Shona

Luke

19

1Zvino Jesu wakapinda, akagura muJeriko.2Zvino tarira, murume wainzi Zakewu nezita; iye wakange ari mutungamiriri wevateresi, uye iye waiva mufumi;3uye wakatsvaka kuona Jesu kuti ndiani; asi wakange asingagoni nekuda kwechaunga, nekuti wakange ane chimiro chifupi.4Zvino wakamhanyira mberi, akakwira mumuonde wemusikamori kuti amuone; nekuti wakange achizopfuura nenzira iyo.5Zvino Jesu wakati achisvika panzvimbo iyo, wakatarira kumusoro, akamuona, akati kwaari: Zakewu, kurumidza uburuke; nekuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.6Zvino wakakurumidza kuburuka, akamugamuchira achifara.7Zvino vakati vazviona vakan'un'una vose vachiti: Wapinda kunogara nemurume mutadzi.8Asi Zakewu wakamira, akati kuna Ishe: Tarirai, hafu yefuma yangu, Ishe, ndinopa kuvarombo, uye kana ndakatora chinhu kune umwe munhu nekunyengera, ndinodzosera runa.9Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno; nekuti iyewo mwanakomana waAbhurahamu.10Nekuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzotsvaka nekuponesa chakarasika.11Vakati vanzwa zvinhu izvi, wakawedzera akataura mufananidzo, nekuti wakange ava pedo neJerusarema, uye nekuti vaifunga kuti ushe hwaMwari hwobva hwodoonekereswa.12Naizvozvo wakati: Umwe munhu une mbiri wakaenda kunyika iri kure, kunozvigamuchirira ushe agodzoka.13Zvino wakadana varanda vake gumi, ndokuvapa pondo gumi, ndokuti kwavari: Bhindaukai kusvikira ndichiuya.14Asi vanhu venyika yake vakange vachimuvenga, vakatuma nhume shure kwake, vachiti: Hatidi uyu kuti atitonge.15Zvino zvakaitika kuti adzoka agamuchira ushe, wakaraira kuti vaya varanda vaakange apa mari, vadanirwe kwaari, kuti anzwe kuti umwe neumwe wakawana zvakadini nekutengeserana.16Wekutanga ndokusvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo gumi.17Zvino akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka; nekuti wakange wakatendeka pachiduku-duku, uve nesimba pamusoro pemaguta gumi.18Newechipiri wakasvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo shanu.19Akati kwaariwo: Newe, uve pamusoro pemaguta mashanu.20Zvino umwe wakasvika, achiti: Ishe, tarirai pondo yenyu, yandakange ndakachengeta mumucheka wekumeso;21nekuti ndakange ndichikutyai, nekuti muri munhu wakaoma; munotora zvamusina kuisa, muchikohwa izvo zvamusina kudzvara.22Zvino wakati kwaari: Ndichakutonga nezvinobuda mumuromo mako, muranda wakaipa; wakange uchiziva kuti ini ndiri munhu wakaoma, ndichitora zvandisakaisa, nekukohwa izvo zvandisina kudzvara;23naizvozvo sei usina kuisa mari yangu mubhanga, kuti kana ndouya ndigozoitora pamwe nezvibereko.24Ndokuti kune vakange vamirepo: Mutorerei pondo mupe kuune pondo gumi.25Asi vakati kwaari: Ishe, une pondo gumi.26Nekuti ndinoti kwamuri: Wose unazvo uchapiwa; asi uyo usina, uchatorerwa nezvaanazvo.27Asi vavengi vangu avo, vakange vasingadi kuti nditonge pamusoro pavo, uyisai pano, muvauraye pamberi pangu.28Zvino wakati areva zvinhu izvi, akapfuurira mberi, achikwira kuJerusarema.29Zvino zvakaitika oswedera kuBhetifage neBhetaniya pagomo rinonzi reMiorivhi, wakatuma vaviri vevadzidzi vake,30achiti: Fambai muende mumusha wakatarisana nemwi; kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunungure, mugoriuyisa.31Zvino kana chero munhu akakubvunzai achiti: Munorisunungurirei? Muchataura kwaari kudai: Ishe unorida.32Avo vakatumwa vakaenda vakanowana sezvaakange ataura kwavari.33Zvino vakati vachisunungura dhongwana, varidzi varo vakati kwavari: Munosunungurirei dhongwana?34Ivo ndokuti: Ishe unorida.35Zvino vakariuyisa kuna Jesu; ndokukanda nguvo dzavo pamusoro pedhongwana, vakatasvisa Jesu pariri.36Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira.37Zvino wakati oswedera ikozvino pamateru egomo reMiorivhi, chaunga chose chevadzidzi chikatanga kufara chichirumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ose esimba avakange vaona,38vachiti: Wakaropafadzwa mambo unouya muzita raIshe; rugare kudenga, nekubwinya kumusoro-soro.39Uye vamwe vevaFarisi vari pakati pechaunga vakati kwaari: Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu.40Zvino wakapindura akati kwavari: Ndinokuudzai kuti kana ava vakanyarara, mabwe achadanidzira.41Zvino wakati aswedera, wakaona guta, akachema pamusoro paro,42achiti: Dai newe waiziva, kunyange pazuva rino rako, zvinhu zverugare rwako; asi zvino zvakavanzirwa meso ako.43Nekuti mazuva achasvika pamusoro pako, apo vavengi vako vachakukandira muchinjiziri wakakupoteredza, vachakukomba, nekukudzvinyidzira pamativi ose,44uye vachakuputsira pasi iwe nevana vako mukati mako, havangasii mukati mako ibwe pamusoro peibwe; nekuti hauna kuziva nguva yekushanyirwa kwako.45Zvino wakapinda mutembere, akatanga kudzingira panze vakange vachitengesamo nevaitenga,46achiti kwavari: Kwakanyorwa kuti: Imba yangu imba yemunyengetero; asi imwi maiita bako remakororo.47Zvino waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu vakatsvaka kumuparadza.48Asi havana kuwana zvavangaita, nekuti vanhu vose vakamunamatira vachimunzwa.