1Nemazuva iwayo zvakwakange kune chaunga chikuru kwazvo, vasina chavangadya, Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari:2Ndine tsitsi nechaunga; nekuti chadogara neni mazuva matatu vasina zvavangadya.3Kana ndikavarega vaende kumba kwavo nenzara, vachaziya panzira; nekuti vamwe vavo vanobva kure.4Vadzidzi vake vakamupindura, vakati: Zvingabvepi zvingwa munhu zvaangagutsa nazvo ava murenje muno?5Akavabvunza, akati: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe.6Zvino akaraira chaunga kuti chigare pasi pavhu; akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pechaunga.7Uye vakange vane hove duku shoma; zvino akadziropafadza, akati vadziise pamberi pavo.8Vakadya, vakaguta; ndokununga zvimedu zvakasara, matengu manomwe.9Avo vakange vadya vainge vaiva zvuru zvina; akavarega vachienda.10Pakarepo akapinda muchikepe nevadzidzi vake, akauya kumativi eDharimanuta.11Zvino vaFarisi vakabuda, vakatanga kupikisana naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza.12Akagomera zvikuru pamweya wake akati: Zera iri rinotsvakirei chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna chiratidzo chichapiwa kuzera iri.13Ndokubva avasiya, akapindazve muchikepe, akabva akayambukira kumhiri.14Zvino vadzidzi vakange vakangamwa kutora zvingwa; uye vakange vasina navo chinhu muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete.15Zvino akavaraira, achiti: Ngwarirai, muchenjere mbiriso yevaFarisi nembiriso yaHerodhe.16Vakarangana pakati pavo vachiti: Nekuti hatina zvingwa.17Zvino Jesu wakati achizviziva akati kwavari: Munorangana sei kuti hamuna zvingwa? Hamusati maziva, kana kunzwisisa here? Muchine moyo mikukutu here?18Mune meso hamuoni here? Uye mune nzeve, hamunzwi here? Uye hamurangariri here?19Pandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Vakati kwaari: Gumi nemaviri.20Uye pazvinomwe pavanezvuru zvina, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Ndokuti: Manomwe.21Ndokubva ati kwavari: Sei musinganzwisisi?22Zvino wakasvika kuBhetisaidha; vakauyisa bofu kwaari, vakamukumbirisa kuti aribate.23Akabata ruoko rwebofu, akaribudisira kunze kwemusha; akati apfira meso aro, akaisa maoko pamusoro paro, akaribvunza kana richiona chinhu.24Ndokutarira kumusoro rikati: Ndinoona vanhu vakaita semiti, vachifamba.25Mushure maizvozvo akaisazve maoko pamusoro pameso aro akaritaridza kumusoro, rikaporeswa, rikaona vose zvakajeka.26Akarirega richienda kumba kwaro, achiti: Usapinda mumusha uye usaudza ani nani mumusha.27Zvino Jesu akabuda nevadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesariya yeFiripi; vari munzira akabvunza vadzidzi vake achiti kwavari: Vanhu vanoti ndini ani?28Vakapindura vachiti: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; vamwezve: Umwe wevaporofita.29Iye akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati kwaari: Imwi muri Kristu.30Akavaraira zvikuru kuti varege kuudza munhu pamusoro pake.31Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana wemunhu unofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nekurambwa nevakuru, nevapristi vakuru, nevanyori, agourawa, uye mushure mamazuva matatu amukezve.32Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akamutorera parutivi, akatanga kumutsiura.33Asi iye atendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: Ibva shure kwangu, Satani; nekuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.34Zvino wakati adanira kwaari chaunga pamwe nevadzidzi vake, akati kwavari: Ani nani unoda kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.35Nekuti ani nani unoda kuponesa upenyu hwake, ucharashikirwa nahwo, asi ani nani ucharashikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu nekweevhangeri, ndiye uchahuponesa.36Nekuti zvinobatsirei munhu, kana akawana nyika yose akarashikirwa nemweya wake?37Kana kuti munhu uchapei kuti chive muripo wemweya wake?38Nekuti ani nani unonyara pamusoro pangu nepamashoko angu pazera iri reupombwe nekutadza, Mwanakomana wemhunhu uchanyarawo pamusoro pake, paanouya mukubwinya kwaBaba vake ane vatumwa vatsvene.