1Zvino wakati kuvadzidzi: Hazvigoneki kuti zvigumbuso zvisauya; asi une nhamo wazvinouya kubudikidza naye.2Zvaiva nani kwaari kuti guyo rinorema risungirirwe kupoteredza mutsipa wake, ndokukandirwa mugungwa, pakuti agumbuse umwe wevaduku ava.3Muzvichenjerere imwi. Zvino kana hama yako ikakutadzira, mutsiure; uye kana akatendeuka, mukangamwire.4Uye kana akutadzira kanomwe pazuva, akadzoka kwauri kanomwe pazuva, achiti: Ndatendeuka; uchamukangamwira.5Zvino vaapositori vakati kuna Ishe: Wedzerai kwatiri rutendo.6Ishe ndokuti: Kana maiva nerutendo rwakaita setsanga yemasitadha, maiti kumuhabhurosi uyu: Dzurwa, usimwe mugungwa; uye waikuteererai.7Asi ndeupi kwamuri une muranda unorima kana kufudza, uchati achingopinda achibva kumunda: Swedera ugare pakudya?8Asi ungarega here kuti kwaari: Gadzira zvandingaraira, uye uzvisunge chiuno, undishandire, kusvikira ndadya, ndikamwa; zvino mushure iwe udye nekumwa?9Unotenda muranda uyo nekuti wakaita zvarairwa here? Handifungi.10Saizvozvo neimwi, kana maita zvose zvamakarairwa, muti: Tiri varanda pasina, nekuti taita zvataifanira kuita.11Zvino zvakaitika pakuenda kwake kuJerusarema, kuti iye wakapfuura nepakati peSamaria neGarirea.12Zvino wakati achipinda mune umwe musha, varume gumi vaiva nemaperembudzi vakasangana naye, vamire kure.13Zvino ivo vakasimudza inzwi, vachiti: Jesu, Tenzi, tinzwirei tsitsi!14Zvino wakati achivaona, akati kwavari: Endai munozviratidza kuvapristi. Zvino zvakaitika kuti vachienda, vakanatswa.15Zvino umwe wavo paakaona kuti aporeswa, wakadzoka achikudza Mwari nenzwi guru;16ndokuwira pasi nechiso patsoka dzake, achimuvonga; zvino iye wakange ari muSamaria.17Asi Jesu wakapindura akati: Vanga vasiri gumi here vanatswa? Ko vapfumbamwe varipi?18Hapana kuwanikwa vadzokera kuzopa Mwari rukudzo, kunze kweuyu mutorwa.19Zvino akati kwaari: Simuka, enda; rutendo rwako rwakuponesa.20Zvino wakati achibvunzwa nevaFarisi, kuti ushe hwaMwari hwunosvika rinhi, akavapindura akati: Ushe hwaMwari hahwuuyi nekuonekwa;21uye havangati: Tarirai pano; kana: Tarira uko. Nekuti tarirai, ushe hwaMwari hwuri mukati menyu.22Zvino wakati kuvadzidzi: Mazuva achasvika amuchashuva kuona rimwe ramazuva eMwanakomana wemunhu, asi hamungarioni.23Zvino vachati kwamuri: Tarirai pano; kana: Tarirai uko; regai kuenda, kana kutevera.24Nekuti semheni inopenya ichibva kune rumwe rutivi pasi pedenga ichivhenekera kusvikira kune rumwe rutivi pasi pedenga, saizvozvo zvichaitawo Mwanakomana wemunhu nezuva rake.25Asi kutanga unofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji, nekurambwa nezera iri.26Uye sezvazvakange zvakaita mumazuva aNowa, ndizvo zvazvichavawo mazuva eMwanakomana wemunhu.27Vaidya, vaimwa, vaiwana, vachiwaniswa, kusvikira zuva iro Nowa raakapinda naro muareka, mafashame akasvika, ndokuvaparadza vose.28Saizvozvowo sezvazvakange zvakaita mumazuva aRoti; vaidya, vaimwa, vaitenga, vaitengesa, vaidzvara, vaivaka;29asi nemusi Roti waakabuda muSodoma, kwakanaya moto nesarufa zvichibva kudenga, zvikaparadza vose.30Zvichava seizvi nezuva Mwanakomana wemunhu raachabudiswa pachena naro.31Muzuva iro, uyo uchava pamusoro pedenga reimba, nenhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; neuri kumunda saizvozvo ngaarege kudzokera zvinhu zviri shure.32Yeukai mukadzi waRoti.33Ani nani unotsvaka kuponesa upenyu hwake ucharashikirwa nahwo, uye ani nani unorashikirwa nahwo uchahwuraramisa.34Ndinoti kwamuri: Muusiku uhwo kuchava nevaviri pamubhedha umwe; umwe uchatorwa, uye umwe uchasiiwa.35Vaviri vachava vachikuya pamwe, umwe uchatorwa, uye umwe uchasiiwa.36Vaviri vachava mumunda; umwe uchatorwa, uye umwe asiiwe.37Zvino vakapindura vakati kwaari: Kupi Ishe? Ndokuti kwavari: Pane mutumbi, ndipo pachaunganidzwa magora.