1Zvino wakavaudzawo mufananidzo kuti vanofanira kunyengetera nguva dzose, uye vasaora moyo,2achiti: Kwaiva mune rimwe guta neumwe mutongi, wakange asingatyi Mwari, uye asingaremekedzi munhu;3zvino kwakange kune chirikadzi muguta iro, yakange ichiuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu.4Asi wakange asingadi kwenguva; asi pashure pezvinhu izvi wakati mukati make: Kunyange ndisingatyi Mwari, uye ndisingaremekedzi munhu;5asi nekuti chirikadzi iyi inonditambudza, ndichairuramisira, zvimwe pakupedzisira ingandisvota.6Ishe ndokuti: Inzwai mutongi usakarurama zvaanoreva.7Ko Mwari haangaruramisiri here vakasanangurwa vake, vanodana kwaari masikati neusiku, kunyange achivanonokera?8Ndinoti kwamuri: Uchakurumidza kuvaruramisira. Asi kana Mwanakomana wemunhu achisvika, uchawana rutendo panyika here?9Zvino wakareva mufananidzo uyu kune vamwewo vaizvivimba kuti vakarurama, vachizvidza vamwe, akati:10Vanhu vaviri vakakwira kutembere kunonyengetera; umwe muFarisi, uye umwe muteresi.11MuFarisi wakamira akazvinyengeterera zvinhu izvi, akati: Mwari, ndinokutendai kuti handina kufanana nevamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana kunyange semuteresi uyu.12Ndinotsanya kaviri pavhiki, ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.13Asi muteresi amire kure wakasada kunyange kusimudzira meso kudenga, asi wakarova pachifuva chake, achiti: Mwari, ndinzwirei tsitsi ini mutadzi.14Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake aruramiswa pane uya; nekuti umwe neumwe unozvikwiridzira uchaninipiswa, uye unozvininipisa uchakwiridzirwa.15Zvino vakauyisa kwaari vachechewo, kuti avabate; asi vadzidzi vakati vachizviona, vakavatsiura.16Asi Jesu wakadanira vacheche kwaari akati: Tenderai vacheche vauye kwandiri, musavadzivisa, nekuti ushe hwaMwari ndehwevakadai.17Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani usingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahwuri.18Zvino umwe mutungamiriri wakamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndiitei kuti ndigare nhaka yeupenyu hwusingaperi?19Jesu ndokuti kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, Mwari.20Mirairo unoiziva, inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.21Iye ndokuti: Izvi zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu.22Zvino Jesu wakati achinzwa zvinhu izvi akati kwaari: Uchiri kushaiwa chinhu chimwe; tengesa zvose zvaunazvo, ugovere varombo, uye uchava nefuma yakakosha kudenga; ugouya pano wonditevera.23Zvino wakati anzwa zvinhu izvi, akashungurudzika zvikuru; nekuti wakange akafuma zvikuru.24Zvino Jesu wakati achiona kuti washungurudzika zvikuru akati: Zvicharemera sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari.25Nekuti zvakareruka kuti kamera ripinde richidarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.26Zvino avo vakanzwa, vakati: Zvino ndiani unogona kuponeswa?27Asi iye akati: Zvinhu zvisingagoneki nevanhu, zvinogoneka naMwari.28Petro ndokuti: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai.29Zvino akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vabereki, kana madzikoma nevaninina, kana mukadzi, kana vana, nekuda kweushe hwaMwari,30usingazogamuchiri zvakapetwa kazhinji nenguva ino, nemunguva inouya upenyu hwusingaperi.31Zvino wakatora vanegumi nevaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye zvinhu zvose zvakanyorwa nevaporofita maererano neMwanakomana wemunhu zvichazadziswa.32Nekuti uchakumikidzwa kune vechirudzi, agosekwa, nekuitirwa zvakaipa, nekupfirwa,33uye vachamurova netyava nekumuuraya; uye pazuva retatu uchamukazve.34Asi ivo havana kunzwisisa chinhu chimwe cheizvozvi, uye shoko iri rakange rakavanzwa kwavari, uye havana kunzwisisa zvinhu zvakarehwa.35Zvino zvakaitika oswedera Jeriko, rimwe bofu raigara padivi penzira richipemha;36rakati richinzwa chaunga chichipfuura, rikabvunza kuti chinyi ichi.37Zvino vakariudza kuti: Jesu weNazareta unopfuura.38Zvino rakadanidzira richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!39Zvino vakange vakatungamira vakaritsiura kuti rinyarare; asi iro rakanyanyisa kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDavidhi, ndinzwirei tsitsi!40Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti riuyiswe kwaari; zvino rakati raswedera akaribvunza,41achiti: Unoda kuti ndikuitirei? Zvino rakati: Ishe, kuti ndionezve.42Jesu ndokuti kwaari: Chionazve! Rutendo rwako rwakuponesa.43Pakarepo rikaonazve, rikamutevera, richirumbidza Mwari; vanhu vose vakati vachizviona vakarumbidza Mwari.