Shona

Mark

5

1Vakasvika mhiri kwegungwa, kunyika yevaGadharini.2Zvino wakati abuda muchikepe, pakarepo munhu akamuchingamidza achibva kumarinda ane mweya wetsvina,3uyo wakange ane ugaro kumarinda, uye kwakange kusina munhu wakange achigona kumusunga kunyange nemaketani,4nekuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvemakumbo nemaketani, asi maketani aigurwa nepakati naye, nezvisungo zvemakumbo zvaigurwa kuita zvidimbu; uye kwakange kusina waigona kumupingudza.5Zvino nguva dzose, usiku nemasikati, waiva mumakomo nekumarinda achidanidzira, achizvicheka nemabwe.6Zvino wakati achiona Jesu ari kure, akamhanya ndokumunamata;7akadanidzira nenzwi guru akati: Ndinei nemwi Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari, murege kundirwadzisa.8Nekuti wakati kwaari: Buda mumunhu, mweya wetsvina.9Ndokumubvunza akati: Zita rako ndiani? Akapindura achiti: Zita rangu rinonzi Regiyoni, nekuti tiri vazhinji.10Vakamukumbirisa zvikuru kuti arege kuvaendesa kunze kwenyika.11Zvino kwakange kuripo pedo nemakomo boka guru renguruve dzichifura.12Nemadhimoni ose akamukumbira zvikuru achiti: Titumirei kunguruve kuti tindopinda madziri.13Pakarepo Jesu akaatendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve; boka rikapitirikira kumawere kuenda kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikabitirirwa mugungwa.14Avo vaifudza nguruve ndokutiza, vakanoreva muguta neparuwa. Vakabuda kuzoona kuti chii chainge chaitwa.15Vakasvika kuna Jesu, vakaona uyo wakange ane madhimoni, iye waiva neRegiyoni agere, akapfeka ari munhu kwaye; vakatya.16Vaya vakange vazviona, vakavarondedzera kuti zvakaitika sei kune wakange ane madhimoni nepamusoro penguruve.17Vakatanga kumukumbirisa kuti abve mudunhu mavo.18Zvino wakati achipinda muchikepe, iye waiva nemadhimoni akamukumbirisa kuti ave naye.19Asi Jesu haana kumutendera, asi wakati kwaari: Enda kumba kwako, kune vekwako, undovaudza kuti zvikuru sei Ishe zvaakuitira, nekukuitira tsitsi.20Akabva ndokuenda akatanga kuparidza muDhekapori kukura kwezvinhu Jesu zvaakamuitira; vose vakashamisika.21Jesu wakati ayambukazve nechikepe kune rimwe divi, chaunga chikuru chikaunganira kwaari, uye wakange ava pedo negungwa.22Zvino tarira, kwakasvika umwe wevakuru vesinagoge, wainzi Jairosi; zvino wakati amuona, akawira patsoka dzake.23Akamukumbirisa zvikuru achiti: Mukunda wangu muduku wotandadza, uyai muise maoko pamusoro pake kuti aponeswe uye uchararama.24Akaenda naye; chaunga chikuru chikamutevera, chikamutsimbirira.25Zvino umwe mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri,26wakange atambura zvikuru kuvarapi vazhinji, wakange apedza zvose zvaakange anazvo, asina kutongobatsirika, asi pachinhambo cheizvi ainyanyisa,27wakati anzwa zvaJesu, akauya nepakati pechaunga neshure, akabata nguvo yake.28Nekuti wakati: Kana ndikabata nguvo dzake chete, ndichaponeswa.29Zvino pakarepo chitubu cheropa rake chikapwa, akanzwa mumuviri kuti waporeswa pachifo.30Zvino pakarepo Jesu achiziva mukati make kuti simba rabuda maari, akatendeuka pachaunga akati: Ndiani wabata nguvo dzangu?31Vadzidzi vake vakati kwaari: Munoona chaunga chinokutsimbirirai, zvino moti: Ndiani wandibata?32Zvino wakaringa-ringa kuona uyo wakange aita ichi.33Asi mukadzi achitya, nekubvunda, achiziva zvakange zvaitika maari, akauya ndokuwira pamberi pake, ndokumuudza chokwadi chose.34Ndokuti kwaari: Mukunda, rutendo rwako rwakuponesa, enda norugare, poreswa pachifo chako.35Wakati achataura, kwakasvika vamwe vemukuru wesinagoge vakati: Mukunda wenyu wafa, muchiri kutambudzirei mudzidzisi?36Pakarepo Jesu achinzwa shoko rakataurwa akati kumukuru wesinagoge: Usatya, tenda chete.37Akasatendera munhu kumutevera, kunze kwaPetro naJakobho naJohwani munin'ina waJakobho.38Vakasvika mumba memukuru wesinagoge, akaona mhere-mhere nevaichema nekurira zvikuru.39Zvino wakati apinda akati kwavari: Munoitirei mhere-mhere muchichema? Mucheche haana kufa, asi uvete.40Vakamuseka vachimumhura. Asi iye wakati avabudisa vose panze, akatora baba vemucheche namai nevakange vanaye, akapinda makange muvete mucheche.41Akabata ruoko rwemucheche, akati kwaari: "Tarita kumi;" ndokuti kana zvichishandurwa: Musikana muduku, ndinoti kwauri, muka.42Pakarepo musikana wakasimuka, akafamba, nekuti waiva wemakore gumi nemaviri; vakashamisika nekushamisika kukuru.43Akavaraira zvikuru kuti kusava nemunhu unoziva izvi; akati apiwe chikafu.