Shona

Luke

10

1Shure kwezvinhu izvi, Ishe wakagadza vamwe makumi manomwewo, akavatuma vaviri vaviri pamberi pechiso chake muguta rimwe nerimwe nenzvimbo imwe neimwe iye kwaakange achizoenda.2Naizvozvo wakati kwavari: Goho zvirokwazvo iguru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai Ishe wegoho kuti abudisire vashandi pagoho rake.3Endai; tarirai, ini ndinokutumai semakwayana pakati pemapumhi.4Musatakura chikwama, kana hombodo, kana manyatera; uye musakwazisa munhu panzira.5Zvino paimba ipi neipi yamunopinda, tangai mati: Rugare kuimba ino.6Uye kana mwanakomana werugare ari ipapo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro payo; kana zvisakadaro, ruchadzokera kwamuri.7Garai muimba iyo, muchidya nekumwa zvinobva kwavari; nekuti mushandi wakafanirwa nemubairo wake; musapota-pota nedzimba.8Muguta ripi neripi mamunopinda vakakugamuchirai, idyai zvinoiswa mberi kwenyu,9muporese varwere varimo, muchiti kwavari: Ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.10Asi muguta ripi neripi ramunopinda, vakasakugamuchirayi, budirai munzira dzaro, muti:11Kunyange guruva reguta renyu rakatinamatira, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi, kuti ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.12Asi ndinoti kwamuri: Zvicharerukira Sodhoma nezuva iro, kupfuura guta iro.13Une nhamo, Korazini! Une nhamo, Bhetisaidha! Nekuti dai akaitwa muTire neSidoni mabasa esimba akaitwa mamuri, vangadai vatendeuka kare, vakagara vakapfeka masaga nedota.14Asi zvicharerukira Tire neSidoni pakutongwa, kupfuura imwi.15Newe Kapenaume, wakasimudzirwa kudenga, uchawisirwa pasi kuHadhesi*,16Unokunzwai imwi unondinzwa ini; neunokurambai imwi unondiramba ini; neunondiramba ini unomuramba wakandituma.17Vanemakumi manomwe vakadzoka nemufaro, vachiti: Ishe, nemadhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.18Zvino akati kwavari: Ndakaona Satani semheni achiwa achibva kudenga.19Tarirai, ndinopa kwamuri simba rekutsika pamusoro penyoka nezvinyavada, nepamusoro pesimba rose remuvengi; hakuna chinhu chingatongokukuvadzai.20Asi musafara nechinhu ichi kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi zvikuru mufare kuti mazita enyu akanyorwa kumatenga.21Neawa iro Jesu wakafara mumweya, akati: Ndinokuvongai, Baba, Ishe wekudenga nenyika, kuti makavanza zvinhu izvi kune vakachenjera nevanonzwisisa, mukazvizarurira vacheche; hongu, Baba, nekuti saizvozvo zvakava zvakanaka pamberi penyu.22Zvose zvakakumikidzwa kwandiri naBaba vangu; uye hakuna unoziva kuti Mwanakomana ndiani, kunze kwaBaba, uye kuti Baba ndiani, kunze kweMwanakomana, uye ani nani Mwanakomana waanoda kuzarurira.23Zvino akatendeukira kuvadzidzi vari vega akati: Akaropafadzwa meso anoona zvamunoona.24Nekuti ndinoti kwamuri: Vaporofita vazhinji nemadzimambo vaishuva kuona zvinhu zvamunoona imwi, asi havana kuzviona, nekunzwa zvinhu zvamunonzwa, asi havana kuzvinzwa.25Zvino tarira, imwe nyanzvi yemutemo yakasimuka, ichimuidza, ichiti: Mudzidzisi, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?26Ndokuti kwaari: Pamurairo pakanyorwei? Unoverenga sei?27Uye achipindura, akati: Ude Ishe Mwari wako, nemoyo wako wose, uye nemweya wako wose, uye nesimba rako rose, uye nefungwa dzako dzose; neumwe wako sezvaunozvida iwe.28Akati kwaari: Wapindura zvakarurama; ita izvozvo, ugorarama.29Iye, achida kuzviruramisa, wakati kuna Jesu: Zvino ndiani umwe wangu?30Jesu akapindura akati: Umwe munhu wakaburuka kubva kuJerusarema achienda Jeriko; akawira pakati pemakororo, akamukururawo akamupa mavanga akaenda, ndokusiya oda kufa.31Zvakangoitikawo kuti umwe mupristi wakange achiburuka nenzira iyo; akati achimuona, akapfuura neparutivi rwakapesa.32Saizvozvowo muRevhi asvika panzvimbo iyo, akamuona, akapfuura neparutivi rwakapesa.33Zvino umwe muSamaria, wakange achifamba wakasvika paaiva, akati achimuona akanzwa tsitsi,34akaswedera ndokupomba mavanga ake, achidira mafuta newaini; akamugadza pachipfuwo chake pachake, ndokumuisa kuimba yevafambi, ndokumuchengeta.35Zvino pamangwana oenda, wakabudisa madhenari* maviri akapa kumwene weimba, akati kwaari: Muchengete; uye zvose zvaunoshandisa kupfuura izvi, ini ndichakupazve, kana ndichidzoka.36Naizvozvo ndeupi wevatatu ava waunofunga kuti waiva umwe waiye wakawira pakati pemakororo?37Akati: Ndiye wakamuitira tsitsi. Ipapo Jesu akati kwaari: Enda, newe unoita saizvozvo.38Zvino zvakaitika pakufamba kwavo, kuti iye wakapinda mune umwe musha; umwe mukadzi wainzi Marita akamugamuchira mumba make.39Uye iye wakange ane munin'inawo wainzi Maria, wakagarawo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake.40Asi Marita wakange akabatikana kwazvo nekushanda kukuru, akaswedera akati: Ishe, hamuna hanya here nekuti munin'ina wangu wandisiya ndoga ndichishanda? Naizvozvo muudzei kuti andibatsire.41Jesu akapindura akati kwaari: Marita, Marita, unozvidya moyo nekutambudzika nezvinhu zvizhinji;42asi chinhu chimwe chinodikamwa; asi Maria wasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.