1Zvino zvakaitika achinyengetera pane imwe nzvimbo, apo amira, umwe wevadzidzi vake akati kwaari: Ishe, tidzidzisei kunyengetera, Johwani sezvaakadzidzisawo vadzidzi vake.2Ndokuti kwavari: Kana muchinyengetera, muti: Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngariitwe dzvene. Ushe hwenyu ngahwuuye. Chido chenyu ngachiitwe, panyika sezvachinoitwa kudenga.3Mutipei zuva rimwe nerimwe chikafu chedu chemazuva ose.4Uye mutikangamwire zvivi zvedu, nekuti isuwo tinokangamwira vose vane mhosva kwatiri. Uye musatipinza pakuidzwa, asi mutisunungure pakuipa.5Akati kwavari: Ndeupi wenyu une shamwari, uye unoenda kwaari pakati peusiku, akati kwaari: Shamwari, ndikwerete zvingwa zvitatu,6nekuti shamwari yangu yasvika kwandiri ichibva parwendo, asi handina chinhu chandingamuperekera;7uye uyo ari mukati akapindura akati: Usandinetsa; ikozvino mukova wapfigwa, nevana vangu vaduku vaneni pamubhedha; handigoni kumuka ndikakupa.8Ndinoti kwamuri: Kunyange akasamuka akamupa, nekuda kwekuva shamwari yake, asi nekuda kwekutsungirira kwake uchamuka akamupa zvose zvaanoshaiwa.9Zvino ini ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.10Nekuti wose unokumbira unogamuchira; neunotsvaka unowana; neunogogodza unozarurirwa.11Kuti ndeupi wenyu ari baba, kana mwanakomana achikumbira chingwa, ungazomupa ibwe? Kanawo hove, ungazomupa nyoka panzvimbo yehove here?12Kanawo kuti akakumbira zai, ungazomupa chinyavada here?13Naizvozvo kana imwi makaipa muchiziva kupa zvipo zvakanaka vana venyu, Baba vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanovakumbira.14Zvino wakange achibudisa dhimoni iro raiva chimumumu. Zvino zvakaitika kuti dhimoni rabuda, chimumumu chikataura; chaunga chikashamisika.15Asi vamwe vavo vakati: Unobudisa madhimoni naBheerizebhuri mukuru wemadhimoni.16Uye vamwe vachiidza, vakatsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga.17Asi iye achiziva mifungo yavo wakati kwavari: Ushe hwose hwunopesana hwuchizvipikisa hwunoparadzwa; neimba inopikisana neimba inowa.18Kana Sataniwo achipesana achizvipikisa, ushe hwake hwungazomira sei? Nekuti munoti, ndinobudisa madhimoni naBheerizebhuri.19Asi kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhuri, vanakomana venyu vanobudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.20Asi kana ndichibudisa madhimoni nemumwe waMwari, naizvozvo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.21Kana hamburamakaka yashonga nhumbi dzekurwa ichirinda chivanze chayo, nhumbi dzayo dziri murugare;22asi kana wakasimba kuipfuura akairwisa, akaikunda, unotora nhumbi dzayo dzose dzekurwa dzayange ichivimba nadzo, ndokugovera zvayapamba zvayo.23Usina ini, unopesana neni; neusingaunganidzi neni unoparadzira.24Kana mweya wetsvina wabuda mumunhu, unofamba achigura nemunzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; asi achishaiwa unoti: Ndichadzokera kuimba yangu kwandakabuda.25Zvino kana wasvika unowana yatsvairwa nekurongedzwa.26Ipapo unoenda ndokutora pamwe naye imwe mweya minomwe yakaipa kumupfuura, ndokupinda ndokugaramo; uye kuguma kwemunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga.27Zvino zvakaitika pakutaura kwake zvinhu izvozvi, umwe mukadzi pakati pechaunga akasimudza inzwi, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, nemazamu amakayamwa.28Asi iye akati: Hongu, asi zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta.29Zvino kwakati kwaungana zvaunga zvakatsikirirana, akatanga kuti: Zera iri rakaipa; rinotsvaka chiratidzo, asi hakuna chiratidzo chichazopiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.30Nekuti Jona sezvaakava chiratidzo kuvaNinivhi, saizvozvowo zvichaita Mwanakomana wemunhu kuzera iri.31Mambokadzi wekumaodzanyemba uchasimuka pakutongwa pamwe nevarume vezera iri akaripa mhosva; nekuti wakabva pamigumo yenyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino tarirai, mukuru kuna Soromoni uri pano.32Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga nezera iri, vakaripa mhosva, nekuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona; zvino tarira, mukuru kuna Jona uri pano.33Hakuna munhu unoti kana atungidza mwenje unoisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza.34Mwenje wemuviri iziso; naizvozvo kana ziso rako riri benyu, muviri wakowo wose uzere nechiedza; asi kana rakaipa, muviri wakowo une rima.35Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chisava rima.36Naizvozvo kana muviri wako wose uzere nechiedza, pasina rumwe rutivi rwune rima, uchazara nechiedza wose, sepaya mwenje uchikuvhenekera nekupenya.37Zvino wakati achataura, umwe muFarisi akamukumbira kuti adye naye; akapinda, akagara pakudya.38Zvino muFarisi wakati achiona, akashamisika kuti wakange asina kushamba asati adya chisvusvuro.39Ishe ndokuti kwaari: Ikozvino imwi vaFarisi munonatsa kunze kwemukombe nekwendiro, asi mukati menyu muzere neupambi neuipi.40Mapenzi, heya wakaita kunze, haana kuita mukatiwo?41Asi ipai sechipo kuvarombo izvo zvinhu zvemukati; zvino tarirai, zvose zvichava zvakachena kwamuri.42Asi mune nhamo vaFarisi! Nekuti munopa chegumi cheminte* neruyi* nemirivo yose, uye muchirega kururamisira mhaka nerudo rwaMwari; maifanira kuita izvi, nekusarega zvimwe.43Mune nhamo vaFarise! Nekuti munoda zvigaro zvepamusoro mumasinagoge, nekwaziso pamisika.44Mune nhamo, vanyori nevaFarisi, vanyepedzeri! Nekuti makafanana semarinda asingaonekwi, uye vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazivi.45Zvino umwe wenyanzvi dzemutemo wakapindura akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo munotuka isuwo.46Asi akati: Mune nhamowo imwi nyanzvi dzemutemo! Nekuti munoremedza vanhu nemitoro inorema kutakurwa, asi imwi momene hamubati mitoro iyo kunyange neumwe wemimwe yenyu.47Mune nhamo! Nekuti munovaka marinda avaporofita, uye madzibaba enyu akavauraya.48Naizvozvi munopupura kuti munotenderana nemabasa emadzibaba enyu; nekuti ivo vakavauraya zvirokwazvo, imwiwo munovaka marinda avo.49Naizvozvo uchenjeri hwaMwari hunotiwo: Ndichavatumira vaporofita nevaapositori, vamwe vavo vachauraya nekushusha;50kuti ropa revaporofita vose rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika ritsvakwe pazera iri,51kubva paropa raAberi kusvikira paropa raZakaria wakaparara pakati pearitari neimba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri: Richatsvakwa pazera iri.52Mune nhamo, nyanzvi dzemutemo! Nekuti makabvisa kiyi yeruzivo; hamuna kupinda momene, nevaipinda makavadzivirira.53Wakati achitaura zvinhu izvi kwavari, vanyori nevaFarisi vakatanga kuita daka naye zvikurusa, nekumubvunzisisa pamusoro pezvizhinji,54vachimuteya, nekutsvaka kubata chinhu chinobuda mumuromo make, vagomupa mhosva.