1Sabata rakati rapfuura, Maria Magidharini, naMaria mai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwira, kuti vaende kunomuzodza.2Mangwanani-ngwanani kwazvo nomusi wokutanga wevhiki vakaenda kuguva, zuva robuda.3Vakati pakati pavo: Ndiani uchatikungurusira ibwe kubva pamukova weguva?4Zvino vakati vachitarira, vakaona kuti ibwe rakange ratokunguruswa, nekuti raiva guru-guru.5Zvino vakati vachipinda muguva, vakaona jaya rakange rigere kurudyi, rakapfeka nguvo chena yakareba; vakavhunduka;6rikati kwavari: Musavhunduka; munotsvaka Jesu muNazareta wakarovererwa pamuchinjikwa; wamuka, haasi pano; tarirai panzvimbo pavakange vamuradzika.7Asi endai, mundoudza vadzidzi vake naPetro kuti unokutungamirirai kuGarirea, muchandomuonako sezvaakakuudzai.8Vakabuda nekukurumidza vakatiza paguva; uyezve kudedera nekuvhunduka kwakavabata; vakasataura chinhu kuna ani zvake, nekuti vakange vachitya.9Zvino Jesu wakati amuka mangwanani-ngwanani newokutanga wevhiki, wakaonekwa pakutanga kuna Maria Magidharini, waakabudisa kwaari madhimoni manomwe.10Iye akaenda akaudza avo vaiva naye, pavaichema vachirira.11Naivo vanzwa kuti mupenyu, uye kuti wakange aonekwa naye, havana kutenda.12Shure kweizvozvo wakazviratidza nechimwe chimiro kuvaviri vavo vachifamba, vachienda muruwa.13Ivowo vakaenda, vakaudza vakange vasara; naivo vakasavatenda.14Pashure wakazviratidza kune vanegumi neumwe vagere pakudya, akamhura kusatenda kwavo neukukutu hwemoyo, nekuti havana kutenda vaya vakange vamuona amuka.15Akati kwavari: Endai munyika yose muparidze evhangeri kuchisikwa choga-choga.16Uyo unotenda akabhabhatidzwa uchaponeswa; asi usingatendi uchapiwa mhosva.17Zviratidzo izvi zvichavatevera vanotenda: Muzita rangu vachabudisa madhimoni, vachataura nendimi itsva;18vachanonga nyoka; kunyange vakamwa chero chinhu chinouraya, hachingatongovakuvadzi; vachaisa maoko pavarwere, vakapora.19Naizvozvo Ishe shure kwekunge ataura kwavari, akagamuchirwa kumusoro kudenga, akagara kuruoko rwerudyi rwaMwari.20Ivo vakabuda, vakaparidza kose-kose, Ishe achibata navo, achisimbisa shoko nezviratidzo zvaitevera. Amen.