Shona

Mark

4

1Zvino wakatangazve kudzidzisa pagungwa; kukaungana kwaari chaunga chikuru zvekuti wakapinda muchikepe akagara mugungwa; uye chaunga chese chakange chiri pagungwa panyika.2Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari padzidziso yake:3Teererai; tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.4Zvino zvakaitika pakukusha, imwe yakawira parutivi rwenzira; shiri dzekudenga dzikauya dzikaidya dzikaipedza.5Asi imwe yakawira panzvimbo dzine mabwe, payakange isina ivhu zhinji; pakarepo ikamera, nekuti yakange isina udziku hwevhu;6asi zuva rakati rabuda, yakapiswa, uye nekuti yakange isina mudzi ikasvava.7Uye imwe yakawira pamhinzwa, mhinzwa ikakura ikaivhunga, ikasabereka chibereko.8Uye imwe yakawira muvhu rakanaka; ikabereka chibereko chakakura ikawedzera, ikabereka, imwe makumi matatu, neimwe makumi matanhatu, neimwe zana.9Ndokuti kwavari: Une nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.10Zvino wakati ava oga, vakange vakamukomba nevanegumi nevaviri vakamubvunza zvemufananidzo.11Uye akati kwavari: Kwamuri kwakapiwa kuziva chakavanzika cheushe hwaMwari; asi kune avo vari kunze, zvose zvinoitwa nemifananidzo;12kuti vachiona vaone asi varege kuonesesa, vachinzwa vanzwe asi vasinganzwisisi, zvimwe chero nguva varege kutendeuka, vakangamwirwe zvivi.13Zvino akati kwavari: Hamuzivi mufananidzo uyu here? Zvino muchaziva sei mifananidzo yose?14Mukushi unokusha shoko.15Zvino ava ndivo veparutivi rwenzira, apo panokushwa shoko, uye kana vachirinzwa, pakarepo Satani unouya ndokubvisa shoko rakakushwa mumoyo yavo.16Uye saizvozvo ava ndivo vakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ivo kana vanzwa shoko, pakarepo vanorigamuchira nemufaro,17asi havana mudzi mavari, asi ndevenguva; pashure kana matambudziko nekushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.18Zvino ava ndivo vanokushwa mumhinzwa, vanonzwa shoko,19asi kuzvidya moyo kwezvenyika ino nekunyengera kwefuma neruchiva pamusoro pezvimwe zvinhu zvichipinda, zvichivhunga shoko, rova risingabereki.20Naava ndivo vakakushwa muvhu rakanaka, ndivo vanonzwa shoko, ndokugamuchira, vagobereka chibereko, umwe makumi matatu, uye umwe makumi matanhatu, uye umwe zana.21Zvino wakati kwavari: Mwenje unouiswa kuti uiswe pasi pedengu kana pasi pemubhedha here? Kwete kuti uiswe pachigadziko chemwenje here?22Nekuti hapana chakavigwa chisingazovhundunurwi, kana chakachengetwa chakavanda, asi kuti zvibude pachena.23Kana munhu ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.24Zvino wakati kwavari: Chenjererai zvamunonzwa; nechiyero chamunoyera nacho chichayerwa kwamuri, nekwamuri imwi munonzwa, chichawedzerwa.25Nekuti ani nani unacho uchapiwa; asi usina uchatorerwa kunyange nechaanacho.26Zvino akati: Hwakadaro ushe hwaMwari, sezvinonzi munhu unokusha mbeu muvhu.27Zvino ovata nekumuka usiku nemasikati, mbeu inomera ichikura iye asingazivi kuti sei.28Nekuti ivhu rinozviberekera chibereko pacharo, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura.29Asi kana chibereko chaibva, pakarepo unotuma jeko nekuti kukohwa kwasvika.30Zvino wakati: Tichafananidza nei ushe hwaMwari? Tingahuenzanisa nemuenzaniso upi?31Setsanga yemasitadha*, iyo kana ichidzvarwa muvhu, idukusa kumbeu dzose dzepanyika;32asi kana yadzvarwa, inokura ichiva huru kumirivo yose, ichiita matavi makuru zvekuti shiri dzekudenga dzinogona kuvakira pamumvuri wawo.33Zvino nemifananidzo mizhinji yakadaro, akataura shoko kwavari, sepavaigona kunzwa napo.34Asi kunze kwemifananidzo haana kutaura kwavari; asi vava vega, wakadudzira vadzidzi vake zvose.35Zvino nezuva iroro ava madekwana, wakati kwavari: Ngatiyambukire mhiri.36Vakarega chaunga chichiinda, vakaenda naye akangodaro muchikepe. Zvino kwaivawo nemamwe magwa naye.37Zvino kwakamuka dutu guru remhepo, mafungu akazviroverera muchikepe, zvekuti chakange zvino chozadzwa.38Asi iye wakange ari shure muchikepe avete pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari: Mudzidzisi, hamuna hanya kuti toparara here?39Akamuka akatsiura mhepo, akati kugungwa: Nyarara, gadzikana! Mhepo ikamira, kukava nekudzikama kukuru.40Ndokuti kwavari: Munotyirei zvakadaro? Hamuna rutendo sei?41Vakatya nekutya kukuru, vakati umwe kune umwe: Zvino ndiani uyu, kuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?