Shona

Luke

15

1Zvino kwakaswedera kwaari vateresi nevatadzi vose, kuzomunzwa.2VaFarisi nevanyori vakatsutsumwa vachiti: Uyu unogamuchira vatadzi, achidya navo.3Zvino wakavaudza mufananidzo uyu, achiti:4Ndeupi munhu kwamuri ungati ane makwai zana, kana arashikirwa nerimwe rawo, usingasii makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe murenje, akatevera rakarashika kusvikira ariwana?5Uye kana ariwana, unoriisa pamafudzi ake achifara.6Zvino kana asvika kumusha, unodana pamwe shamwari nevavakidzani, achiti kwavari: Farai neni, nekuti ndawana gwai rangu rakange rarashika.7Ndinoti kwamuri: Saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pemutadzi umwe unotendeuka, kupfuura pamusoro pevakarurama makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe, vasingatsvaki kutendeuka.8Kana ndeupi mukadzi une makobiri gumi, kana arashikirwa nekobiri rimwe, usingatungidzi mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa kusvikira ariwana?9Uye kana ariwana, unodana shamwari nevavakidzani pamwe, achiti: Farai neni, nekuti ndawana kobiri randanga ndarashikirwa naro.10Saizvozvo, ndinokutaurirai, kuti mufaro uripo pamberi pevatumwa vaMwari pamusoro pemutadzi umwe unotendeuka.11Zvino wakati: Umwe munhu waiva ane vanakomana vaviri;12muduku wavo ndokuti kuna baba: Baba, ndipei mugove wenhumbi wakanangana neni. Akavagovera nhumbi dzake.13Pasina kupfuura mazuva mazhinji, mwanakomana muduku wakaunganidza zvose pamwe, akasimuka akaenda kunyika iri kure; uye akaparadza ikoko nhaka yake, achirarama neunzenza.14Zvino wakati aparadza zvose, kwakauya nzara huru panyika iyo, iye akatanga kushaiwa.15Zvino wakaenda, akanozvibatanidza neumwe wezvizvarwa zvenyika iyo; akamutumira kuminda yake kunofudza nguruve.16Wakange achishuva kugutsa dumbu rake nemateko nguruve adzaidya; asi hakuna munhu waimupa.17Zvino wakati apengenuka, akati: Varikichi vazhinji sei vababa vangu vane zvingwa zvakawandisisa, asi ini ndofa nenzara.18Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu, ndigoti kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga, nepamberi penyu;19uye handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; ndiitei seumwe wevarikichi venyu.20Akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi wakati achiri kure, baba vake vakamuona, vakanzwa tsitsi, vakamhanya ndokuwira pahuro pake, nekumutsvoda.21Zvino mwanakomana akati kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga nepamberi penyu, uye handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.22Asi baba vakati kuvaranda vavo: Budai nenguvo yakanakisisa mumupfekedze, muise mhete paruoko rwake, nemanyatera patsoka;23muuye nemhuru yakakodzwa, mubaye, uye ngatidye tifare;24nekuti uyu mwanakomana wangu wakange afa, zvino wararamazve; wakange arashika, asi wawanikwa; zvino vakatanga kufara.25Zvino mwanakomana wake mukuru wakange ari kumunda; zvino wakati achisvika, oswedera paimba, akanzwa mumhanzi nekutamba.26Zvino wakadanira kwaari umwe wevaranda, akabvunza kuti izvi zvinorevei.27Zvino akati kwaari: Munin'ina wako wasvika; zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nekuti vamugamuchira akagwinya.28Asi wakatsamwa, akasada kupinda; naizvozvo baba vake vakabuda, vakamukumbirisa.29Asi iye wakapindura akati kuna baba: Tarirai, makore mazhinji ndakakubatirai, handina kutongodarika murairo wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu.30Asi mangoti mwanakomana wenyu uyu wakaparadza nhumbi dzenyu nezvifeve achisvika, mamubaira mhuru yakakodzwa.31Vakati kwaari: Mwana, iwe uneni nguva dzose, uye zvose zvangu ndezvako.32Asi kwaifanira kuti kupemberwe nekufarwa, nekuti munin'ina wako uyu wakange afa, wararamazve; wakange arashika, wawanikwa.