Shona

Mark

9

1Zvino wakati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingazoraviri rufu, kusvikira vaona ushe hwaMwari huchiuya nesimba.2Zvino shure kwemazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, naJakobho, naJohwani, akavatungamidza mugomo refu, pachavo vari vega; akashandurwa chimiro pamberi pavo.3Zvipfeko zvake zvikapenya, zvikachenesesa zvikuru semagada echando; hakuna musuki panyika, ungagona kuzvichenesa zvikadaro.4Zvino kwakaonekwa kwavari Eria naMozisi, uye vaitaurirana naJesu.5Petro akapindura akati kuna Jesu: Rabhi*, zvakatinakira kuti tive pano; ngativake matende matatu, rimwe renyu, uye rimwe raMozisi, uye rimwe raEria.6Nekuti wakange asingazivi chekutaura; nekuti vaitya zvikuru.7Zvino kwakava negore rakavadzikatira, inzwi rikabuda mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodika, inzwai iye.8Kamwe-kamwe, vakati varinga-ringa, havana kuzochaona munhu, asi Jesu chete anavo.9Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavaraira kuti varege kuudza munhu zvavakange vaona kunze kwekuti Mwanakomana wemunhu amuka kuvakafa.10Vakachengeta shoko iro mukati mavo, vachibvunzana kuti kumuka kwevakafa chii.11Vakamubvunza, vachiti: Vanyori vanoreverei kuti Eria unofanira kutanga kuuya?12Akapindura, akati kwavari: Eria zvirokwazvo unotanga kuuya, avandudze zvinhu zvose; uye kwakagonyorwa sei zveMwanakomana wemunhu, kuti uchatambudzika zvinhu zvizhinji nekuzvidzwa?13Asi ndinoreva kwamuri kuti Eriawo wakasvika, vakamuitira zvose zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.14Zvino wakati asvika kuvadzidzi, akaona chaunga chikuru chakavakomba, nevanyori vachipikisana navo.15Pakarepo chaunga chose chakati chichimuona chikashamisika zvikuru, chikamhanyira kwaari, chikamukwazisa.16Akabvunza vanyori akati: Munopikisanei navo?17Umwe wechaunga akapindura akati: Mudzidzisi, ndauyisa kwamuri mwanakomana wangu, une mweya wechimumumu;18pangava papi paunomubata, unomubvambura; opupuma furo, nekugeda-geda meno ake, uye unooma; zvino ndakataura nevadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.19Akamupindura akati: Haiwa zera risina rutendo, ndichava nemwi kusvikira rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhi? Muuyisei kwandiri.20Vakamuuyisa kwaari; wakati achimuona, pakarepo mweya ukamubvambura; akawira pasi, akaumburuka achipupuma furo.21Ndokubva abvunza baba vake akati: Yava nguva yakadini kubvira izvozvi zvichiitika kwaari? Akati: Kubva paupwere.22Kazhinji wakamuwisira nemumoto nemumvura, kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.23Jesu ndokuti kwaari: Kana uchigona kutenda, zvinhu zvose zvinogoneka kune unotenda.24Uye pakarepo baba vemucheche vakadanidzira nemisodzi vakati: Ndinotenda, Ishe, batsirai pakusatenda kwangu.25Jesu wakati achiona kuti chaunga chinouya chichimhanyirana, akatsiura mweya wetsina, akati kwauri: Iwe, mweya wechimumumu nematsi, ini ndinokuraira: Buda maari, urege kupindazve maari.26Zvino ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru ukabuda; akaita sewakafa, nekudaro vazhinji vakati: Wafa.27Asi Jesu wakabata ruoko rwake akamusimudza; akasimuka.28Zvino wakati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari vega vachiti: Sei isu takange tisingagoni kuubudisa?29Ndokubva ati kwavari: Zera iri harigoni kubuda nechinhu, kunze nekunyengetera nekutsanya.30Vakabva ipapo, vakagura neGarirea, akange asingadi kuti chero ani azvizive.31Nekuti waidzidzisa vadzidzi vake, achiti kwavari: Mwanakomana wemunhu uchakumikidzwa mumaoko evanhu, uye vachamuuraya; kana aurawa uchamuka nezuva retatu.32Asi havana kunzwisisa shoko iro, vachitya kumubvunza.33Zvino wakasvika Kapenaume; akati ava mumba, akavabvunza, achiti: Manga muchikakavadzana chii munzira?34Asi vakanyarara, nekuti munzira vakange vakakavadzana kuti mukurusa ndiani.35Zvino akagara pasi, akadana vanegumi nevaviri, akati kwavari: Kana munhu achida kuva wekutanga, uchava wekupedzisira kune vose nemushandi wevose.36Ndokutora mucheche, akamumisa pakati pavo; akati amugumbatira, akati kwavari:37Ani nani unogamuchira umwe wevacheche vakadai muzita rangu, unogamuchira ini; uye ani nani unogamuchira ini, haagamuchiri ini, asi uyo wakandituma.38Zvino Johwani akamupindura, achiti: Mudzidzisi, takaona umwe asingatiteveri achibudisa madhimoni muzita renyu; tikamudzivisa, nekuti haana kutitevera.39Asi Jesu wakati: Musamudzivisa, nekuti hakuna munhu ungaita basa resimba muzita rangu, unogona kukurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu.40Nekuti usingapikisani nesu, ndewedu.41Nekuti ani nani unokupai mukombe wemvura kuti mumwe muzita rangu, nekuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangamborashikirwi nemubairo wake.42Uye ani nani unogumbusa umwe wevaduku avo vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru riremberedzwe pamutsipa wake, akandirwe mugungwa.43Uye kana ruoko rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema, pane kuti une maoko maviri uende mugehena, mumoto usingadzimiki,44apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.45Uye kana rutsoko rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uchikamhina, pane kuti une tsoka mbiri ukandirwe mugehena mumoto usingadzimiki,46apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.47Zvino kana ziso rako richikugumbusa, ridzure; zviri nani kwauri kupinda muushe hwaMwari une ziso rimwe, pakuti une maziso maviri, ukandirwe mugehena remoto,48apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.49Nekuti wose ucharungwa nemoto uye chibayiro chose chicharungwa nemunyu.50Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, mungaurunga nei? Ivai nemunyu mamuri, mugarisane nerugare.