1Zvino zvakaitika nesabata rechipiri shure kwerekutanga, achigura nemuminda yezviyo, vadzidzi vake vatanha hura, vakadya, vachidzipukuta nemaoko.2Asi vamwe vevaFarisi vakati kwavari: Munoitirei zvisiri pamutemo kuita nemasabata?3Zvino Jesu achivapindura, wakati: Hamuna kuverenga kunyange Dhavhidhi zvaakaita, paakange ava nenzara iye nevakange vanaye,4kuti wakapinda sei mumba maMwari, akatora akadya zvingwa zvekuratidza, akapavo vakange vanaye; izvo zvisiri pamutemo kudyiwa asi nevapristi vega?5Ndokuti kwavari: Mwanakomana wemunhu ndiIshe wesabatawo.6Zvino zvakaitikawo nerimwe sabata kuti wakapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakange kune munhu ipapo weruoko rwake rwerudyi rwakawonyana.7Vanyori nevaFarisi vakamutarisisa, kuona kana angaporesa nesabata, kuti vawane mhosva yavangamupomera.8Asi iye wakaziva mifungo yavo, akati kumunhu wakange ane ruoko rwakawonyana: Simuka, uende unomira pakati. Akasimuka akamira.9Zvino Jesu akati kwavari: Ndichakubvunzai chimwe chinhu: Zviri pamutemo here nemasabata kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu kana kuparadza?10Zvino akaringa-ringa kwavari vose, akati kumunhu: Tambanudza ruoko rwako. Akaita saizvozvo ruoko rwake rwukaporeswa rukagwinya serumwe.11Ivo vakazara neupengo; vakataurirana umwe neumwe, kuti vangamuitei Jesu.12Zvino zvakaitika nemazuva iwayo kuti wakabuda akaenda kugomo kundonyengetera; agara usiku hwose mukunyengetera kuna Mwari.13Zvino kwakati kwaedza, akadanira vadzidzi vake kwaari; akasanangura kwavari gumi nevaviri, vaakatumidzawo kuti vaapositori;14Simoni, waakatumidzawo Petro, naAndiriya munin'ina wake, Jakobho naJohwani, Firipi naBhatoromiyo,15Matewu naTomasi, Jakobho waArifiyosi, naSimoni wainzi Ziroti;16Judhasi waJakobho, naJudhasi Isikariyoti, wakazovawo mutengesi.17Akaburuka navo, akamira pakaenzana, nechaunga chevadzidzi vake, nechaunga chikuru chavanhu vaibva Judhiya rose neJerusarema, nepagungwa reTire neSidoni, vakauya kuzomunzwa, nekuporeswa pazvifo zvavo;18nevakange vachitambudziwa nemweya yetsvina, vakaporeswa.19Chaunga chose chikatsvaka kumubata; nekuti kwakabuda simba kwaari rikaporesa vose.20Ndokusimudzira meso ake kuvadzidzi vake, akati: Makaropafadzwa varombo, nekuti ushe hwaMwari ndohwenyu.21Makaropafadzwa imwi munenzara zvino, nekuti muchagutiswa. Makaropafadzwa imwi munochema ikozvino, nekuti muchaseka.22Makaropafadzwa, kana vanhu vachikuvengai, uye kana vachikusarurai, vachikunyombai, vachirasha zita renyu serakashata, nekuda kweMwanakomana wemunhu.23Farai nezuva iro, muuruke nemufaro; nekuti tarirai, mubairo wenyu mukuru kudenga; nekuti saizvozvo ndizvo zvakaita madzibaba avo kuvaporofita.24Asi mune nhamo imwi vakafuma! Nekuti magamuchira nyaradzo yenyu.25Mune nhamo imwi munoguta! Nekuti muchanzwa nzara. Mune nhamo imwi munoseka zvino! Nekuti muchachema nekuwungudza.26Mune nhamo kana vanhu vose vachitaura zvakanaka pamusoro penyu! Nekuti madzibaba avo akaita saizvozvo kuvaporofita venhema.27Asi ndinoti kwamuri munonzwa: Idai mhandu dzenyu, itai zvakanaka kune vanokuvengai,28ropafadzai vanokutukai, munyengeterere vanokubatai zvakaipa.29Kune unokurova padama, umupe rimwewo; unokutorera nguvo yako, usarambidza neshati yako.30Asi upe umwe neumwe unokumbira kwauri; neunokutorera zvako, usazvirevazve.31Sezvamunoda kuti vanhu vaite kwamuri, imwi muvaitirewo saizvozvo.32Uye kana muchida avo vanokudai, mune kuvongwa kwakadini? Nekuti vatadziwo vanoda vanovada.33Uye kana muchiitira zvakanaka kune avo vanokuitirai zvakanaka, mune kuvongwa kwakadini? Nekuti vatadzi vanoitawo izvozvo.34Uye kana muchikweretesa vamunotarisira kugamuchira kwavari, mune kuvongwa kwakadini? Nekuti vatadzi vanokweretesawo vatadzi, kuti vagamuchirezve zvakaenzana nazvo.35Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka, mukweretese musingatarisirizve chinhu; zvino mubairo wenyu uchava mukuru, mugova vana veWokumusoro-soro; nekuti iye unemoyo munyoro kune vasingavongi nevakaipa.36Naizvozvo ivai netsitsi, sababa venyuwo vane tsitsi.37Musatonga, mugorega kutongwawo; musapa mhosva, mugorega kupiwawo mhosva; regererai, mugoregererwawo.38Ipai, mugopiwawo; chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, nekuzunguzirwa, chinopfachukira vachakupai pachifuva chenyu. Nekuti nechiyero ichocho chamunoyera nacho muchayerwa nacho zvekare.39Akataura mufananidzo kwavari akati: Kuti bofu ringatungamirira bofu here? Ko haangawiri mugomba ari maviri here?40Mudzidzi haasi pamusoro pemudzidzisi wake; asi umwe neumwe kana apedzeredzwa uchava semudzidzisi wake.41Uye unotarirei rubanzu ruri muziso reumwe wako, asi danda riri muziso rako pachako haurinanzereri?42Kana unogona kureva sei kune umwe wako, uchiti: Umwe wangu, rega ndibudise rubanzu ruri muziso rako, iwe pachako usingaoni danda riri muziso rako? Iwe munyepedzeri, budisa pakutanga danda kubva muziso rako, zvino ipapo uchaona zvakanaka kubudisa rubanzu ruri muziso reumwe wako.43Nekuti hausi muti wakanaka unobereka chibereko chakaipa; kana muti wakaipa unobereka chibereko chakanaka.44Nekuti muti umwe neumwe unozikamwa nechibereko chawo pachawo. Nekuti pamhinzwa, havatanhi maonde, kana parukato kutanha mazambiringa.45Munhu wakanaka kubva pafuma yakanaka yemoyo wake unobudisa zvakanaka, nemunhu wakaipa kubva pafuma yakaipa yemoyo wake unobudisa zvakaipa; nekuti kubva pazvizere mumoyo make muromo wake unotaura.46Zvino munondiidzirei Ishe, Ishe, musingaiti zvinhu zvandinoreva?47Ani nani unouya kwandiri akanzwa mashoko angu akaaita, ndichakuratidzai kuti wakafanana nani;48wakafanana nemunhu wakavaka imba, akachera akadzikisa, akateya nheyo paruware; zvino mafashame akati auya, rukova rukarova zvine simba paimba iyo, rukasagona kuizunungusa; nekuti yakange yakateyiwa paruware.49Asi unonzwa asingaiti, wakafanana nemunhu wakavaka imba pavhu isina nheyo; ipo rukova rwakarova nesimba, pakarepo ikawa, kuwa kweimba iyo kukava kukuru.