1Zvino zvakaitika parimwe remazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutembere nekuparidza evhangeri, vapristi vakuru nevanyori vakasvika nevakuru,2ndokutaura kwaari vachiti: Tiudzei, munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndiani iye wakakupai simba iri?3Zvino wakapindura akati kwavari: Ini ndichakubvunzaiwo shoko rimwe; uye mundiudze:4Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu?5Zvino vakarangana, vachiti: Kana tikati: Kudenga; uchati: Naizvozvo makaregerei kumutenda?6Asi kana tikati: Kuvanhu; vanhu vose vachatitaka nemabwe; nekuti vaiva nechokwadi kuti Johwani waiva muporofita.7Vakapindura, vachiti havazivi kwarwakabva.8Jesu ndokuti kwavari: Neni handikuudzii kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.9Zvino wakatanga kuudza vanhu mufananidzo uyu: Umwe munhu wakasima munda wemizambiringa, akauhaisa kuvarimi, akaenda parwendo nguva refu;10nenguva yakafanira wakatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvechibereko chemunda wemizambiringa; asi varimi vakamurova, vakamuendesa asina chinhu.11Zvino wakatumazve umwe muranda; naiye vakamurovawo vakamunyadzisa, vakamuendesa asina chinhu.12Zvino wakatumazve wechitatu; uyuwo ndokumukuvadza, vakamukandira kunze.13Zvino mwene wemunda wemizambiringa wakati: Ndichaitei? Ndichatuma mwanakomana wangu unodikamwa, zvimwe vakaona iye vachamukudza.14Asi varimi vakati vachimuona vakarangana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuuraye, kuti nhaka igova yedu.15Vakamukandira kunze kwemunda wemizambiringa, vakauraya. Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa uchavaitirei?16Uchauya, ndokuparadza varimi ivava, agopa munda wemuzambiringa vamwe. Zvino vachinzwa, vakati: Zvisadaro!17Asi wakavatarisa, akati: Naizvozvo chii ichi chakanyorwa, chinoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rava musoro wekona?18Wose unowira pamusoro pebwe iro, uchavhuniwavhuniwa; asi ani nani warinowira pamusoro richamukuya.19Zvino vapristi vakuru nevanyori neawa iroro vakatsvaka kuisa maoko paari, asi vakatya vanhu; nekuti vakaziva kuti wakareva mufananidzo uyo akanangana navo.20Vakamucherekedza, vakatumira vashori vakanyepedzera kuva vakarurama, kuti vamubate pakutaura, kuti vamukumikidze kuushe nesimba remutungamiriri.21Zvino vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nekudzidzisa zvakarurama, uye hamugamuchiri chiso, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi.22Zviri pamutemo here kwatiri kupa mutero kuna Kesari, kana kwete?23Asi wakaziva unyengeri hwavo, ndokuti kwavari: Munondiidzirei?24Ndiratidzei dhenari*; Rine mufananidzo nerunyoro rwaani? Vakapindura vakati: ZvaKesari.25Ndokuti kwavari: Naizvozvo dzorerai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari.26Vakakoniwa kumubata neshoko rake pamberi pevanhu; vakashamisika nemhinduro yake; vakanyarara.27Zvino kwakaswedera vamwe vevaSadhusi, vanoramba kuti kune kumuka kwevakafa, ndokumubvunza,28vachiti: Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa ane mukadzi, asi iye akafa asina vana, munin'ina wake atore mukadzi, amutsire mukoma wake mbeu.29Naizvozvo kwakange kune vanakomana vemunhu umwe vanomwe; wekutanga ndokutora mukadzi, akafa asina vana;30newechipiri akatora mukadzi uyo, naiye akafa asina mwana;31newechitatu akamutora. Zvikadarowo nevanomwe, uye vakasasiya vana, vakafa.32Pakupedzisira kwavo vose mukadzi wakafawo.33Naizvozvo pakumuka kwevakafa, uchava mukadzi waani kwavari? Nekuti vanomwe vakava naye semukadzi.34Zvino Jesu wakapindura akati kwavari: Vana venyika ino vanowana, vanowaniswa;35asi avo vachanzi vakafanira kuwana nyika iyo nekumuka kuvakafa havawani kana kuwaniswa;36nekuti havagoni kufazve; nekuti vakaita sevatumwa, uye vanakomana vaMwari, vari vanakomana vekumuka kwevakafa.37Asi kuti vakafa vanomutswa, kunyange Mozisi wakaratidza pagwenzi, paakaidza Ishe Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.38Nekuti haazi Mwari wevakafa, asi wevapenyu; nekuti vose vanoraramira iye.39Zvino vamwe vevanyori vakapindura vakati: Mudzidzisi, mataura zvakanaka.40Uye havana kuzoshinga kumubvunzazve chinhu.41Zvino wakati kwavari: Vanoreva sei kuti Kristu Mwanakomana waDavhidhi?42Nekuti Dhavhidhi pachake wakareva mubhuku reMapisarema achiti: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi,43kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.44Naizvozvo Dhavhidhi unomuidza Ishe, ko Mwanakomana wake sei?45Zvino vanhu vose vachakateerera, wakati kuvadzidzi vake:46Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, uye vanoda kwaziso pamisika, nezvigaro zvepamusorosa mumasinagoge, nezvigaro zvemberi pazvirairo;47vanodya dzimba dzechirikadzi, vanonyepedzera nekuita minyengetero mirefu; ivavo vachagamuchira kurashwa kukuru.