Shona

Luke

16

1Zvino wakataurawo kuvadzidzi vake achiti: Kwakange kune umwe munhu mufumi, waiva nemutariri; iye wakapomerwa kwaari seunoparadza nhumbi dzake.2Zvino wakamudana akati kwaari: Chii ichi chandinonzwa nezvako? Rondedzera nezveutariri hwako; nekuti hauchazogoni kuva mutariri.3Zvino mutariri wakati mukati make: Ndichaitei, sezvo ishe wangu wonditorera utariri? Handigoni kuchera, kupemha ndinonyara.4Ndaziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pautariri, vandigamuchire mudzimba dzavo.5Zvino wakadanira kwaari umwe neumwe wakange ane chikwereti kuna ishe wake, akati kune wekutanga: Une chikwereti chakadini kuna ishe wangu?6Iye ndokuti: Zviyero zana zvemafuta. Ndokuti kwaari: Tora rugwaro rwako, ugare pasi nekukurumidza unyore makumi mashanu.7Ndokuti kune umwe: Newe, une chikwereti chakadini? Iye ndokuti: Zviyero zana zvezviyo. Akati kwaari: Tora rugwaro rwako, unyore makumi masere.8Zvino Ishe wakarumbidza mutariri usakarurama, nekuti wakange aita nekuchenjera; nekuti vana venyika ino vakachenjera pazera ravo kukunda vana vechiedza.9Neni ndinoti kwamuri: Muzviitire shamwari nafuma wekusakarurama, kuti kana musingachagoni, vakugamuchirei mudzimba dzekusingaperi.10Wakatendeka pachidukusa wakatendekawo pachikuru, neusakarurama pachidukusa haana kururamawo pachikuru.11Naizvozvo kana musina kutendeka pana fuma usakarurama, ndiani uchakubatisai chinhu chechokwadi?12Uye kana musina kutendeka pane cheumwe, ndiani uchakupai chenyu?13Hakuna muranda unogona kubatira vana tenzi vaviri; nekuti zvimwe uchavenga umwe, ndokuda umwe; kana kuti uchanamatira kune umwe agozvidza umwe. Hamugoni kubatira Mwari nafuma.14Zvino nevaFarisi vakange vari vadi vemari, vakanzwa zvinhu izvi zvose, vakamunyomba.15Zvino wakati kwavari: Imwi ndimwi vanozviruramisa pamberi pevanhu, asi Mwari unoziva moyo yenyu; nekuti icho chinokwiridzirwa pakati pevanhu, chinyangadzo pamberi paMwari.16Murairo nevaporofita zvaivapo kusvikira kuna Johwani; kubva ipapo evhangeri neushe hwaMwari zvinoparidzwa, uye umwe neumwe unosenerera mahwuri.17Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuure, pakuti chidodzi chimwe chemurairo chiwe.18Ani nani unoramba mukadzi wake akawana umwe unoita upombwe; uye ani nani unowana wakarambwa kumurume unoita upombwe.19Kwakange kune umwe munhu mufumi, waipfeka zvine ruvara rwehute nemicheka yerineni yakapfava, nekufara paumbozha mazuva ose.20Zvino kwakange kune umwe mupemhi wainzi Razaro, wakange akaiswa pasuwo rake azere maronda,21uye waishuva kugutswa nezvimedu zvaiwa patafura yemufumi; kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzwa maronda ake.22Zvino zvakaitika kuti mupemhi wakafa, akatakurirwa nevatumwa kuchifuva chaAbhurahamu; mufumi akafawo, akavigwa.23Zvino ari muhadhesi* wakasimudza meso ake, ari pamarwadzo, ndokuona Abhurahamu ari kure, naRazaro ari pachifuva chake.24Iye ndokudanidzira akati: Baba Abhurahamu, ndinzwirei tsitsi, mutume Razaro, kuti anyike muromo wemumwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu; nekuti ndinorwadziswa mumurazvo uyu.25Asi Abhurahamu wakati: Mwana, rangarira kuti iwe muupenyu hwako wakagamuchira zvakanaka zvako, saizvozvo naRazaro zvakaipa; asi zvino iye unonyaradzwa, uye iwe unorwadziwa.26Uye pamusoro peizvi zvose, pakati pedu nemwi pane mukaha mukuru wakaiswa, kuti vanoda kuyambuka kubva kuno vachiuya kwamuri vakonewe, neveko varege kuyambukira kwatiri.27Iye ndokuti: Naizvozvo ndinokukumbirisai, baba, kuti mumutumire kuimba yababa vangu,28nekuti ndine vanakomana vamai vangu vashanu, kuti anyatsovapupurira, zvimwe ivowo vangauya panzvimbo ino yemarwadzo.29Abhurahamu akati kwaari: Mozisi nevaporofita vanavo; ngavanzwe ivo.30Iye ndokuti: Kwete, Baba Abhurahamu; asi kana umwe akaenda kwavari kubva kuvakafa, vachatendeuka.31Asi wakati kwaari: Kana vasingateereri Mozisi nevaporofita, havangatendiswi, kana umwe akamuka kuvakafa.