete kunyange neumwe;13Huro yavo iguva rakashama; nendimi dzavo vakanyengera; uturu hwemhungu hwuri pasi pemiromo yavo;14Muromo wavo uzere nekutuka nekuvava;15tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;16Kuparadza nekutambudzika zviri munzira dzavo;17uye nzira yerugare havana kuiziva;18kutya Mwari hakupo pamberi pemeso avo.19Zvino toziva kuti zvinhu zvose zvinorehwa nemurairo zvinoreva kune vose vari pasi pomurairo; kuti miromo yose idzivirwe, nenyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.20Naizvozvo kubudikidza nemabasa emurairo, hakuna nyama inganzi yakarurama pamberi pake; nekuti zvivi zvinoziviswa nemurairo.21Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa pasina murairo, kuchipupurwa nezvako nemurairo nevaporofita;22kunyange kururama kwaMwari nerutendo rwaJesu Kristu kune vose nepamusoro pevose vanotenda; nekuti hapana musiyano;23nekuti vose vakatadza vakataira pakubwinya kwaMwari.24Vachinzi havana mhosva pachena nenyasha dzake kubudikidza nerudzikunuro rwuri muna Kristu Jesu.25Iye wakagadzwa naMwari, kuva mumiririri kubudikidza nerutendo muropa rake, kuratidza kururama kwake, nekusarangarira zvivi zvakaitwa kare mukuva nemoyo murefu kwaMwari;26kuti chive chiratidzo chekururama kwake panguva ino, kuti ave wakarurama uye mururamisi werutendo rwaJesu.27Zvino kuzvikudza kuripi? Kwasiiwa kunze. Nemurairo upi? Wemabasa here? Kwete, asi nemurairo werutendo.28Naizvozvo tinogura kuti munhu unoruramiswa nerutendo pasina mabasa emurairo.29NdiMwari wevaJudha voga here? Haasi wevahedheniwo here? Hongu, wevahedheniwo;30Mwari zvaari mumwe, ucharuramisa kudzingiswa kubudikidza nerutendo, nekusadzingiswa kubudikidza nerutendo.31Zvino tinoshayisa maturo murairo nerutendo here? Ngazvisadaro! Asi tinosimbisa murairo.