1Zvino zvakaitika nemazuva iwayo, chiga chakabuda kubva kuna Kesari Agasto, kuti nyika yose inyorwe.2Kunyorwa uku kwaiva kwekutanga kwakaitwa Kuriniosi ari mutungamiriri weSiria.3Vose ndokuenda kunonyorwa, umwe neumwe kuguta rekwake.4NaJosefawo akakwira achibva Garirea muguta Nazareta, akaenda Judhiya kuguta raDhavhidhi, rinonzi Bhetirehemu, nekuti waiva weimba nedzinza raDhavhidhi,5kunonyorwa naMaria mukadzi wakange atsidzira kuwanikwa naye, ava nemimba.6Zvakaitika kuti vachipo, mazuva okusununguka kwake akazadzisika;7ndokuzvara mwanakomana wake wedangwe, akamuputira nemicheka, akamuvanzarika muchidyiro, nekuti makange musina nzvimbo yavo muimba yevaeni.8Zvino kwakange kune vafudzi munyika iyoyo vaigara kuuragu vachichengetedza nguva dzekurinda mapoka avo usiku.9Zvino tarira, mutumwa waIshe akamira pedo navo, nekubwinya kwaIshe kukapenya kwakavakomba; vakatya nekutya kukuru.10Zvino mutumwa akati kwavari: Musatya; nekuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko akanaka emufaro mukuru, uchava kuvanhu vose;11nekuti mazvarirwa nhasi Muponesi, unova Kristu Ishe, muguta raDhavhidhi.12Zvino ichi chiratidzo kwamuri: Muchandowana mucheche akaputirwa nemicheka, avete muchidyiro.13Uye pakarepo kukavapo pamwe nemutumwa chaunga chehondo yekudenga vachirumbidza Mwari, vachiti:14Rumbidzo kuna Mwari kumusoro-soro, norugare panyika; chishuwo chakanaka kuvanhu.15Zvino kwakaitika kuti vatumwa vabva kwavari vaenda kudenga, vanhu vafudzi vakataurirana, vachiti: Ngatiende ikozvino Bhetirehemu, tinoona chinhu ichi chakaitika, Ishe chaatizivisa.16Zvino vakakurumidza kusvika, vakawana vose Maria naJosefa, nemucheche avete muchidyiro.17Vakati vaona, vakazivisa kose shoko ravakange vaudzwa maererano neucheche uyu.18Zvino vose vakanzwa vakashamisika nezvinhu zvakange zvataurwa kwavari nevafudzi.19Asi Maria wakachengeta zvinhu izvi zvose, achifungisisa mumoyo make.20Zvino vafudzi vakadzokera, vachikudza nekurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavakange vanzwa nekuona, sezvakange zvataurwa kwavari.21Mazuva masere akati apera kuti mucheche adzingiswe, zita rake ndokunzi Jesu, raakange atumidzwa nemutumwa asati agamuchirwa mudumbu.22Zvino mazuva ekunatswa kwake nemurairo waMozisi akati apera, vakauya naye kuJerusarema, kuti vamukumikidze kuna Ishe,23(sezvazvakanyorwa pamurairo waIshe kuti: Chirume chose chinozarura chizvaro, chichanzi chitsvene kuna Ishe),24uye vabayire chibayiro sezvazvakarehwa pamurairo waIshe, hangaiwa mbiri, kana njiva mbiri duku.25Zvino tarira, kwakange kune munhu muJerusarema, zita rake raiva Simioni, ndiyewo munhu waiva akarurama akazvipira kushumira Mwari, akamirira kunyaradzwa kwaIsraeri, neMweya Mutsvene wakange uri pamusoro pake.26Zvino zvakange zvaratidzwa kwaari neMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu asati aona Kristu waIshe.27Wakapinda mutembere neMweya; zvino vabereki vakati vachiuisa mucheche Jesu, kuti vaite pamusoro pake netsika yemurairo,28iye akamutora mumaoko ake, akavonga Mwari, achiti:29Tenzi, ikozvino regai muranda wenyu aende nerugare, seshoko renyu;30nekuti meso angu aona ruponeso rwenyu,31rwamakagadzirira pamberi pezviso zvevanhu vose;32chiedza chekuzarurira vahedheni, nekubwinya kwerudzi rwenyu Israeri.33Josefa namai vake vakashamisika nezvinhu zvakarehwa pamusoro pake.34Zino Simioni akavaropafadza, akati kuna Maria mai vake: Tarira, uyu wakaisirwa kuwa nekumuka kwevazhinji kuna Israeri, nekuva chiratidzo chichapikiswa;35uye newe, munondo uchapinda nemweya wako pachako; kuti ndangariro dzemoyo mizhinji dzifukurwe.36Zvino kwakange kuna Ana muporofitakadzi, mukunda waFanueri, wedzinza raAsheri; wakange akwegura kwazvo, wakararama nemurume makore manomwe kubvira paumhandara hwake.37Uye ari chirikadzi yemakore angava makumi masere nemana, wakange asingabvi mutembere, achishumira nemitsanyo neminyengetero usiku nemasikati.38Naiye wakati achisvika nenguva iyoyo akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vose vakange vachitarisira kusunungurwa muJerusarema.39Zvino vakati vapedza zvinhu zvose zvaienderana nemurairo waIshe, vakadzokera Garirea kuguta ravo Nazareta.40Mucheche akakura, akasimba mumweya, akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzakange dziri pamusoro pake.41Zvino vabereki vake vaienda kuJerusarema makore ose pamutambo wepasika.42Zvino wakati ava nemakore gumi nemaviri, vakakwira kuJerusarema zvichienderana netsika yemutambo,43vakati mazuva apera, pakudzoka kwavo, mwana Jesu akasara kuJerusarema, asi Josefa namai vake vasingazvizivi,44asi vaimufungira kuva mune vamwe vevakange vachifamba navo, vakafamba mufambo wezuva, vakazomutsvaka pakati pehama nekuvazikanwi.45Asi vakati vasingamuwani, vakadzokera kuJerusarema vachimutsvaka.46Zvino zvakaitika shure kwemazuva matatu, vakamuwana mutembere, agere pakati pavadzidzisi, achivateerera, achivabvunza.47Vose vakange vachimunzwa vakavhiringidzika nekuziva nemhinduro dzake.48Zvino vakati vamuona vakakatyamara; mai vake vakati kwaari: Mwana, waitirei zvakadai kwatiri? Tarira, baba vako neni tanga tichikutsvaka tichishungurudzika.49Akati kwavari: Munonditsvaka sei? Manga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?50Asi ivo havana kunzwisisa shoko raakataura kwavari.51Zvino akaburuka navo, akasvika Nazareta; akazviisa pasi pavo. Asi mai vake vakachengeta mashoko iwayo ose mumoyo mavo.52Jesu akawedzera panjere nekukura, nepakudiwa naMwari nevanhu.