1Zvino zvakaitika pakupinda kwake mumba meumwe wevakuru kuvaFarisi kuzodya chingwa nesabata, kuti ivo vakamucherekedza.2Zvino tarira, kwakange kune umwe munhu pamberi pake waiva nerukandwe.3Jesu ndokupindura akataura kunyanzvi dzemutemo nevaFarisi, achiti: Zviri pamutemo here kuporesa nesabata?4Asi vakanyarara. Zvino akamubata akamuporesa ndokurega achienda.5Akavapindura achiti: Ndiani pakati penyu, ungati kana ane mbongoro kana nzombe ikawira mugomba, akasaisimudza pakarepo nesabata?6Vakasagona kumupindurazve pamusoro pezvinhu izvi.7Zvino wakataura mufananidzo kune vakakokwa, achiona kuti vanozvisanangurira sei zvigaro zvepamusoro, akati kwavari:8Kana wakokwa neumwe munhu kumuchato, usagara pachigaro chepamusoro; zvimwe umwe unokudzwa kupfuura iwe wakokwa naye,9zvino wakakukoka iwe naiye asvike ati kwauri: Dziurira uyu; ipapo uchatanga kugara kunzvimbo yepasisa nenyadzi.10Asi kana wakokwa, enda ugare panzvimbo yepasisa, kuti kana uyo wakakukoka achisvika, angati kwauri: Shamwari, kwira kumusoro; zvino uchava nerukudzo pamberi pevagere pakudya newe.11Nekuti ani nani unozvikwiridzira, uchaninipiswa; neunozvininipisa uchakwiridzirwa.12Ipapo akatiwo kune wakamukoka: Kana waita chisvusvuro kana chirayiro, usadana shamwari dzako, kana vanakomana vamai vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vafumi, zvimwe ivo vangazokukokazve, ugoripirwa.13Asi kana waita mabiko, dana varombo, vanokamhina, mhetamakumbo, mapofu;14uye ucharopafadzwa, nekuti havana zvokukuripira nazvo, nekuti ucharipirwa pakumuka kwevakarurama.15Umwe wevakange vagere naye pakudya wakati achinzwa zvinhu izvi, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo uchadya chingwa paushe hwaMwari.16Asi akati kwaari: Umwe munhu wakaita chirayiro chikuru, akakokera vazhinji.17Akatuma muranda wake nenguva yekurayira kuti ati kune vakange vakakokwa: Uyai, nekuti zvose zvagadzirwa zvino.18Zvino vose vakatanga umwe neumwe kuzvikumbirira ruregerero. Wekutanga akati kwaari: Ndatenga munda, ndinofanira kuenda kunomuona; ndinokukumbira, undiregerere.19Umwe akati: Ndatenga zvipani zvishanu zvenzombe, ndinoenda kundodziidza; ndinokumbira undiregerere.20Uye umwe akati: Ndawana mukadzi, naizvozvo handigoni kuuya.21Zvino muranda uyo wakauya akapira zvinhu izvi ishe wake. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Buda nekukurumidza uende kumigwagwa nemunzira dzemuguta, upinze pano varombo, nezvirema, nemhetamakumbo, nemapofu.22Muranda ndokuti: Ishe, zvaitwa sezvamaraira, asi nzvimbo ichipo.23Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa nekuuzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe.24Nekuti ndinoti kwamuri: Hakuna umwe kune varume avo vakakokwa ucharavira chirayiro changu.25Zvino zvaunga zvikuru zvaifamba naye; akatendeuka akati kwavari:26Kana ani nani achiuya kwandiri, akasavenga baba vake namai, nemukadzi, nevana, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, hongu, kunyange neupenyu hwake, haagoni kuva mudzidzi wangu.27Zvino ani nani usingatakuri muchinjikwa wake akanditevera, haagoni kuva mudzidzi wangu.28Nekuti ndiani wenyu, unoti achida kuvaka shongwe, usingatangi agara pasi, akaverenga madhuriro, kana ane zvekupedzesa?29Kuti zvimwe ateya nheyo akasagona kupedza, vose vanoona vanotanga kumuseka,30vachiti: Uyu munhu wakatanga kuvaka, asi akakoniwa kupedzisa.31Kana ndeupi mambo, kana achienda kuhondo akamirisana neumwe mambo, usingatangi agara pasi, akafungisisa kana angagona nezvuru gumi kusangana neunouya akapikisana naye nezvuru makumi maviri?32Asi kana zvisakadaro, iye achiri kure, unotuma nhume, akumbire zverugare.33Saka saizvozvo, ani nani kwamuri usingasii zvose zaanazvo, haagoni kuva mudzidzi wangu.34Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, ucharungwa nei?35Hauchina kufanira kunyange pamunda, kana padutu remupfudze; vanourashira kunze. Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.