Shona

Mark

11

1Vakati vasvika pedo neJerusarema, paBhetifage neBhetaniya, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vevadzidzi vake,2akati kwavari: Fambai muende kumusha wakatarisana nemwi; pakarepo kana muchangopinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunugure, mugouya naro.3Kana munhu akati kwamuri: Munoitirei izvi? Muti: Ishe unorida. Pakarepo ucharitumira pano.4Vakaenda, vakanowana dhongwana rakasungirwa pamukova kunze, panzira yemumusha; vakarisunungura.5Vamwe vevakange vamirepo vakati kwavari: Munoitei muchisunungura dhongwana?6Vakavaudza Jesu sezvaakaraira; vakavarega vachiinda.7Zvino vakauya nedhongwana kuna Jesu, vakakandira nguvo dzavo pamusoro paro, akagara pamusoro paro.8Nevazhinji vakawarira nguvo dzavo munzira, nevamwe vakatema masanzu vakawarira munzira.9Zvino avo vakange vachitungamira nevakange vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa unouya muzita raIshe;10hwakaropafadzwa ushe hwaBaba vedu Dhavhidhi, hunouya muzita raIshe! Hosana* kumusoro-soro!11Jesu ndokupinda muJerusarema, nemutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvose, yava nguva yemadekwani, akabuda, akaenda Bhetaniya nevanegumi nevaviri.12Uye mangwana vachibuda Bhetaniya, akanzwa nzara.13Wakati achiona muonde uri kure, une mashizha, akaendako achiti zvimwe angawana chinhu pauri; asi asvika pauri haana kuwana chinhu kunze kwemashizha; nekuti yakange isiri nguva yemaonde.14Zvino Jesu akapindura, akati kwauri: Kusava nemunhu unozodya zvibereko pauri kubva zvino kusvika kusingaperi. Vadzidzi vake vakazvinzwa.15Vakasvika kuJerusarema; Jesu akapinda mutembere, akatanga kudzingira panze avo vaitengesa nevaitenga mutembere; akapidigura matafura evaitsinhanisa mari, nezvigaro zvaivo vaitengesa njiva.16Zvino akasatendera kuti munhu atakure mudziyo achipfuura nemutembere.17Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yekunyengetera yemarudzi ose? Asi imwi makaiita bako remakororo.18Zvino vanyori nevapristi vakuru vakazvinzwa, vakatsvaka kuti vangamuparadza sei; nekuti vakange vachimutya, nekuti chaunga chose chakashamisika nedzidziso yake.19Zvino ava madekwana, wakabuda kunze kweguta.20Zvino mangwanani-ngwanani vakati vachipfuura, vakaona muonde waoma kubva pamidzi.21Petro akarangarira akati kwaari: Rabhi*, tarirai muonde wamakapa rushambwa wawoma.22Jesu akapindura akati kwavari: Ivai nerutendo kuna Mwari.23Nekuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe neumwe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, asingakononi mumoyo make, asi achitenda kuti zvinhu zvaanoreva zvichaitika, zvichaitika kwaari chero zvaanoreva.24Naizvozvo ndinoti kwamuri: Zvinhu zvose chero zvamunokumbira muchinyengetera, tendai kuti muchagamuchira, uye zvichava zvenyu.25Kana mumire muchinyengetera, kangamwirai kana mune chakanangana neumwe; kuti Baba venyuwo vari kumatenga vakukangamwirei kudarika kwenyu.26Asi kana imwi musingakangamwiri Baba venyu vari kumatenga havakangamwiriwo kudarika kwenyu.27Vakasvikazve kuJerusarema; zvino wakati achifamba mutembere, vapristi vakuru nevanyori nevakuru vakauya kwaari,28zvino vakati kwaari: Unoita zvinhu izvozvi nemasimba api; ndiani wakakupa masimba awa aunoita nawo zvinhu izvi?29Jesu akapindura akati kwavari: Iniwo ndichakubvunzai mubvunzo umwe, mundipindure, neni ndichakuudzai kuti ndinoita zvinhu izvozvi nemasimba api.30Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu? Ndipindurei.31Vakaonesana, vachiti: Kana tikati: Kudenga, uchati: Makagoregerei kumutenda?32Asi kana tikati: Kuvanhu; vakange vachitya vanhu; nekuti vose vakange vachiverenga Johwani kuti muporofita zvirokwazvo.33Vakapindura vachiti kuna Jesu: Hatizivi. Jesu akapindura akati kwavari: Ini handingakuudziyiwo kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.