1Sezvo vazhinji vakaedza kuronga rondedzero yezvinhu zvakatendeka zvizere pakati pedu,2sezvavakapa kwatiri ivo avo kubva pakutanga vakazvionera, uye vari varanda veshoko,3zvakaonekwa zvakanaka kwandiriwo, ndanyatsoongorora zvinhu zvose kubva pakutanga, kuti ndikunyorerei nekutevedzanisa, imwi Teofiro makakurumbira,4kuti muzive chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.5Kwaivapo nemazuva aHerodhe mambo weJudhiya umwe mupristi wainzi Zakaria, weboka raAbhiya; nemukadzi wake waibva kuvanasikana vaAroni, nezita rake riri Erizabheti.6Uye vari vaviri vakange vakarurama pamberi paMwari, vachifamba nemurairo wose nezviga zvaIshe, vasina chavangapomerwa.7Uye vakange vasina mwana, nekuti Erizabheti wakange ari mhanje, uye vakange vaenda pamakore vari vaviri.8Zvino zvakaitika kuti wakati achiita ushumiri hweupristi pamberi paMwari, pachidanho cheboka rake,9maererano netsika yeushumiri hweupristi, wakabatwa nemujenya kuti apise zvipfungaidzo zvinonhuwira apinda mutembere yaIshe.10Zvino chaunga chose chavanhu chakange chichinyengetera kunze nenguva yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.11Zvino kwakaonekwa kwaari mutumwa waIshe, amire kurutivi rwerudyi rwearitari yezvifungaidzo zvinonhuhwira.12Zvino Zakaria wakati achimuona akavhiringidzika, kutya kukamuwira.13Asi mutumwa wakati kwaari: Usatya Zakaria; nekuti munyengetero wako wanzwikwa, nemukadzi wako Erizabheti uchakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani.14Uye uchava nemufaro nekupembera, nevazhinji vachafarira kuberekwa kwake.15Nekuti uchava mukuru pamberi paIshe, haangatongomwi waini kana zvinodhaka; uye uchazadzwa neMweya Mutsvene kunyange kubva padumbu ramai vake.16Nevazhinji vevana vaIsraeri uchatendeusira kuna Ishe Mwari wavo;17uye iye uchafamba pamberi pake mumweya nesimba raEria, kutendeusira moyo yemadzibaba kuvana, nevasingateereri kuuchenjeri hwevakarurama, kugadzirira Ishe vanhu vakagadzirwa.18Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva nei? Nekuti ini ndava mukweguru, nemukadzi wangu waenda pamazuva ake.19Mutumwa achipindura akati kwaari: Ini ndini Gabhirieri, unomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure kwauri, ndikuparidzire mashoko awa akanaka.20Zvino tarira, uchava chimumumu, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitika zvinhu izvi, nekuti hauna kutenda mashoko angu, achazadziswa nenguva yawo.21Vanhu vakange vakamirira Zakaria, vakashamisika nekunonoka kwake mutembere.22Zvino wakati abuda, akakonewa kutaura kwavari; vakaziva kuti wakange aona dzengerere mutembere; iye akavaninira nemaoko, akaramba ari chimumu.23Zvino zvakaitika kuti mazuva okushumira kwake akati achangopera, akaenda kumba kwake.24Zvino shure kwemazuva iwayo, mukadzi wake Erizabheti akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti:25IShe wandiitira saizvozvi nemazuva aakanditarira, kuti abvise ruzvidzo rwangu pakati pevanhu.26Zvino nemwedzi wechitanhatu mutumwa Gabrieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea rinonzi Nazareta,27kumhandara, yakange yatsidza kuwanikwa nemurume ainzi Josefa, weimba yaDhavhidhi; zita remhandara riri Maria.28Mutumwa akapinda kwaari akati: Hekanhi, iwe une nyasha! Ishe unewe, wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi.29Iye wakati achimuona akavhiringidzwa neshoko rake, akafunganya kuti uku kukwazisa rudzii kwakadai.30Zvino mutumwa akati kwaari: Usatya Maria; nekuti wawana nyasha kuna Mwari.31Zvino tarira, uchava nemimba, ugozvara mwanakomana, uchatumidza zita rake kuti Jesu.32Iye uchava mukuru, uchanzi Mwanakomana weWekumusoro-soro; Ishe Mwari uchapa kwaari chigaro cheushe chababa vake Dhavhidhi.33Uchatonga pamusoro peimba yaJakobho kusvikira narinhi, neushe hwake hahwungavi nemugumo.34Maria ndokuti kumutumwa: Izvi zvingava sei, nekuti handizivi murume?35Mutumwa akapindura akati kwaari: Mweya Mutsvene uchauya pamusoro pako, nesimba reWokumusoro-soro richakudzikatira; naizvozvo icho chitsvene chichaberekwa newe chichanzi Mwanakomana waMwari.36Uye tarira, Erizabheti hama yako, iyewo wava nemimba yemwanakomana pakuchembera kwake; nemwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye wainzi mhanje.37Nekuti naMwari hakuna chinhu chisingazogoneki.38Maria ndokuti: Tarirai, murandakadzi waIshe; ngazvive kwandiri seshoko renyu. Mutumwa ndokubva kwaari.39Zvino Maria akasimuka nemazuva iwayo akaenda kunyika yazvikomo nekukurumidza, kuguta raJudha;40akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erizabheti.41Zvino zvakaitika kuti Erizabheti wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akatamba mudumbu rake; naErizabheti akazadzwa neMweya Mutsvene,42akadanidzira nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako!43Ko zvandibvira nepi, kuti mai vaIshe wangu vauye kandiri?44Nekuti tarira, inzwi rekukwazisa kwako rangoti richisvika munzeve dzangu, mwana watamba mudumbu rangu nemufaro.45Uye wakaropafadzwa unotenda, nekuti zvakataurwa naIshe kwaari zvichazadziswa.46Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe,47nemweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu;48nekuti wakatarira kuninipiswa kwemurandakadzi wake; nekuti tarira, kubva zvino mazera ose achati ndakaropafadzwa.49Nekuti une masimba wakandiitira zvinhu zvikuru; nezita rake idzvene.50Netsitsi dzake dziri kuna avo vanomutya kubva kumazera nemazera.51Wakaita zvinesimba noruoko rwake; wakaparadzira vanozvikudza mundangariro dzemoyo yavo.52Wakaburusa vane masimba pazvigaro zvoushe, akasimudza vakaderera.53Vanenzara wakavagutsa nezvinhu zvakanaka, asi vafumi wakavaendesa vasina chinhu.54Wakabatsira Israeri muranda wake kuti arangarire tsitsi,55sezvaakataura kumadzibaba edu, kuna Abhurahamu nekumbeu yake kusvikira rinhi narinhi.56Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumba kwake.57Zvino nguva yaErizabheti yekusununguka kwake yakazara; akabereka mwanakomana.58Zvino vavakidzani nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakange amuitira tsitsi dzake huru, vakafara naye.59Zvino zvakaitika kuti nezuva rerusere vakauya kuzodzingisa mucheche, vakamutumidza maererano nezita rababa vake Zakaria.60Asi mai vake vakapindura vakati: Kwete, asi uchanzi Johwani.61Vakati kwaari: Hakuna munhu kuhama dzenyu unodaidzwa nezita iro.62Vakataura nemaoko kuna baba vake, kuti vanoda kuti anzi ani.63Vakakumbira chinyorero, vakanyora vachiti: NdiJohwani zita rake; vakashamisika vose.64Muromo wake ukazarurwa pakarepo, nerurimi rwake rukasununguka, akataura, achirumbidza Mwari.65Kutya kukawira vose vaigara vakavakomba; nemashoko iwayo ose akanzwikwa kunyika yose yezvikomo yeJudhiya.66Zvino vose vakanzwa, vakazviisa mumoyo yavo, vachiti: Mucheche uyu uchazova ani? Uye ruoko rwaIshe rwakava naye.67Zvino Zakaria baba vake vakazadzwa neMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti:68Ngaarumbidzwe Ishe Mwari waIsraeri, nekuti wakashanyira kuvanhu vake nekuvadzikunura;69akatisimudzira runyanga rworuponeso mumba maDhavhidhi muranda wake;70sezvaakataura nemuromo wevaporofita vake vatsvene, vakange varipo kubva pasichigare;71ruponeso pamhandu dzedu, neparuoko rwavose vanotivenga;72kuitira madzibaba edu tsitsi, nekurangarira sungano yake tsvene,73mhiko yaakapika kuna Abhurahamu baba vedu;74kutipa, kuti tasunungurwa muruoko rwevavengi vedu, timushumire tisingatyi;75muutsvene nekururama pamberi pake mazuva ose eupenyu hwedu.76Newe mucheche, uchanzi muporofita weWokumusoro-soro, nekuti uchatungamira pamberi pechiso chaIshe, kugadzirira nzira dzake;77kupa ruzivo rweruponeso kuvanhu vake nekangamwiro yezvivi zvavo;78netsitsi dzaMwari wedu, mauri mambakwedza ekudenga anotishanyira;79kuvhenekera vagere murima nemumvuri worufu, nekururamisa tsoka dzedu munzira yerugare.80Mucheche akakura, akasimba mumweya, akava mumarenje, kusvikira zuva rekuratidzwa kwake kuna Israeri.