1Zvino wakati apedza mashoko ake ose munzeve dzevanhu, akapinda muKapenaume.2Zvino muranda weumwe mukuru wezana, waiva akakosha kwaari, wakange achirwara, achitandadza.3Zvino wakati anzwa zvaJesu, akatuma kwaari vakuru vevaJudha, achikumbira kuti auye aporese muranda wake.4Zvino ivo vakati vachisvika kuna Jesu, vakamukumbirisa zvikuru, vachiti: Wakafanira kuti mumuitire izvozvi;5nekuti unoda rudzi rwedu, uye ndiye wakativakira sinagoge.6Zvino Jesu akaenda navo. Zvino apo akange asisiri kure neimba, mukuru wezana akatuma shamwari kwaari, achiti kwaari: Ishe, musazvitambudza; nekuti handina kufanira kuti mupinde pasi pedenga remba yangu;7naizvozvo handina kumbofunga ini pachangu ndakafanira kuuya kwamuri; asi taurai neshoko, muranda wangu uchaporeswa.8Nekuti iniwo ndiri munhu wakaiswa pasi pesimba, ndine mauto pasi pangu; ndinoti kune uyu: Enda, unoenda; uye kune umwe: Uya, unouya; nekumuranda wangu: Ita ichi, achiita.9Jesu wakati anzwa zvinhu izvi, akashamisika naye, akatendeuka, akati kuchaunga chaimutevera: Ndinoti kwamuri: Handina kuwana rutendo rukuru rwakadai kunyange pakati paIsraeri.10Zvino avo vakange vatumwa vodzokera kumba vakawana muranda airwara agwinya.11Zvino zvakaitika zuva raitevera, kuti wakaenda kuguta rainzi Naini; zvino vazhinji vevadzidzi vake nechaunga chikuru vakaenda naye.12Zvino, wakati achiswedera pasuwo reguta, zvino tarira, mushakabvu achibudiswa kunze, mwamakomana umwe woga wamai vake, uye ivo vaiva chirikadzi; nechaunga cheguta chakange chinaye.13Zvino Ishe wakati amuona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usachema.14Zvino akaswedera akabata uchanja; zvino vatakuri vakamira; akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka!15Mushakabvu akamuka ndokugara, akatanga kutaura; akamupa kuna mai vake.16Kutya ndokubata vose; vakarumbidza Mwari, vachiti: Muporofita mukuru wamuka pakati pedu; nekuti: Mwari washanyira vanhu vake.17Zvino shoko rake rikabudira muJudhiya rose nenharaunda yose yakapoteredza.18Vadzidzi vaJohwani ndokumupira zvezvinhu izvozvi zvose.19Johwani akadanira kwaari vamwe vaviri vevadzidzi vake, akavatuma kuna Jesu achiti: Imwi ndimwi munouya here, kana tichakataririra umwe?20Zvino varume vakati vasvika kwaari, vakati: Johwani Mubhabhatidzi watituma kwamuri achiti: Ndimwi unouya here, kana titaririre umwe?21Zvino munguva iyoyo akaporesa vazhinji pazvifo neurwere, nepamweya yakaipa; nekumapofu mazhinji akapa kuona.22Zvino Jesu achipindura akati kwavari: Endai mundoudza Johwani zvamakaona nezvamakanzwa; zvekuti, mapofu anoonazve, vanokamhina vanofamba, vane maperembudzi vanonatsva, matsi dzinonzwa, vakafa vanomutswa, varombo vanoparidzirwa evhangeri.23Uye wakaropfadzwa ani nani usingagumbuswi neni.24Zvino vatumwa vaJohwani vakati vabva, wakatanga kutaura kuzvaunga pamusoro paJohwani, achiti: Makabudira kurenje kunoonei? Rutsanga runozununguswa nemhepo here?25Asi makange mabuda kunoonei? Munhu wakapfeka nguvo dzakapfava here? Tarirai, vari munguvo dzinobwinya, vachirarama zvakanaka, vari mudzimba dzamadzimambo.26Asi makange mabuda kunoonei? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri: Kunyange unopfuura zvikuru muporofita.27Uyu ndiye wakanyorwa pamusoro pake, zvichinzi: Tarira, ini ndinotuma mutumwa wangu pamberi pechiso chako, uchagadzira nzira yako pamberi pako.28Nekuti ndinoti kwamuri: Pakati pevakaberekwa nevakadzi, hakuna muporofita mukuru kuna Johwani Mubhabhatidzi; asi mudukusa muushe hwaMwari mukuru kwaari.29Zvino vanhu vose vakati vachizvinzwa, nevateresi vakati Mwari wakarurama, zvavakange vabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwaJohwani.30Asi vaFarisi nenyanzvi dzemutemo vakaramba zano raMwari vachizvipikisa, vakasabhabhatidzwa naye.31Asi Ishe akati: Zvino vanhu vezera iri ndichavafananidza nei? Vakafanana nei?32Vakafanana nevana vaduku vagere pamisika vachidanidzirana vachiti: Takakuridzirai nyere asi hamuna kutamba, takakuririrai asi hamuna kuchema.33Nekuti Johwani Mubhabhatidzi wakauya asingadyi chingwa kana kumwa waini, zvino moti: Une dhimoni;34Mwanakomana wemunhu wauya achidya, achimwa, zvino moti: Tarirai munhu wamakaro nemumwi wewaini, shamwari yevateresi nevatadzi.35Asi uchenjeri hwunonzi hwakarurama nevana vake vose.36Zvino umwe wevaFarisi wakamukumbira kuti adye naye; akapinda mumba momuFarisi, akagara pakudya.37Zvino tarira, mukadzi muguta iro, waiva mutadzi, wakati aziva kuti ugere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chearibhasiteri chechizoro.38Akamira patsoka dzake mushure make achichema, akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi, akapusika nevhudzi remusoro wake, ndokutsvoda tsoka dzake ndokudzizodza nechizoro.39Zvino muFarisi wakange amudana wakati achizviona, akataura mukati make, achiti: Uyu dai aiva muporofita, ungadai aiziva kuti ndiani, uye ndewakadini mukadzi unomubata, nekuti mutadzi.40Jesu ndokupindura akati kwaari: Simoni, ndine chekutaura kwauri. Iye ndokuti: Mudzidzisi, revai.41Kwakange kune vakwereti vaviri kune umwe mukweretesi; umwe wakange ane chikwereti chamadhenari* anamazana mashanu, uye umwe makumi mashanu.42Vakati vasina chekuripisa, akangovakangamwira vari vaviri. Naizvozvo ndeupi wavo, taura, uchamuda kupfuura umwe?43Simoni akapindura akati: Ndinofunga ndouyo waakakangamwira kupfuura umwe. Akati kwaari: Watonga zvakarurama.44Zvino akatendeukira kumukadzi, akati kuna Simoni: Unoona mukadzi uyu here? Ndapinda mumba mako, mvura yetsoka dzangu hauna kundipa; asi uyu wanyorevesa tsoka dzangu nemisodzi, akapusika nevhudzi remusoro wake.45Hauna kunditsvoda, asi iye chinguri chandapinda, haana kumira kutsvoda tsoka dzangu.46Nemafuta musoro wangu hauna kuuzodza; asi iye wazodza tsoka dzangu nechizoro.47Naizvozvo, ndinoti kwauri: Zvivi zvake zvizhinji zvakangamwirwa, nekuti wada zvikuru; asi unokangamwirwa zvishoma, unoda zvishoma.48Zvino akati kwaari: Zvivi zvako zvakangamwirwa.49Zvino avo vakange vagere pakudya naye vakatanga kureva mukati mavo, vachiti: Ndiani uyu unokangamwirawo zvivi?50Akati kumukadzi: Rutendo rwako rwakuponesa; enda nerugare.