Shona

Luke

13

1Zvino panguva iyo kwakange kune vamwe vakamuudza zvevaGarirea, ropa ravo Pirato raakange avhenganisa nezvibayiro zvavo.2Zvino Jesu achipindura wakati kwavari: Munofunga kuti vaGarirea avo vaiva vatadzi kupfuura vaGarirea vose here, nokuti vakatambudzika zvinhu zvakadai?3Kwete, ndinoti kwamuri: Asi kana musingatendeuki, mose muchaparara saizvozvo.4Kana vaya gumi nevasere, rusvingo parwakawira pamusoro pavo muSiroami, rwukavauraya, munofunga kuti ivo vakange vari vadariki kukunda vanhu vose vaigara muJerusarema here?5Kwete, ndinoti kwamuri: Asi kana musingatendeuki, mose muchaparara saizvozvo.6Zvino wakataura mufananidzo uyu akati: Umwe wakange ane muonde, wakange wakasimwa mumunda wake wemizambiringa; akasvika achitsvaka chibereko kwauri, asi wakashaiwa.7Zvino wakati kumurimi wemunda wemizambiringa: Tarira, makore matatu ndichiuya ndichitsvaka chibereko pamuonde uyu, ndikashaiwa; uteme, unourayirei kunyange ivhu?8Iye achipindura wakati kwaari: Ishe, muregei gore rinowo, kusvikira nditimbe ndichiupoteredza, nekuuisa mupfudze;9zvino kana ukabereka chibereko, zvakanaka; asi kana zvikasadaro, shure kweizvozvo mungazoutema henyu.10Zvino waiva achidzidzisa mune rimwe remasinagoge nesabata;11zvino tarira, kwaiva kune mukadzi waiva nemweya weundonda makore gumi nemasere, wakange akakombama musana, asingatongogoni kutasamuka.12Zvino Jesu wakati achimuona, akamudanira kwaari, akati kwaari: Mukadzi, wasunungurwa paundonda hwako.13Ndokuisa maoko pamusoro pake; pakarepo akatasanudzwa, akarumbidza Mwari.14Asi mutungamiriri wesinagoge wakapindura akatsamwa nekuti Jesu wakaporesa nesabata, akati kuchaunga: Pane mazuva matanhatu anofanira kubatwa nawo; naizvozvo uyai naiwayo muporeswe, asi kwete nemusi wesabata.15Naizvozvo Ishe wakamupindura, akati: Munyepedzeri, umwe neumwe wenyu haangasununguri nzombe yake kana mbongoro pachidyiro nesabata, akaitungamidza kunoimwisa here?16Zvino uyu, ari mukunda waAbhurahamu, Satani waakange akasunga, tarira, makore gumi nemasere, hazvina kufanira kuti asunungurwe pachisungo ichi nesabata here?17Zvino achireva zvinhu izvi, vapikisi vake vose vakanyadziswa; asi chaunga chose chakafara nezvinhu zvose zvinorumbidzwa zvakaitwa naye.18Zvino akati: Ushe hwaMwari hwakaita sei? Uye ndichahwufananidza nei?19Hwakaita setsanga yemasitadha, munhu yaakatora akakanda mubindu rake; ikakura, ikaita muti mukuru, neshiri dzekudenga dzikavaka matendere pamatavi awo.20Akatizve: Ndichahwufananidza nei ushe hwaMwari?21Hwakaita sembiriso, mukadzi yaakatora akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.22Zvino wakafamba achipfuura mumaguta nemisha achidzidzisa, ari munzira kuenda kuJerusarema.23Umwe ndokuti kwaari: Ishe, vachaponeswa vashoma here? Akati kwavari:24Rwisai kupinda nesuwo rakamanikana; nekuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni.25Shure kwekunge mwene weimba asimuka avhara mukova, zvino mukatanga kumira kunze nekugogodza pamukova, muchiti: Ishe, Ishe, tizarurirei; iye agopindura achiti kwamuri: Handikuziviyi kwamunobva.26Ipapo muchatanga kuti: Takadya nekumwa pamberi penyu, uye makadzidzisa panzira dzekwedu.27Asi uchati: Ndinoti kwamuri: Handikuziviyi kwamunobva; ibvai kwandiri imwi mose vaiti vezvakaipa.28Apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno, kana moona Abhurahamu naIsaka naJakobho nevaporofita vose muushe hwaMwari, asi imwi marasirwa kunze.29Uye vachabva kumabvazuva nemavirira, uye kubva kumaodzanyemba nechamhembe, vachagara pakudya muushe hwaMwari.30Zvino tarirai, varipo vekupedzisira vachava vekutanga, uye varipo vekutanga vachava vekupedzisira.31Nezuva iroro kwakasvika vamwe vaFarisi, vachiti kwaari: Budai mubve pano, nekuti Herodhe unoda kukuurayai.32Akati kwavari: Endai, munoudza gava iro, muti: Tarira, ndinobudisa madhimoni nekuita kuporesa nhasi namangwana, neretatu ndinopedzeredza.33Asi zvakafanira kuti ndifambe nhasi namangwana nerinotevera, nekuti hazvigoneki kuti muporofita apararire kunze kweJerusarema.34Jerusarema, Jerusarema, iwe unouraya vaporofita, nekutaka nemabwe avo vanotumwa kwauri! Ndakange ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako semhambo hukwana dzayo pasi pemapapiro, asi hamuna kuda.35Tarirai, imba yenyu yasiiya kwamuri riri dongo; asi zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hamuchazondioni, kusvikira zvasvika kuti muti: Ngaarumbidzwe iye unouya nezita raIshe!