Shona

Mark

12

1Zvino wakatanga kutaura kwavari nemifananidzo, achiti: Munhu wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini, akavaka shongwe, akauhaisa* kuvarimi, ndokuenda parwendo.2Nenguva yakafanira, akatumira muranda kuvarimi, kuti agamuchire kubva kuvarimi zvezvibereko zvemunda wemizambiringa.3Vakamubata vakarova, vakamurega achienda asina chinhu.4Akatumazve kwavari umwe muranda; iye vakamuposhera mambwe, vakamukuvadza mumusoro, vakamurega achienda anyadziswa.5Akatumazve umwe; naiye vakamuuraya; nevamwe vazhinji, vachirova vamwe, nekuuraya vamwe.6Naizvozvo wakange achine mwanakomana umwe mudikamwa wake, akamutumirawo kwavari pakupedzisira, achiti: Vachakudza mwanakomana wangu.7Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai ngatimuurayei, nhaka ichava yedu.8Vakamutora vakauraya, vakaposhera kunze kwemunda wemizambiringa.9Naizvozvo mwene wemunda wemizambiringa uchaitei? Uchauya akaparadza varimi, akapa munda wemizambiringa kune vamwe.10Ko hamuna kuverenga here rugwaro urwu runoti: Ibwe vavaki ravakarasha, ndiro rava musoro wekona;11izvozvo zvakaitwa naIshe, uye zvinoshamisa pameso edu?12Zvino vakatsvaka kumubata, asi vakatya chaunga; nekuti vaiziva kuti wakange ataura mufananidzo uyu akanangana navo. Vakamusiya vakaenda.13Zvino vatuma kwaari vamwe vevaFarisi nevevaHerodhe, kuti vamubate pakutaura.14Zvino vakati vauya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimwi wechokwadi, hamuna hanya nemunhu; nekuti hamutariri chimiro chemunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi: Zviri pamutemo kupa Kesari mutero here, kana kwete?15Tipe here, kana tirege kupa? Asi iye wakaziva unyepedzeri hwavo, wakati kwavari: Munondiidzirei? Ndivigirei dhenari*, kuti ndione.16Vakariuyisa. Akati kwavari: Mufananidzo uyu nerunyoro urwu ndezvani? Vakati kwaari: ZvaKesari.17Jesu akapindura akati kwavari: Dzoserai kuna Kesari zvinhu zvaKesari, nekuna Mwari zvinhu zvaMwari. Vakashamisika naye.18Zvino kwakauya kwaari vaSadhusi, vanoti hakuna kumuka kwevakafa, vakamubvunza vachiti:19Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera kuti: Kana mukoma wemunhu akafa, akasiya mukadzi, akasasiya vana, kuti munin'ina wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake mbeu.20Zvino kwakange kune vanakomana vanomwe vemunhu umwe; wekutanga akawana mukadzi, akafa akasasiya mbeu.21Wechipiri akamutora, akafa, uyu akasasiyawo mbeu; newechitatu saizvozvo.22Nevanomwe vose vakamutora, vakasasiya mbeu; shure kwevose mukadzi akafawo.23Naizvozvo pakumuka kwevakafa, kana vachimuka, uchava mukadzi wani kwavari? Nekuti vanomwe vakava naye kuita mukadzi.24Jesu akapindura akati kwavari: Hamuna kurashika here naizvozvo, nekuti hamuzivi magwaro kana simba raMwari?25Nekuti kana vachimuka kuvakafa, havawanani, kana kuwaniswa, asi vakaita savatumwa vari kumatenga.26Zvino maererano nevakafa, kuti vanomutswa, hamuna kurava here mubhuku raMozisi, kuti Mwari wakataura naye sei mugwenzi, achiti: Ndiri Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?27Haazi Mwari wevakafa, asi Mwari wevapenyu; imwi naizvozvo marashika kwazvo.28Zvino umwe wevanyori wakasvika, wakati anzwa vachirangana, achiziva kuti wakange avapindura zvakanaka, akamubvunza achiti: Ndeupi murairo wekutanga kune yose?29Jesu akamupindura, achiti: Wokutanga kumirayiro yose ndiwoyu: Inzwa Israeri, Ishe Mwari wedu, ndiIshe umwe chete!30Uye ida Ishe Mwari wako nemoyo wako wose, uye nemweya wako wose, uye nefungwa dzako dzose, uye nesimba rako rose. Uyu murairo wekutanga.31Newechipiri wakadai ndeuyu: Ida umwe wako sezvaunozvida. Hakuna umwe murairo mukuru kune iyeyi.32Zvino munyori akati kwaari: Zvakanaka, Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo kuti kuna Mwari umwe chete, uye hakuna umwe kunze kwake;33nekumuda nemoyo wose, uye nefungwa dzose, uye nemweya wose, uye nesimba rose, nekuda wekwako sewe, zvinopfuura zvipiriso zvose zvinopiswa nezvibayiro.34Zvino Jesu wakati achimuona kuti wapindura nenjere, akati kwaari: Hausi kure neushe hwaMwari. Kukasava nemunhu shure kweizvozvo wakazotsunga kumubvunza.35Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura akati: Vanyori vanoreva sei kuti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?36Nekuti Dhavhidhi amene wakati neMweya Mutsvene: Ishe wakati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.37Naizvozvo Dhavhidhi amene unomuidza Ishe, ko mwanakomana wake papi? Chaunga chikuru chikamunzwa nemufaro.38Zvino wakati kwavari padzidziso yake: Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, nekwaziso pamisika,39nezvigaro zvemberi mumasingagoge, nezvinzvimbo zvakakwirira pazvirairo;40vanodya dzimba dzechirikadzi, uye nekunyepedzera vachiita minyengetero mirefu; ivava vachagamuchira kurashwa kukuru kwazvo.41Jesu akagara pasi akatarisana nechivigiro chezvipo, akatarira kuti chaunga chinokanda sei mari muchivigiro; zvino vafumi vazhinji vakange vachikanda zvizhinji.42Zvino kwakasvika imwe chirikadzi murombo, ikakanda tumari twemhangura tuviri tuduku, ndiro kobiri.43Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda zvizhinji kupfuura vose vakanda muchivigiro chezvipo;44nekuti vose vakanda pamuraudziro wavo; asi iye paurombo hwake wakanda zvose zvaanazvo, zvose zveupenyu hwake.