1Zvino Jesu azere neMweya Mutsvene wakadzoka achibva paJoridhani, akatungamirirwa neMweya kurenje,2achiidzwa nadhiabhorosi mazuva makumi mana. Uye wakange asingadyi chinhu nemazuva iwayo; zvino akati apera pakupedzisira akazonzwa nzara.3Zvino dhiabhorosi akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, udza ibwe iri kuti rive chingwa.4Jesu akamupindura, achiti: Kwakanyorwa kuti: Munhu haangararami nechingwa chete, asi neshoko rimwe nerimwe raMwari.5Dhiabhorosi ndokumutora akamutungamidza pagomo refu, akamuratidza ushe hwose hwenyika nechinguvana.6Dhiabhorosi ndokuti kwaari: Simba iri rose ndichakupa nekukudzwa kwahwo, nekuti ndakaripiwa ini, uye ndinoripa ani nani wandinoda.7Naizvozvo iwe kana ukandishumira pamberi pangu, zvose zvichava zvako.8Jesu akapindura akati kwaari: Ibva shure kwangu, Satani; nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchamata Ishe, Mwari wako, uye umushumire iye oga.9Akaenda naye kuJerusarema, akamuisa pachiruvu chetembere, akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano;10nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Ucharaira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;11uye: Pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe.12Jesu achipindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe Mwari wako.13Dhiabhorosi akati apedza muedzo wose, akabva kwaari kusvikira pane imwe nguva.14Zvino Jesu wakadzokera kuGarirea nesimba reMweya; mukurumbira wake ukabudira kudunhu rose rakapoteredza.15Iye ndokudzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa nevose.16Akasvika paNazareta, paakange arerwa; netsika yake wakapinda musinagoge nemusi wesabata, akasimuka kuti averenge.17Akapiwa rugwaro rwomuporofita Isaya. Zvino wakati avhura rugwaro, akawana nzvimbo pakange pakanyorwa kuti:18Mweya waIshe uri pamusoro pangu, nekuti wakandizodza, kuti ndiparidzire evhangeri kuvarombo; wakandituma kuti ndiporese vakavodzwa moyo, kuparidza kusunungurwa kuna vakatapwa, nekuona kumapofu, ndisunungure vakatsikirirwa,19nekudanidzira gore rakanaka raIshe.20Akapeta rugwaro, akadzosera kumuranda, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamudzvokora.21Zvino akatanga kuti kwavari: Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.22Vose vakapupura nezvake, vakashamisika nemashoko enyasha akabuda mumuromo make, vakati: Uyu haazi mwanakomana waJosefa here?23Akati kwavari: Zvirokwazvo muchataura kwandiri dimikira iri: Murapi, zvirape iwe; zvose zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaumi, zviitewo muno munyika yekwako.24Iye ndokuti: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakuna muporofita unogamuchirwa munyika yekwake.25Asi chokwadi ndinoti kwamuri: Chirikadzi zhinji dzaivako kuna Israeri pamazuva aEria, apo denga rakavharwa makore matatu nemwedzi mitanhatu, kusvikira kwava nenzara huru panyika yose;26asi Eria haana kutumwa kune umwe wavo, kunze kwekuSarepita yeSidhoni, kumukadzi chirikadzi.27Uye vanemaperembudzi vazhinji vaivako kuna Israeri panguva yemuporofita Erisha; asi hakuna umwe wavo wakanatswa, kunze kwaNaamani muSiria.28Ipapo vose vakange vari musinagoge vakazara nehasha, vachinzwa zvinhu izvi.29Ndokusimuka, vakamusundidzira kunze kweguta, vakamutinha kusvika pamawere pegomo, pakange pakavakwa guta ravo, kuti vamuposhera pasi.30Asi iye wakapfuura nepakati pavo akaenda.31Wakabva aburukira Kapenaume, guta reGarirea; uye waivadzidzisa nemasabata.32Vakashamisika nedzidziso yake, nekuti shoko rake rakange rine simba.33Zvino musinagoge makange mune munhu waiva ane mweya wedhimoni retsvina; akadanidzira nenzwi guru,34akati: Regai! Tinei nemwi Jesu muNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.35Zvino Jesu akautsiura, achiti: Nyarara, ubude kwaari! Dhimoni rakati ramuwisira pakati, rikabuda kwaari, risina kumukuvadza.36Kushamisika kukavasvikira vose, vakataurirana, vachiti: Ishoko ripi iri? Nekuti nesimba nechikuriri unoraira mweya yetsvina, ikabuda.37Mukurumbira wake ukabuda kunzvimbo dzose dzedunhu rakapoteredza.38Zvino wakasimuka akabuda musinagoge, akapinda mumba maSimoni; zvino mbuyawasha vaSimoni vakange vakabatwa nefivhiri huru; vakamukumbirira kwaari.39Zvino akakotamira pamusoro pavo, akatsiura fivhiri, ikavarega; uye pakarepo vakasimuka vakavashandira.40Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva nevarwere vezvirwere zvakasiyana siyana vakavauyisa kwaari; akaisa maoko pamusoro peumwe neumwe wavo akavaporesa.41Nemadhimoni akabuda kuvazhinji, achidanidzira achiti: Imwi muri Kristu Mwanakomana waMwari. Akaatsiura akasaatendera kutaura, nekuti akange achiziva kuti ndiKristu.42Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kunzvimbo yerenje, zvaunga zvikamutsvaka, zvikauya kwaari, zvikamudzivirira kuti arege kubva kwazviri.43Asi wakati kwavari: Ndinofanira kuparidzira evhangeri yeushe hwaMwari kumamwe magutawo; nekuti ndizvo zvandakatumirwa.44Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.