Shona

Luke

22

1Zvino mabiko ezvingwa zvisina mbiriso akaswedera, anonzi pasika.2Vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamuuraya sei; nekuti vaitya vanhu.3Zvino wakapinda Satani kuna Judhasi unotumidzwa Isikariyoti, waiverengwa pavanegumi nevaviri.4Akaenda, akanotaura nevapristi vakuru nevatungamiriri, kuti ungamutengesa sei kwavari.5Zvino vakafara, vakatenderana kumupa mari.6Zvino wakatenda, akatsvaka mukana wakafanira wekumutengesa kwavari pasina chaunga.7Zvino zuva rezvingwa zvisina mbiriso rakasvika, paifanira kubaiwa pasika.8Zvino wakatuma Petro naJohwani, achiti: Endai munotigadzirira pasika, kuti tidye.9Zvino vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tigadzirire?10Zvino wakati kwavari: Tarirai, kana mapinda muguta, munhu uchasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere mumba maanopinda.11Uye muti kumwene weimba: Mudzidzisi unoti kwauri: Imba yevaeni iripi, mandingadyira pasika nevadzidzi vangu?12Uye iye uchakuratidzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa; gadzirirai ipapo.13Zvino vakaenda vakanowana sezvaakange avaudza; ndokugadzirira pasika.14Zvino awa rakati rasvika, akagara pakudya, nevaapositori gumi nevaviri vanaye.15Ndokuti kwavari: Nechishuwo ndakashuva kudya pasika iyi nemwi ndisati ndatambudzika;16nekuti ndinoti kwamuri: Handichazodyizve pairi, kusvikira yazadziswa muushe hwaMwari.17Zvino wakatora mukombe, avonga akati: Torai ichi, mugogovana.18Nekuti ndinoti kwamuri: Handichatongomwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvikira ushe hwaMwari hwasvika.19Zvino wakatora chingwa, akavonga, akamedura, ndokuvapa, achiti: Uyu muviri wangu, unopirwa imwi; izvi itai muchindirangarira.20Saizvozvowo mukombe shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwa imwi.21Asi tarirai, ruoko rweunonditengesa rwuneni patafura.22Zvino zvirokwazvo Mwanakomana wemunhu unoenda sezvazvakatemwa; asi une nhamo munhu uyo waanotengeswa naye!23Zvino ivo vakatanga kubvunzana kuti ko ndiani pavari uchaita chinhu ichi.24Zvino gakava rakavapowo pakati pavo kuti ndiani kwavari unoverengwa semukurusa.25Zvino wakati kwavari: Madzimambo evechirudzi anotonga zvakaoma pamusoro pavo, nevatongi vavo vanonzi vabatsiri.26Asi imwi zvisadaro; asi mukurusa kwamuri ngaave semuduku, nemutungamiriri seunoshandira.27Nekuti ndiani mukuru, uyo ugere pakudya kana unoshandira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu seunoshandira.28Nemwi ndimwi makagara neni pamiidzo yangu;29zvino ini ndinogadza kwamuri ushe, saBaba vangu vakagadza kwandiri;30kuti mudye nekumwa patafura yangu muushe hwangu, nekugara pazvigaro zveushe, muchitonga marudzi gumi nemaviri aIsraeri.31Ishe ndokuti: Simoni, Simoni, tarira, Satani wakukumbirai kuti akuzungurei segorosi;32asi ini ndakunyengeterera, kuti rutendo rwako rwurege kupera; newe kana watendeuka, usimbise hama dzako.33Asi wakati kwaari: Ishe, ndakagadzirira kuenda nemwi zvose mutirongo nemurufu.34Asi iye wakati: Ndinokuudza, Petro, jongwe haringatongoriri nhasi, usati waramba katatu kuti unondiziva.35Zvino wakati kwavari: Pandakakutumai musina chikwama nehombodo neshangu, makashaiwa chinhu here? Vakati: Hapana.36Zvino akati kwavari: Asi ikozvino, une chikwama ngaatore, saizvozvowo nehombodo; neusina, ngaatengese nguvo yake, atenge munondo.37Nekuti ndinoti kwamuri: Izvi zvakanyorwa zvichakafanira kuzadziswa mandiri, zvinoti: Wakaverengwa pamwe nevadariki; nekuti zvinhu izviwo zviri maererano neni zvine mugumo.38Zvino vakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miviri. Akati kwavari: Zvaringana.39Zvino wakabuda akaenda sezvaaisiita kugomo reMiorivhi; nevadzidzi vake vakamutevera.40Zvino wakati asvika panzvimbo, akati kwavari: Nyengeterai kuti murege kupinda pamuedzo.41Zvino iye wakasuduruka kwavari, chingava chinhambwe chingaposherwa ibwe; ndokufugama ndokunyengetera,42achiti: Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri; asi chisava chido changu, asi chenyu ngachiitwe.43Zvino kwakaonekwa mutumwa kwaari wakabva kudenga achimusimbisa.44Zvino, ari pakurwadziwa kukuru, wakanyanya kunyengetera. Zvino ziya rake rikaita semazidomwe eropa achiwira pasi.45Zvino wakati asimuka pamunyengetero, ndokuuya kuvadzidzi vake, akavawana varara neshungu.46Ndokuti kwavari: Mararirei? Mukai munyengetere, kuti murege kupinda pamuedzo.47Zvino wakati achataura, tarira, chaunga, naiye wainzi Judhasi, umwe wevanegumi nevaviri, akavatungamirira, ndokuswedera kuna Jesu, kuti amutsvode.48Asi Jesu wakati kwaari: Judhasi, unotengesa Mwanakomana wemunhu netsvodo here?49Zvino avo vaiva vakamukomba pavakaona zvaizoitika vakati kwaari: Ishe, tichatema nemunondo here?50Zvino umwe wavo wakatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake yerudyi.51Asi Jesu wakapindura akati: Regai zvisvike ipapa. Ndokubata nzeve yake, akamuporesa.52Zvino Jesu wakati kuvapristi vakuru nevatungamiriri vetembere nevakuru vakange vauya kwaari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo here?53Ndaiva nemwi mutembere zuva nezuva mukasatandavadzira ruoko kwandiri; asi zvino iawa renyu, nesimba rerima.54Zvino vakamutora, vakamutungamidza, vakanomuisa kumba kwemupristi mukuru. Petro ndokutevera ari kure.55Zvino vakati vavesa moto pakati pechivanze, ndokugara pasi pamwe, Petro akagara pakati pavo.56Zvino umwe murandakadzi wakamuona agere pamoto, ndokumutarisisa, akati: Uyuwo munhu wakange anaye.57Asi iye wakamurambira, achiti: Mukadzi, handimuzivi.58Uye shure kwechinguvana, umwe wakamuona akati: Iwewo uri umwe wavo. Petro ndokuti: Iwe munhu, handizi.59Zvino nguva inenge seawa rimwe yakati yapfuura, umwe wakasimbisa ane chokwadi, achiti: Zvirokwazvo uyuwo wakange anaye; nekuti muGarireawo.60Zvino Petro wakati: Iwe munhu, handizivi zvaunoreva. Pakarepo achataura jongwe rakarira.61Ishe ndokutendeuka akatarira Petro. Petro ndokurangarira shoko raIshe, kuti akamuudza sei, achiti: Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.62Zvino Petro wakabuda panze akachema zvakaomarara.63Zvino varume vakange vakabata Jesu, vakamusweveredza, vakamurova.64Uye vakati vamuvhara kumeso, vakamurova chiso, ndokumubvunza vachiti: Porofita! Ndiani wakurova?65Nezvimwe zvinhu zvizhinji vakareva kwaari, vachinyomba.66Zvino kwakati kuchingoedza, dare revatariri vevanhu nevapristi vakuru nevanyori vakaungana, vakamuisa kudare ravo remakurukota vachiti:67Naizvozvo kana iwe uri Kristu, tiudze. Zvino akati kwavari: Kana ndikakuudzai, hamutongotendi;68uye kana ndikabvunza, hamumbondipinduri, kana kundisunungura.69Kubva ikozvino Mwanakomana wemunhu uchagara kuruoko rwerudyi rwesimba rwaMwari.70Vose ndokuti: Naizvozvo iwe uri Mwanakomana waMwari kanhi? Iye ndokuti kwavari: Imwi mareva kuti ndini.71Zvino vakati: Tichadirei uchapupu? Nekuti tomene tanzwa pamuromo wake.