1Zvino wakabvapo, akaenda kunyika yekwake; vadzidzi vake vakamutevera.2Zvino rava sabata, akatanga kudzidzisa musinagoge; vazhinji vakamunzwa, vakashamisika vachiti: Uyu wakawanepi zvinhu izvi? Injere dzipi dzakapiwa kwaari, kuti nemabasa esimba akadai anoitwa nemaoko ake?3Uyu haazi muvezi here, mwanakomana waMaria, nemukoma waJakobho naJose naJudha naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here? Vakagumburwa naye.4Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haangashaiwi kukudzwa, kunze kwemunyika yekwake, nepakati pehama dzake, nemumba make.5Akasagona kubata chero basa resimba ipapo, kunze kwekuti wakaisa maoko pamusoro pevairwara vashoma, akaporesa.6Akashamisika nekusatenda kwavo. Uye akapota-pota nemisha achidzidzisa.7Zvino wakadanira kwaari vanegumi nevaviri, kuvatuma vaviri-vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina.8Akavaraira kuti varege kutora chinhu cherwendo kunze kwemudonzvo chete; kwete chikwama, kwete chingwa, kwete mari mubhanhire.9Asi vafuke manyatera, varege kupfeka nguvo mbiri.10Zvino akati kwavari: Pose pamunopinda mumba, mugaremo kusvikira muchibvapo.11Asi vose vasingakugamuchiriyi kana kukunzwai, kana muchibvapo, zuzai guruva riri pasi petsoka dzenyu, chive chapupu kwavari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvicharerukira Sodhoma kana Gomora nezuva rekutongwa kupfuura guta iro.12Vakati vabuda, vakaparidza kuti vatendeuke;13zvino vakabudisa madhimoni mazhinji, vakazodza nemafuta vazhinji vairwara, vachiporesa.14Mambo Herodhe ndokuzvinzwa, nekuti zita rake rakava pachena, akati: Johwani unobhabhatidza wakamutswa kuvakafa, naizvozvo masimba anobata maari.15Vamwe vakati: NdiEria; nevamwe vakati: Muporofita, kana wakaita seumwe wevaporofita.16Asi Herodhe wakati anzwa, akati: Uyu ndiJohwani uya wandakagura ini musoro; iye wamuka kuvakafa.17Nekuti Herodhe pachake wakange atuma vanhu akabata Johwani, akamusunga mutirongo nekuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munin'ina wake; nekuti Herodhe wakange amuwana.18Nekuti Johwani wakange ati kuna Herodhe: Hauna kutenderwa kuti uve nemukadzi wemunin'ina wako.19Herodhiasi akamuvenga nechemumoyo, akada kumuuraya, asi wakakonewa;20nekuti Herodhe waitya Johwani, achiziva kuti murume wakarurama, mutsvene, akamuchengetedza. Zvino paakamunzwa wakaita zvinhu zvakawanda, akamunzwa nemufaro.21Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhe nezuva rekuberekwa kwake akaitira chirairo madzishe ake nevatungamiriri vezvuru nevatungamiriri veGarirea,22zvino mukunda waHerodhiasi uyo paakapinda akatamba, akafadza Herodhe nevakange vagere pakudya naye; mambo akati kumusikana: Kumbira kwandiri chipi zvacho chaunoda, ndigokupa.23Zvino akamupikira achiti: Chero chii chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu yeushe hwangu.24Akabuda akati kuna mai vake: Ndichakumbirei? Vakati: Musoro waJohwani Mubhabhatidzi.25Pakarepo akakurumidza kupinda kuna mambo, akakumbira achiti: Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohwani Mubhabhatidzi.26Mambo akashungurudzika zvikuru, asi nekuda kwemhiko, nekwevakange vagere naye pakudya, wakange asingadi kumurambira.27Pakarepo mambo akatuma mhondi, akaraira kuti musoro wake uuyiswe. Akaenda, akamugura musoro mutirongo,28akauya nemusoro wake mundiro, akaupa kumusikana, musikana ndokuupa mai vake.29Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakauya vakatora chitunha chake, vakachiisa muguva.30Zvino vaapositori vakaunganira kuna Jesu, vakamuudza zvose, nezvavakange vaita, nezvavakange vadzidzisa.31Akati kwavari: Uyai imwi pachenyu moga kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma. Nekuti vaiva vazhinji vaiuya nekuenda, vakasava nemukana kunyange wekudya.32Vakaenda nechikepe kunzvimbo yerenje vari vega.33Zvaunga zvikavaona vachienda, uye vazhinji vakamuziva, vakamhanyirako pamwechete netsoka vachibva pamaguta ose, vakavatangira, vakasangana kwaari.34Zvino Jesu wakati achibuda, akaona chaunga chikuru, akachinzwira tsitsi, nekuti vakange vakaita semakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.35Zvino nguva yakati yaenda zvikuru, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati: Iyi inzvimbo yerenje, uye nguva yatoenda;36varegei, kuti vaende kuruwa rwakapoteredza nemisha vanozvitengera zvingwa. Nekuti havana chavangadya.37Akapindura akati kwavari: Vapei imwi kuti vadye. Vakati kwaari: Tingaenda here tinotenga zvingwa zvemadhenari* mazana maviri, tivape vadye?38Akati kwavari: Mune zvingwa zvingani? Endai munoona. Vakati vaziva vakati: Zvishanu, nehove mbiri.39Zvino akavaraira kuti vavagarise vose pasi nemapoka-mapoka pauswa unyoro.40Zvino vakagara pasi nemapoka mapoka nemazana uye nemakumi mashanu.41Zvino wakati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa kuvadzidzi vake, kuti vazvigadzike pamberi pavo; nehove mbiri akavagovera vose.42Zvino vakadya vose, vakaguta.43Vakanunga matengu gumi nemaviri azere nezvimedu, nezvehove.44Zvino avo vakadya zvingwa vaiva varume vanenge zvuru zvishanu.45Pakarepo akamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vatungamire kuenda mhiri kuBhetisaidha, iye achirega chaunga chichienda.46Akati avaoneka, akabva akaenda mugomo kunonyengetera.47Zvino ava madekwana chikepe chakange chiri pakati pegungwa, iye ari oga panyika.48Zvino wakavaona vachirwadziwa nekukwasva, nekuti mhepo yakange ichipesana navo; akauya kwavari nenguva inenge seyechina yekurinda yeusiku, achifamba pamusoro pegungwa; ndokuda kuvapfuura.49Zvino vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti idzangaradzimu, vakaridza mhere.50Nekuti vose vakamuona, vakavhunduka; asi pakarepo akataura navo, akati kwavari: Tsungai moyo, ndini, musatya.51Akakwira kwavari muchikepe, mhepo ikanyarara; vakakatyamara zvikuru mukati mavo zvisingaverengeki vakashamisika.52nekuti vakange vasina kunzwisisa zvezvingwa, nekuti moyo wavo wakange uri mukukutu.53Vakati vayambuka, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira chikepe pamahombekombe.54Vakati vabuda muchikepe, pakarepo vakamuziva,55vakamhanyira munharaunda iyo yose yakapoteredza, vakatanga kutenderera vakatakura vairwara pamichanja, kwavainzwa kuti ndiko kwaari.56Zvino pose paakapinda pamisha kana pamaguta kana paruwa, vakaradzika varwere pamisika, vakamukumbira zvikuru kuti vabate mupendero wenguvo dzake chete; uye vose vakamubata vakaponeswa.