Shona

Luke

21

1Zvino wakati atarira kumusoro akaona vafumi vachikanda zvipo zvavo muchivigiro chezvipo.2Uye wakaona imwe chirikadzi murombo ichikandamo tumari twemhangura tuviri tuduku.3Ndokuti: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda kupfuura vose;4nekuti avo vose vakanda muzvipo zvaMwari pamuraudziro wavo, asi iye, paurombo hwake wakanda chose chaaiva nacho chaairarama nacho.5Zvino vamwe vachiri kutaura pamusoro petembere, kuti yakange yakashongedzwa nemabwe akanaka nezvipo, wakati:6Zvinhu izvi zvamunoona, mazuva achasvika okuti ibwe harizosiiwi pamusoro pebwe, risingazoputsirwi pasi.7Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, ko zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chii, kana izvozvi zvoitika?8Iye ndokuti: Chenjerai kuti musatsauswa; nekuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye: Nguva yaswedera. Naizvozvo musavatevera.9Zvino kana muchinzwa zvehondo nenyonganyonga, musavhunduswa; nekuti zvinhu izvi zvinofanira kutanga kuitika; asi kuguma hakuvipo pakarepo.10Ipapo wakati kwavari: Rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe.11Uye kudengenyeka kwenyika kukuru kuchava kunzvimbo dzakasiyana siyana, nenzara nematenda, uye zvinotyisa kuona nezviratidzo zvikuru zvichabva kudenga zvichavapo.12Asi mberi kwaizvozvi zvose vachaisa maoko avo pamuri, nekushusha, vachikukumikidzai kumasinagoge nemumatirongo, muchiiswa pamberi pemadzimambo nevabati, nekuda kwezita rangu.13Uye izvi zvichashandukira kwamuri kuva uchapupu.14Naizvozvo zviisei mumoyo menyu, kuti murege kufanofunganya zvamuchazvidavirira.15Nekuti ini ndichakupai muromo nenjere, vavengi venyu vose zvavachakonewa kupikisa kana kuramba.16Zvino muchatengeswa kunyange nevabereki, nevanakomana vamai venyu, nehama, neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu.17Uye muchavengwa nevose nekuda kwezita rangu.18Asi hakungatongoparari ruvhudzi rwemusoro wenyu.19Mukutsungirira kwenyu wanai mweya yenyu.20Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nemauto, zivai ipapo kuti kuparadzwa kwaro kwaswedera.21Panguva iyo vari muJudhiya ngavatizire kumakomo; nevari mukati maro ngavabude; nevari kuruwa ngavarege kupinda mariri.22Nekuti awa mazuva etsividzo, kuti zvinhu zvose zvakanyorwa zvizadziswe.23Asi vane nhamo vane mimba nevanomwisa mumazuva iwayo! Nekuti kuchavapo kutambudzika kukuru munyika, nehasha pamusoro perudzi urwu.24Uye vachawa nemuromo wemunondo, nekutapirwa kumarudzi ose; uye Jerusarema richatsikirwa pasi nevechirudzi, kusvikira nguva dzevechirudzi dzazadziswa.25Zvino zviratidzo zvichavapo pazuva nepamwedzi nepanyeredzi; nepanyika kutambudzika kwemarudzi nekukanganiswa; gungwa nemafungu zvichitinhira,26vanhu vachapera simba nekutya nekutarisira zvinhu izvo zvinouya panyika; nekuti masimba ekumatenga achazungunuswa.27Zvino ipapo vachaona Mwanakomana wemunhu achiuya mugore ane simba nekubwinya kukuru.28Zvino kana zvinhu izvi zvichitanga kuitika, zvino itii tasa, uye musimudze misoro yenyu, nekuti rudzikunuro rwenyu rwaswedera.29Zvino wakavataurira mufananidzo achiti: Tarirai muonde nemiti yose;30kana ikozvino yotunga, munozvionera nekuziva kuti zhizha ikozvino rava pedo.31Saizvozvo imwiwo, kana moona zvinhu izvozvi zvichiitika, zivai kuti ushe hwaMwari hwava pedo.32Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringapfuuri, kusvikira zvose zvaitika.33Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.34Zvino zvichenjererei, kuti moyo yenyu irege kuremedzwa nekudyisa nekudhakwa nekufunganya zveupenyu huno, zuva iro rikusvikirei musingafungiri.35Nekuti seriva richasvika pamusoro pevose vagere pachiso chenyika yose.36Naizvozvo rindai panguva dzose munyengetere kuti muverengwe makafanira kupukunyuka zvinhu izvo zvose zvichaitika, nekumira pamberi peMwanakomana wemunhu.37Zvino waidzidzisa masikati mutembere; asi usiku waibuda, achinogara mugomo rinonzi reMiorivhi.38Vanhu vose ndokuuya kwaari mangwanani-ngwanani mutembere kuti vamunzwe.