Shona

Luke

9

1Zvino wakadanira pamwe vadzidzi vake gumi nevaviri, akavapa simba nechikuriri pamusoro pemadhimoni ose, nekuporesa zvirwere.2Akavatuma kuparidza ushe hwaMwari nekuporesa varwere.3Zvino akati kwavari: Musatakura chinhu cherwendo, kana mudonzvo, kana nhava, kana chingwa, kana mari; uye musava nenguvo mbiri umwe neumwe.4Uye imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, mugobvamo.5Uye ani nani usingakugamuchirii, kana mobuda paguta iro, zuzai kunyange guruva patsoka dzenyu, hwuve uchapupu hwakamirisana navo.6Zvino vakabva vakaenda vachigura misha, vachiparidza evhangeri, nekuporesa panzvimbo dzose.7Zvino Herodhe, umwe wevatongi vana, wakanzwa zvose zvakaitwa naye; akakanganisika, nekuti zvairehwa nevamwe kuti Johwani wakange amuka kuvakafa;8nevamwe kuti Eria waonekwa; nevamwe kuti umwe wevaporofita vekare wamuka.9Asi Herodhe wakati: Johwani ndakagura musoro ini; asi ndiani uyu, ini wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake? Akatsvaka kumuona.10Zvino vaapositori vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavakange vaita. Akavatora, akaenda navo vari vega kunzvimbo yerenje reguta rinonzi Bhetisaidha.11Zvino zvaunga zvakati zvazviziva, zvikamutevera; akavagamuchira, akataura kwavari zveushe hwaMwari, akaporesa vakange vachida kuporeswa.12Zuva raiva rotanga kuvira; vanegumi nevaviri vakaswedera vakati kwaari: Regai chaunga chiende, kuti vaende kumisha nekuruwa rwakapoteredza, vagare, vawane chikafu; nekuti pano patiri panzvimbo yerenje.13Asi wakati kwavari: Vapei imwi ivo kuti vadye. Vakati: Hatina zvinopfuura zvingwa zvishanu, nehove mbiri, kunze kwekuti isu taenda kunotengera vanhu ava vose chikafu.14Nekuti vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake: Vagarisei pasi mumapoka, rimwe nerimwe makumi mashanu.15Vakaita saizvozvo, vakavagarisa vose pasi.16Zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vagadzike pamberi pechaunga.17Vakadya, vakaguta vose; kukanongwa zvimedu zvakasara kwavari, matengu gumi nemaviri.18Zvino zvakaitika ari oga achinyengetera, vadzidzi vakange vanaye; akavabvunza, achiti: Zvaunga zvinoti ndini ani?19Ivo vakapindura vakati: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; nevamwe vakati: Umwe muporofita wevekare wamuka.20Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati: Kristu waMwari.21Akavayambirisa, akaraira kuti varege kuudza munhu izvozvo;22achiti: Mwanakomana wemunhu unofanira kutambudzika zvikuru, nekurambwa nevakuru nevapristi vakuru nevanyori, nekuurawa, nekumutswa zuva retatu.23Zvino wakati kune vose: Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.24Nekuti ani nani unoda kuponesa upenyu hwake, ucharasikirwa nahwo; asi ani nani unorasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu, iye uchahuponesa.25Nekuti munhu ungabatsirwa nei, kana akawana nyika yose, asi iye pachake azvitadzire kana kurasikirwa?26Nekuti ani nani unonyara pamusoro pangu nepamashoko angu, Mwanakomana wemunhu uchanyara pamusoro pake paanouya mukubwinya kwake nekwaBaba, nekwevatumwa vatsvene.27Asi ndinokuudzai zvechokwadi: Varipo vamwe vevamire pano vasingazoraviri rufu, kusvikira vaona ushe hwaMwari.28Zvino zvakaitika mazuva anenge masere mushure memashoko awa, kuti wakatora Petro naJohwani naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera.29Zvino zvakaitika mukunyengetera kwake, chimiro chechiso chake chikashanduka, uye nguvo yake ikachena, ikapenya.30Zvino tarira, varume vaviri vakataura naye, vaiva Mozisi naEria;31Vakaonekwa mukubwinya, akataura zvekubva kwake kwaakange achinopedzisa paJerusarema.32Asi Petro nevaiva naye vakange varemerwa nehope; asi vakati vapepuka, vakaona kubwinya kwake, nevarume vaviri vaiva vamire naye.33Zvino zvakaitika pakubva kwavo paari, Petro akati kuna Jesu: Tenzi, zvakanaka kuti tive pano; zvino ngatiite matende matatu, rimwe renyu, nerimwe raMozisi, nerimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.34Wakati achitaura izvozvo, kwakauya gore rikavadzikatira; vakatya pakupinda kwavo mugore.35Zvino kwakabuda inzwi mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodika; inzwai iye.36Zvino inzwi rakati raitika, Jesu akawanikwa ari oga. Asi ivo vakanyarara, vakasaudza munhu mumazuva iwayo chimwe chezvinhu zvavakange vaona.37Zvino zvakaitika kuti nezuva raitevera, vaburuka mugomo, chaunga chikuru chikamuchingamidza.38Zvino tarira, murume muchaunga wakadanidzira, achiti: Mudzidzisi, ndinokukumbirisai, tarirai mwanakomana wangu nekuti ndiye wakaberekwa umwe woga;39zvino tarirai, mweya unomubata, pakarepo woridza mhere, uye unomugwinhisa achipupuma furo, unorema kubva paari, asi uchimusvuura.40Zvino ndakakumbirisa vadzidzi venyu kuti vaubudise, asi vakasagona.41Jesu achipindura akati: Haiwa zera risina rutendo rakatsauka, ndichava nemwi kusvikira rinhi, ndichikuitirai moyo murefu? Uyisa mwanakomana wako pano.42Zvino wakati achaswedera, dhimoni rikamudambura, rikamugwinhisa zvikuru; asi Jesu wakatsiura mweya wetsvina, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake.43Vose vakashamiswa zvikuru neukuru hwaMwari. Zvino vose vachakashamisika nezvose Jesu zvaakaita, akati kuvadzidzi vake:44Imwi isai mashoko awa munzeve dzenyu: Nekuti Mwanakomana wemunhu uchakumikidzwa mumaoko evanhu.45Asi havana kuziva chirevo ichi, uye chakange chakavanzika kwavari, kuti vasachinzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pechirevo ichi.46Zvino kwakamuka nharo pakati pavo, kuti ndiani ungava mukurusa kwavari.47Asi Jesu wakati achiona kufunga kwemoyo wavo, akatora mucheche, akamuisa parutivi rwake,48akati kwavari: Ani nani unogamuchira mucheche uyu muzita rangu, unogamuchira ini, uye ani nani unogamuchira ini unogamuchira wakandituma; nekuti mudukusa pakati penyu mose, ndiye uchava mukuru.49Johwani akapindura akati: Tenzi, taona umwe achibudisa madhimoni muzita renyu, tikamudzivisa, nekuti haateverani nesu.50Asi Jesu akati kwaari: Musamudzivisa, nekuti uyo usingatipikisi, ndewedu.51Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva ekukwidzwa kwake, kuti iye akarinzira chiso chake kuenda kuJerusarema,52akatuma vatumwa pamberi pechiso chake; vakaenda, vakapinda mumusha wevaSamaria, kunomugadzirira.53Asi havana kumugamuchira, nekuti chiso chake chaienda kuJerusarema.54Zvino vadzidzisi vake, Jakobho naJohwani, vakati vachizviona vakati: Ishe, munoda kuti tiraire moto uburuke kubva kudenga, uvapedze, Eriawo sezvaakaita here?55Asi wakatendeuka akavatsiura akati: Hamuzivi kuti muri vemweya wakadii.56Nekuti Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoparadza upenyu hwevanhu asi kuhwuponesa. Ndokuenda kune umwe musha.57Zvino zvakaitika vachifamba munzira, umwe wakati kwaari: Ishe, ndichakuteverai kupi zvako kwamunoenda.58Jesu akati kwaari: Makava ane mwena, neshiri dzedenga matendere; asi Mwanakomana wemunhu haana paanotsamhidza musoro.59Akati kune umwe: Nditevere. Asi iye akati: Ishe, nditenderei ndiende kunoviga baba vangu pakutanga.60Asi Jesu wakati kwaari: Rega vakafa vavige vakafa vavo; asi iwe enda undoparidza ushe hwaMwari.61Umwezve akati: Ndichakuteverai Ishe, asi nditenderei kutanga kuti ndinovawoneka ivo vari mumba mangu.62Asi Jesu akati kwaari: Hakuna ungati kana aisa ruoko rwake pagejo, akacheukira kuzvinhu zviri shure, wakafanira ushe hwaMwari.