1Zvino negore regumi nemashanu rekutonga kwaTibherio Kesari, Pondiyo Pirato ari mutungamiriri weJudhiya, Herodhe ari umwe wevatongi vana weGarirea, Firipi munin'ina wake ari umwe wevatongi vana weIturea nedunhu reTrakoniti, Risanio ari umwe wevatongi vana weAbhirene,2Anasi naKayafasi vari vapristi vakuru, shoko raMwari rakasvika kuna Johwani mwanakomana waZakaria murenje.3Akasvika munyika yose yakapoteredza yaJoridani, achiparidza rubhabhatidzo rwekutendeuka kuve kukangamwirwa kwezvivi;4sezvazvakanyorwa mubhuku ramashoko aIsaya muporofita zvichinzi: Inzwi reunodana murenje richiti: Gadzirai nzira yaIshe; ruramisai migwagwa yake.5Mupata wose uchafusirwa, negomo roga roga nechikomo zvichaderedzwa; zvakakombama zvicharuramiswa, nzira dzemakwiringwindi dzienzaniswe;6uye nyama yose ichaona ruponeso rwaMwari.7Naizvozvo wakati kuzvaunga zvaibudira kuzobhabhatidzwa naye: Zvizvarwa zvenyoka, ndiani wakakutaridzirai kutiza hasha dzinouya?8Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka; uye musatanga kuti mukati menyu: Tina Abhurahamu unova baba; nekuti ndinoti kwamuri: Mwari unogona kubva pamabwe awa kumutsira Abhurahamu vana.9Ikozvino sanhuwo ratoiswa pamudzi wemiti; naizvozvo muti umwe neumwe usingabereki chibereko chakanaka unotemwa, ugokandirwa mumoto.10Zvaunga zvikamubvunza, zvichiti: Zvino tichaitei?11Akapindura akati kwavari: Une nguvo mbiri, ngaagovane neusina; neune chikafu ngaaite saizvozvo.12Zvino kwakauyawo vateresi kuzobhabhatidzwa, vakati kwaari: Mudzidzisi, tichaitei?13Akati kwavari: Musateresa kupfuura pamakatemerwa napo.14Nemautowo akamubvunza, achiti: Ko isu tichaitei? Akati kwaari: Musatyityidzira munhu kana kupomera nhema; uye mugutsikane nemihoro yenyu.15Zvino vanhu vakati vachatarisira, vose vachirangarira mumoyo mavo pamusoro paJohwani, kuti zvimwe iye ungava Kristu,16Johwani akapindura kune vose achiti: Ini zvirokwazvo ndinokubhabhatidzai nemvura; asi une simba kupfuura ini unouya, wandisina kufanira kusunungura rukanda rweshangu dzake; iye uchakubhabhatidzai neMweya Mutsvene nemoto;17werusero rwake rwuri muruoko rwake; uchachenesa kwazvo buriro rake; uye uchaunganidza zviyo mudura rake, asi hundi uchaipisa nemoto usingadzimiki.18Naizvozvo achikukurudzira nezvinhu zvizhinji, akaparidzira vanhu evhangeri.19Asi Herodhe umwe wevatongi vana, wakati atsiurwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi waFiripi munin'ina wake, nezvakaipa zvose Herodhe zvaakange aita,20wakawedzerazve ichi pamusoro pazvo zvose, kuti wakapfigira Johwani mutirongo.21Zvino zvakaitika kuti vanhu vose vabhabhatidzwa, Jesuwo abhabhatidzwa, achinyengetera, denga rakazarurwa.22Mweya Mutsvene ndokuburukira pamusoro pake nechimiro chemuviri sowenjiva, inzwi ndokubva kudenga, richiti: Iwe uri Mwanakomana wangu unodikamwa, wandinofara naye.23Zvino iye Jesu wakange achitanga kuva nemakore anenge makumi matatu, ari (sezvaifungidzirwa) mwanakomana waJosefa, waHeri,24waMatati, waRevhi, waMeriki, waJanai, waJosefa,25waMatatiasi, waAmosi, waNaumi, waEsiri, waNagai,26waMaati, waMatatiasi, waSimeyini, waJosefa, waJudha,27waJohwana, waResa, waZerubhabheri, waSaratieri, waNeri,28waMeriki, waAdhi, waKosamu, waErimodhamu, waEri,29waJose, waEriezeri, waJorimu, waMatati, waRevhi,30waSimioni, waJudha, waJosefa, waJonanu, waEriakimu,31waMerea, waMenani, waMatata, waNatani, waDhavhidhi,32waJese, waObhedhi, waBhowazi, waSarimoni, waNaasoni,33waAminadhabhi, waAramu, waEsiromi, waFaresi, waJudha,34waJakobho, waIsaka, waAbhurahamu, waTera, waNahori,35waSerugi, waRagau, waFareki, waEberi, waSara,36waKainani, waArifakisadhi, waSemu, waNowa, waRameki,37waMatusara, waEnoki, waJaredhi, waMarereeri, waKainani,38waEnosi, waSeti, waAdhamu, waMwari.