1Zvino zvakaitika shure kweizvozvo, kuti iye wakagura nemuguta nemusha umwe neumwe, achidanidzira nekuparidza mashoko akanaka oushe hwaMwari; nevanegumi neviri vanaye,2nevamwe vakadzi vakange vaporeswa pamweya yakaipa neurwere, Maria unonzi Magidharini, maari makabuda madhimoni manomwe,3naJohwana mukadzi waKuza mutariri waHerodhe, naSusana, nevamwe vazhinji, vaimubatsira nenhumbi dzavo.4Zvino chaunga chikuru chakati chaungana, uye vaibva kuguta ripi neripi vachiuya kwaari, akataura nemufananidzo akati:5Mukushi wakabuda kundokusha mbeu yake; zvino pakukusha kwake, imwe yakawira kurutivi rwenzira, ndokutsikwa netsoka, shiri dzekudenga dzikaidya dzikaipedza.6Uye imwe ikawira paruware; zvino yakamera, ikawoma, nekuti yakashaiwa unyoro.7Neimwe ikawira pakati pemhinzwa, mhinzwa ikakura nayo, ikaivhunga.8Uye imwe yakawira muvhu rakanaka, ikamera, ikabereka zvibereko zvinezana. Wakati ataura zvinhu izvi, akadanidzira achiti: Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.9Vadzidzi vake ndokumubvunza vachiti: Mufananidzo uyo ungavei?10Ndokubva ati: Kwamuri kwakapiwa kuziva zvakavanzika zveushe hwaMwari; asi kune vamwe zviri mumifananidzo, kuti vachiona vasaona; uye vachinzwa vasanzwisisa.11Zvino mufananidzo ndiwoyu: Mbeu ishoko raMwari.12Avo vaparutivi rwenzira ndivo vanonzwa, ipapo dhiabhorosi unouya ndokubvisa shoko pamoyo yavo, kuti varege kutenda, vaponeswe.13Nevaparuware ndevaya, vanoti kana vanzwa, vanogamuchira shoko nemufaro; asi ava havana mudzi, vanotenda kwenguva, asi nenguva yemuedzo vanowa.14Neyakawira pamhinzwa, ndevaya kana vanzwa, zvino vanoenda ndokuvhungwa nekufunganya nefuma, nemafaro eupenyu, vakasasvitsa zvibereko.15Asi iri muvhu rakanaka, ndevaya vanoti vanzwa shoko, vanorichengeta mumoyo wakarurama nowakanaka, vachibereka zvibereko nekutsungirira.16Hakuna munhu unoti kana atungidza mwenje, unoufukidzira nemudziyo, kana kuisa pasi pemubhedha; asi unouisa pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vaone chiedza.17Nekuti hakuna chakavanzika, chisingazovi pachena, kana chakavigwa, chisingazozikamwi nekubuda pachena.18Naizvozvo chenjerai, kuti munonzwa sei; nekuti ani nani unazvo, uchapiwa; asi ani nani usina, uchatorerwa kunyange icho chaanofunga kuti unacho.19Zvino kwakauya kwaari mai nevanin'ina vake, vakasagona kusvika kwaari nekuda kwechaunga.20Akaudzwa nevamwe vakati: Mai venyu nevanin'ina venyu vamire panze, vanoda kukuonai.21Asi wakapindura akati kwavari: Mai vangu nevanin'ina vangu ndeava vanonzwa shoko raMwari vachiriita.22Zvino zvakaitika nerimwe remazuva kuti wakapinda muchikepe iye nevadzidzi vake, akati kwavari: Ngatiyambukire kune rumwe rutivi rwegungwa; vakatanga kufamba nechikepe.23Zvino vakati vachienda nechikepe, akavata hope; kukauya dutu guru remhepo pagungwa; vakazarirwa nemvura, vakava munjodzi.24Vakaswedera vakamumutsa, vachiti: Tenzi, tenzi, toparara! Ipapo akamuka, akatsiura mhepo nemafungu emvura; zvikaguma, kukava nekudzikama.25Ndokubva ati kwavari: Rutendo rwenyu rwuripi? Asi vachitya vakashamisika, vakataurirana vachiti: Ndeupi uyu, kuti unoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuteerera?26Zvino vakaenda nechikepe panyika yevaGadharini, yakatarisana neGarirea.27Wakati achibudira panyika, akamuchingamidza umwe murume achibva muguta, wakange ane madhimoni kwenguva refu, uye asingapfeki nguvo, asingagari mumba, asi kumarinda.28Wakati achiona Jesu, akadanidzira ndokuwira pasi pamberi pake, akati nenzwi guru: Ndinei nemwi, Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokukumbirisai, musanditambudza.29Nekuti wakange araira mweya wetsvina kuti ubude kumunhu; nekuti wakange wamubata nguva zhinji uye waichengetwa akasungwa nemaketani nemabote; asi akadambura zvisungo, achitinhirwa kumarenje nedhimoni.30Jesu ndokumubvunza achiti: Zita rako ndiani? Akati: Regiyoni; nekuti madhimoni mazhinji akange apinda maari.31Akamukumbirisa kuti arege kuiraira kuti iende kugomba risina chigadziko.32Zvino kwakange kuripo ipapo boka renguruve zhinji dzaifura mugomo; akamukumbirisa kuti amatendere kupinda madziri. Akamatendera.33Zvino madhimoni akabuda kumunhu, akapinda munguruve; boka ndokupitirikira kumawere richiinda kudziva, rikabitirirwa.34Zvino vaidzifudza vachiona zvaitika, vakatiza, vakaenda kunotaura muguta nemuruwa.35Zvino vakabuda kunoona zvaitika; vakasvika kuna Jesu, vakawana munhu, wakange abuda madhimoni maari agere patsoka dzaJesu, akapfeka uye akakwana mupfungwa; vakatya.36Vakange vazvionawo vakavaudza kuti wakaponeswa sei waiva nemadhimoni.37Zvino chaunga chose chedunhu rakapoteredza vaGadharini chakakumbirisa kwaari kuti abve kwavari, nekuti vabatwa nekutya kukuru; akapinda muchikepe, akadzokera.38Asi murume wakange abuda madhimoni maari, wakakumbirisa kwaari kuti ave naye. Asi Jesu wakamurega achienda, achiti:39Dzokera kumba kwako, undotaura kuti zvikuru sei Mwari zvaaita kwauri. Akaenda, akaparidza muguta rose kuti zvikuru sei Jesu zvaakamuitira.40Zvino zvakaitika kuti pakudzoka kwaJesu, chaunga chakamugamuchira; nekuti vose vakange vakamurindira.41Zvino tarira, kwakasvika murume, zita rake rainzi Jairosi, iye wakange ari mukuru wesinagoge, ndokuwira patsoka dzaJesu, akamukumbirisa kuti apinde mumba make;42nekuti wakange ane mukunda wakaberekwa umwe woga wemakore anenge gumi nemaviri, uye iye wakange achitandadza. Zvino wakati achaenda, zvaunga zvikamumbandidzira.43Uye mukadzi, waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri, wakange apedzera zvose zveupenyu hwake kuvarapi, asingagoni kurapwa kwete neumwe.44Akauya mushure make, akabata mupendero wenguvo yake; pakarepo kubuda kweropa kwake kukaguma.45Jesu ndokuti: Ndiani wandibata? Zvino vose vakati vachiramba, Petro nevaiva naye vakati: Tenzi, chaunga chinokumbandidzirai nekukutsikirirai zvino moti: Ndiani wandibata?46Asi Jesu wakati: Uripo wandibata; nekuti ini ndaziva kuti simba rabuda kwandiri.47Zvino mukadzi wakati achiona kuti haana kuvanzika, akauya achibvunda, akawira pasi pamberi pake, akarondedzera kwaari pamberi pevanhu vose kuti wakamubata nechikonzero chipi, uye kuti wakaporeswa pakarepo sei.48Zvino akati kwaari: Mukunda, tsunga moyo, rutendo rwako rwakuponesa; enda nerugare.49Wakati achataura, kwakauya umwe achibva kumba kwemukuru wesinagoge, achiti kwaari: Mukunda wenyu wafa; musatambudza Mudzidzisi.50Asi Jesu wakati achinzwa, akamupindura, achiti: Usatya, tenda chete, uye uchaponeswa.51Zvino wakati apinda mumba, haana kutendera munhu kupinda, kunze kwaPetro, naJakobho, naJohwani, nababa vemusikana, namai.52Uye vose vakachema, vachimuririra. Asi wakati: Musachema, haana kufa, asi uvete.53Vakamuseka nekumhura, vachiziva kuti wafa.54Asi wakavabudisira vose panze, akamubata ruoko, akadanidzira, achiti: Musikana, muka!55Mweya wake ukadzoka, akamuka pakarepo; akaraira kuti apiwe chikafu.56Zvino vabereki vake vakavhiringidzika; asi wakavaraira kuti varege kuudza munhu zvakaitika.