1Zvichakadaro makumi ezvuru zvevanhu akati aungana, zvekuti vaitsikana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake pakutanga achiti: Imwi chenjerai mbiriso yevaFarisi, inova unyepedzeri.2Uye hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazopenengurwi, kana chakavigwa, chisingazozikamwi.3Naizvozvo zvose zvamakataura murima zvichanzwikwa muchiedza; neizvo zvamakataura munzeve mudzimba dzemukati zvichaparidzwa pamusoro pematenga edzimba.4Uye ndinoti kwamuri shamwari dzangu: Musatya vanouraya muviri, asi shure kweizvozvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu.5Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai iye unoti shure kwekuuraya une simba rekukanda mugehena; hongu, ndinoti kwamuri: Ityai iye.6Ko dhimba shanu hadzitengeswi nemakobiri maviri here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari.7Asi kunyangwe nevhudzi remusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya naizvozvo, munopfuura dhimba zhinji.8Ndinotiwo kwamuri: Umwe neumwe unondibvuma pamberi pevanhu, Mwanakomana wemunhu uchamubvumawo pamberi pevatumwa vaMwari;9asi unondiramba pamberi pevanhu, ucharambwa pamberi pevatumwa vaMwari.10Uye umwe neumwe unoreva shoko achipikisa Mwanakomana wemunhu, uchakangamwirwa; asi uyo unonyomba Mweya Mutsvene haazokangamwirwi.11Kana vachikuisai kumasinagoge nevatongi nevane simba, musafunganya kuti muchapindurei kana sei, kana muchataurei;12nekuti Mweya Mutsvene uchakudzidzisai neawa iro zvamunofanira kutaura.13Zvino umwe wechaunga wakati kwaari: Mudzidzisi, udzai mwanakomana wamai vangu agovane nhaka neni.14Asi wakati kwaari: Iwe munhu, ndiani wakandigadza kuva mutongi kana mugoveri pamusoro penyu?15Akati kwavari: Ngwarirai muchenjerere ruchiva, nekuti upenyu hwemunhu hahusi mukuwanda kwezvinhu zvaanazvo.16Akataura mufananidzo kwavari, achiti: Munda weumwe munhu mufumi wakabereka kwazvo;17akafunga mukati make, achiti: Ndichaitei? Nekuti handina nzvimbo pandingaunganidzira zvibereko zvangu.18Ndokuti: Ndichaita izvi: Ndichaputsa matura angu, ndivake makuru, ndiunganidzire zvirimwa zvangu zvose ipapo, nenhumbi dzangu,19ndigoti kumweya wangu: Mweya, une zvinhu zvakawanda zvakanaka, zvakachengeterwa makore mazhinji; zorora, idya, imwa, fara.20Asi Mwari akati kwaari: Dununu, usiku hwuno mweya wako uchadikamwa kubva kwauri; ko izvo zvawagadzirira, zvichava zvaani?21Zvakadaro kune unozviunganidzira fuma, asi asina kufuma kuna Mwari.22Zvino wakati kuvadzidzi vake: Naizvozvo ndinoti kwamuri: Musafunganya pamusoro peupenyu hwenyu, kuti muchadyei; kana muviri, kuti muchapfekei.23Upenyu hwunopfuura chikafu, nemuviri zvipfeko.24Fungai makunguvo, kuti haadzvari, kana kukohwa, haana tsapi kana dura; asi Mwari unoafunda. Imwi munokunda zvikuru sei shiri?25Ndiani kwamuri nekufunganya ungagona kuwedzera mbimbi* imwe paurefu hwake?26Naizvozvo kana musingagoni kuita chinhu chidukusa, munofunganyirei pamusoro pezvimwe?27Fungai midovatova, kuti inokura sei; haichami, hairuki; asi ndinoti kwamuri: NaSoromoni mukubwinya kwake kose, haana kupfekedzwa seumwe wawo.28Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwuri panyika nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, uchakupfekedzai nekupfuurisa sei, imwi verutendo ruduku?29Zvino imwi musatsvaka zvamuchadya kana zvamuchamwa; uye musazvidya moyo.30Nekuti zvinhu izvi zvose marudzi enyika anozvitsvaka; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi.31Asi tsvakai ushe hwaMwari, naizvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.32Musatya boka duku; nekuti mufaro waBaba venyu kukupai ushe.33Tengesai izvo zvamunazvo mupe varombo zvipo. Muzviitire zvikwama zvisingashakari, fuma kumatenga isingaperi, pasina mbavha ingasvika kana zvifusi zvingaodza.34Nekuti pane fuma yenyu, ndipo pachava nemoyo wenyu.35Zviuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje ichipfuta.36Nemwi muve sevanhu vakarindira ishe wavo, pakudzoka kwake kumuchato, kuti kana achisvika akagogodza, vangamuzarurira pakarepo.37Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti kana ishe achisvika unovawana vakarindira; zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Uchazvisunga, akavagarisa pakudya, akaswedera akavashandira.38Kana akasvika nenguva yekurindira yechipiri, kana kusvika nenguva yekurindira yechitatu, akawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.39Asi muzive izvi, kuti dai mwene weimba aiziva nderipi awa mbavha rainouya, ungadai akarinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe.40Naizvozvo imwiwo ivai makazvigadzirira; nekuti neawa ramusingafungiri Mwanakomana wemunhu unouya.41Petro ndokuti kwaari: Ishe, munoutaura mufananidzo uyu kwatiri, kana kune vosewo?42Ishe ndokuti: Ko ndiani zvino mutariri uyu wakatendeka uye wakachenjera, ishe waachagadza pamusoro pevaranda vake, kuti ape mugove wechikafu nenguva yakafanira?43Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika, amuwane achiita saizvozvo.44Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Uchamugadza pamusoro pezvose zvaanazvo.45Asi kana muranda uyo akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuuya; akatanga kurova varandarume nevarandakadzi, nekudya, nekumwa, nekudhakwa;46ishe wemuranda uyo uchasvika nezuva raasingatarisiri, neawa raasingazivi, akamugura nepakati, akamugovera mugove wake pamwe nevasakatendeka.47Muranda uyo waiziva chido chaishe wake, akasagadzirira, kana kuita zvinoenderana nechido chake, ucharohwa neshamhu zhinji.48Asi wakange asingazivi, akaita zvakafanira kurohwa, ucharohwa neshamhu shoma. Uye wose wakapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; neunobatiswa zvizhinji, vachareva zvinopfuurisa kwaari.49Ndakauya kuzokanda moto panyika, zvino ndichadei kana watobatidzwa?50Asi ndine rubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo, zvino ndinomanikidzwa sei kusvikira rwuchipedziswa.51Munofunga kuti ndakauya kuzopa rugare panyika here? Kwete, ndinoti kwamuri, asi kutozopesanisa.52Nekuti kubva zvino vashanu muimba imwe vachapesana, vatatu vachipikisana nevaviri, uye vaviri vachipikisana nevatatu,53vachapesana, baba vachipikisana nemwanakomana, nemwanakomana achipikisana nababa; mai vachipikisana nemukunda, nemukunda achipikisana namai; vamwene vachipikisana nemuroora wavo, nemuroora achipikisana navamwene vake.54Akatiwo kuzvaunga: Kana muchiona gore richisimuka kubva kumavirira, pakarepo munoti: Mvura inouya; zvodaro.55Uye kana muchiona mhepo yekumaodzanyemba ichivhuvhuta munoti: Kuchapisa; zvoitika.56Vanyepedzeri! Munoziva kuongorora zvimiro zvekudenga nezvenyika, asi hamuongorori sei nguva ino?57Ko munoregerei imwi kuzvitongera mumene zvakarurama?58Nekuti kana uchienda kumutungamiriri nemudzivisi wako, ita zvakanaka kuti usunungurwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwevera kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa, mupurisa akukande mutirongo.59Ndinoti kwauri: Haungatongobudimo, kusvikira waripa kunyange kamari kekupedzisira.