1Zvino wakati asimukapo, akauya kumiganhu yeJudhiya, achigura nemhiri kwaJoridhani; chaunga chikaunganirazve kwaari; akapamha kuvavadzidzisa zvose sezvaakange ajaira.2VaFarisi vakauya kwaari, vakamubvunza vachiti: Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi? vachimuidza.3Akapindura, akati kwavari: Mozisi wakakurairai chii?4Zvino vakati: Mozisi wakatendera kunyora rugwaro rwerambano, nekumuramba.5Jesu akapindura akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo yenyu, wakakunyorerai murairo uyu.6Asi kubva pakutanga kwezvisikwa, Mwari wakavaita murume nemukadzi.7Nekuda kweizvozvo munhu uchasiya baba namai vake, anamatire mukadzi wake;8zvino avo vaviri vachava nyama imwe. Naizvozvo havasichiri vaviri, asi nyama imwe.9Naizvozvo Mwari zvaakabatanidza, ngapasava nemunhu unoparadzanisa.10Mumba vadzidzi vake vakapamha kumubvunza pamusoro pazvo.11Zvino akati kwavari: Ani nani unoramba mukadzi wake, akawana umwe, unoita upombwe kwaari.12Uye kana mukadzi achiramba murume wake, achiwanikwa neumwe, unoita upombwe.13Zvino vakauya nevana vaduku kwaari, kuti avabate; asi vadzidzi vakatsiura avo vaiuya navo.14Zvino Jesu wakati achizviona, akatsamwa zvikuru, akati kwavari: Tenderai vana vaduku kuuya kwandiri, uye musavadzivisa, nekuti ushe hwaMwari ndohwevakadai.15Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani usingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.16Uye akavagumbatira, achiisa maoko pamusoro pavo, akavaropafadza.17Zvino wakati achibudira kunzira, umwe wakamumhanyira, akamufugamira akamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?18Jesu akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, iye Mwari.19Unoiziva mirairo inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, usabiridzira, kudza baba namai vako.20Zvino akapindura akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu.21Jesu ndokumutarira akamuda, akati kwaari: Chinhu chimwe chaunoshaiwa; enda, utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, zvino uchava nefuma kudenga; ugouya utakure muchinjikwa, unditevere.22Asi atsamwa neshoko iro, wakaenda neshungu, nekuti wakange ane nhumbi zhinji.23Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vacharemerwa sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari!24Vadzidzi vakashamisika nemashoko ake. Asi Jesu wakapindurazve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kune vanovimba nefuma kupinda muushe hwaMwari;25zvingarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, pane kuti mufumi apinde muushe hwaMwari.26Ipapo vakashamisika zvisingaverengeki, vachitaurirana vachiti: Ndiani zvino ungagoponeswa?27Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu hazvibviri, asi kwete kuna Mwari; nekuti kuna Mwari zvinhu zvose zvinobvira.28Petro akatanga kuti kwaari: Tarira, isu takasiya zvose tikakuteverai.29Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwangu nekweevhangeri,30usingazogamuchiri kane zana ikozvino nenguva ino, dzimba, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, nanamai, nevana, neminda; pamwe nekushushwa, neupenyu husingaperi munguva inouya.31Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzira vekutanga.32Zvino vachiri munzira vachikwira kuJerusarema; Jesu akavatungamirira; vakashamisika; zvino pavaitevera, vaitya. Akatorazve vanegumi nevaviri, akatanga kuvaudza zvinhu zvakange zvichizoitika,33achiti: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye Mwanakomana wemunhu uchakumikidzwa kuvapristi vakuru nekuvanyori, uye vachamutongera rufu, nekumukumikidza kuvahedheni,34vachamusveveredza, vachamurova netyava, nekumupfira, nekumuuraya; zvino nezuva retatu uchamukazve.35Zvino Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari vachiti: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chero chatichakumbira.36Akati kwavari: Chii chamunoda kuti ndikuitirei?37Vakati kwaari: Tipei kuti tigare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, uye umwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.38Asi Jesu wakati kwavari: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kumwa mukombe wandinomwa ini here? nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini here?39Vakati kwaari: Tingagona. Jesu akati kwavari: Muchamwa zvirokwazvo mukombe wandinomwa ini, nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;40asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kupa, asi zvevakazvigadzirirwa.41Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira zvikuru Jakobho naJohwani.42Asi Jesu akavadanira kwaari akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda evahedheni anovadzvinyirira, nevakuru vavo vanoshandisa simba pamusoro pavo.43Zvino hazvingadaro pakati penyu; asi ani nani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu;44ani nani wenyu unoda kuva wokutanga, ngaave mushandi wevose.45Nekuti kunyange Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nekupa upenyu hwake ruve rudzikunuro rwevazhinji.46Vakasvika Jeriko; zvino wakati achibuda Jeriko nevadzidzi vake nechaunga chikuru, Bhatimio bofu, mwanakomana waTimio, akange agere padivi penzira achipemha.47Wakati anzwa kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira nekuti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!48Vazhinji vakamutsiura kuti anyarare; asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, achiti: Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!49Jesu ndokuramba amire, akati adamwe; vakadana bofu vachiti kwariri: Tsunga moyo; simuka, unokudana.50Ipapo rikarasha nguvo yaro rikasimuka, rikauya kuna Jesu.51Jesu akapindura, akati kwariri: Unoda kuti ndikuitirei? Bofu rikati kwaari: Rabhoni*, kuti ndionezve.52Jesu akati kwariri: Enda; rutendo rwako rwakuponesa. Pakarepo rikaonazve, rikatevera Jesu munzira.