1Zvino wakapindazve musinagoge, zvino kwakange kune munhuko wakange ane ruoko rwakawonyana.2Zvino vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nesabata, kuti vamupomere.3Zvino akati kumunhu waiva neruoko rwakawonyana: Simuka uende pakati.4Akati kwavari: Zviri pamutemo here kuita zvakanaka nemasabata, kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu, kana kuuraya? Asi vakanyarara.5Zvino wakati aringa-ringa kwavari, nekutsamwa, ane shungu nekuda kwekuoma kwemoyo wavo, akati kumunhu: Tambanudza ruoko rwako. Akatambanudza ruoko rwake rwukaporeswa rwukagwinya serumwe.6VaFarisi vakabuda pakarepo vakarangana nevaHerodhe pamusoro pake kuti vangamuparadza sei.7Zvino Jesu akabva nevadzidzi vake vakaenda kugungwa; chaunga chikuru chikamutevera chichibva Garirea, nekuJudhiya,8nekuJerusarema, nekuIdhumeya, nemhiri kwaJoridhani, nevakapoteredza Tire neSidhoni, chaunga chikuru, vakati vanzwa makuriro ezvinhu zvaanoita vakauya kwaari.9Akataura kuvadzidzi vake kuti igwa duku rimugarire nekuda kwechaunga, kuti varege kumutsikirira.10Nekuti wakange aporesa vazhinji zvekuti vaiwira pamusoro pake kuti vamubate vose vakange vane zvirwere.11Nemweya yetsvina, payakamuona yakawira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti: Imwi muri Mwanakomana waMwari.12Akairairisa zvikuru kuti irege kumubudisa pachena.13Zvino wakakwira mugomo, akadanira kwaari vaakange achida iye; vakauya kwaari.14Akagadza gumi nevaviri, kuti vave naye, nekuti avatume kunoparidza,15uye vave nesimba rekuporesa zvirwere nekubudisa madhimoni.16NaSimoni akamutumidza zita rinonzi Petro,17naJakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina waJakobho; akavatumidza mazita anonzi Bowanegesi, ndokuti, vanakomana vekutinhira;18naAndiriya, naFiripi, naBhatoromiyo, naMatewu, naTomasi, naJakobho waArifiyosi, naTadhiyo, naSimoni muKenani,19naJudhasi Isikariyoti, iyewo wakamutengesa. Ndokubva vapinda mumba.20Chaunga chikaunganazve zvekuti vakange vasingagoni kana kudya chingwa.21Vekwake vakati vachizvinzwa vakabuda kunomubata; nekuti vakati: Unopenga.22Nevanyori vakaburuka vachibva kuJerusarema vakati: Una Bheerizebhuri, nekuti: Unobudisa madhimoni nemutungamiriri wemadhimoni.23Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo: Satani ungagona kubudisa Satani sei?24Kana ushe hwakapesana hwuchimirisana, ushe uhwo hahungagoni kumira.25Kana imba yakapesana ichimirisana, imba iyo haigoni kumira.26Uye kana Satani achizvimukira, akapesana, haangagoni kumira, asi unopera.27Hakuna ungagona kupinda mumba mehamburamakaka, akapamba nhumbi dzayo, kunze kwekuti atanga kusunga hamburamakaka, ndokuzopamba imba yayo.28Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvivi zvose zvichakangamwirwa kuvanakomana vevanhu, nekunyomba kose kwavanonyomba nako;29asi ani nani unonyomba achipikisa Mweya Mutsvene haana kangamwiro narinhi asi une mhosva yekutongwa kusingaperi.30Nekuti vakati: Une mweya wetsvina.31Zvino kwakauya vanin'ina namai vake, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari vachimudana.32Chaunga chakange chigere chakamukomba; vakati kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vari panze vanokutsvakai.33Akavapindura achiti: Mai vangu ndiani kana vanin'ina vangu?34Zvino akaringa-ringa kupoteredza avo vakange vagere vakamukomba akati: Tarirai mai vangu nevanin'ina vangu.35Nekuti ani nani unoita kuda kwaMwari, ndiye munin'ina wangu nehanzvadzi yangu namai.